ShonaTeam Leviticus « 10 »

Chivi chaNadhabhi naAbhihu

10Zvino Nadhabhi naAbhihu vanakomana vaAroni vakatora umwe neumwe hadyana yake yekupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira, ndokuisamo moto, ndokuisa pamusoro pawo zvipfungaidzo zvinonhuhwira, vakapa moto usingazikanwi pamberi paJehovha, waasina kuvaraira.

2 Zvino kwakabuda moto kubva pamberi paJehovha ndokuvapedza; zvino vakafa pamberi paJehovha.

3 Zvino Mozisi wakati kuna Aroni: Ndizvo Jehovha zvaakataura, achiti: Ndichaitwa mutsvene mune vanoswedera kwandiri, uye ndicharumbidzwa pamberi pevanhu vose. Aroni ndokunyarara.

4 Zvino Mozisi wakadana Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUziyeri, babamunini vaAroni, ndokuti kwavari: Swederai, mubvise hama dzenyu pamberi penzvimbo tsvene, kusvika kunze kwemusasa.

5 Zvino vakaswedera, vakavatakurira kunze kwemusasa vane nguvo dzavo refu, Mozisi sezvaaiva areva.

6 Mozisi ndokuti kuna Aroni nekuna Eriazari nekuna Itamari vanakomana vake: Musafudugura misoro yenyu, kana kubvarura nguvo dzenyu, zvimwe mungafa, agotsamwira ungano yose; asi hama dzenyu, imba yose yaIsraeri, ngavacheme kupisa Jehovha kwaakatungidza.

7 Uye musabuda pamukova wetende rekusangana, kuti zvimwe mungafa; nokuti mafuta ekuzodza aJehovha ari pamusoro penyu. Vakaita seshoko raMozisi.

Kudya nekunwa kwevapristi

8 Zvino Jehovha wakataura kuna Aroni achiti:

9 Usanwa waini kana zvinwiwa zvinodhaka, iwe nevanakomana vako pamwe newe, kana muchipinda mutende rekusangana, kuti murege kufa; chimiso nekusingaperi pamazera enyu.

10 Uye kuti muise musiyano pakati pechitsvene nechisiri chitsvene, nepakati pechisina kuchena nechakachena;

11 nekudzidzisa vana vaIsraeri mitemo yose yaJehovha yaakataura kwavari neruoko rwaMozisi.

12 Zvino Mozisi wakataura kuna Aroni nekuna Eriazari nekuna Itamari vanakomana vake vaiva vasara, akati: Torai chipo chechidyiwa chakasara pazvipo zvemoto zvaJehovha, mugochidya chisina mbiriso parutivi rwearitari; nokuti chitsvene chechitsvene.

13 Uye muchachidyira panzvimbo tsvene, nokuti ifaniro yako nefaniro yevanakomana vako yezvipo zvaJehovha zvemoto; nokuti ndakarairwa saizvozvo.

14 Asi chityu chekuzunguzira nebandauko rekusimudzira muchadyira panzvimbo yakachena, iwe, nevanakomana vako, nevanasikana vako pamwe newe; nokuti ifaniro yako nefaniro yevanakomana vako zvakapiwa kubva pazvibairo zvezvipo zvekuyananisa zvevana vaIsraeri.

15 Bandauko rekusimudzira nechityu chekuzunguzira vachauya nazvo pamwe nezvipo zvemoto zvemafuta, kuti vazunguzire chipo chekuzunguzira pamberi paJehovha; uye chichava chako nechevanakomana vako pamwe newe chive chimiso nekusingaperi, Jehovha sezvaakaraira.

16 Zvino Mozisi wakatsvakisisa mbudzi yechipo chezvivi, zvino tarira, yakapiswa. Zvino akatsamwira Eriazari naItamari, vanakomana vaAroni vaiva vasara, achiti:

17 Makaregerei kudyira chipo chezvivi panzvimbo tsvene? Nokuti chitsvene chechitsvene, uye wakakupai icho kutakura kuipa kweungano, muvaitire chiyananiso pamberi paJehovha.

18 Tarirai, ropa rayo harina kupinzwa mukati menzvimbo tsvene; mungadai zvirokwazvo makaidyira panzvimbo tsvene, sezvandakaraira.

19 Aroni ndokuti kuna Mozisi: Tarira, nhasi vapa chipo chavo chezvivi nechipo chavo chinopiswa pamberi paJehovha, zvino zvinhu zvakadai zvandiwira; zvino dai ndakadya chipo chezvivi nhasi, zvingava zvakanaka pameso aJehovha here?

20 Mozisi wakati anzwa zvikava zvakanaka pameso ake.