ShonaTeam Leviticus « 9 »

Vapristi vanotanga basa

9Zvino zvakaitika nemusi werusere kuti Mozisi wakadana Aroni nevanakomana vake, nevakuru vaIsraeri,

2 ndokuti kuna Aroni: Zvitorere mhuru, mwana wemombe, chive chipo chezvivi, negondohwe rive chipo chinopiswa, zvisina chazvingapomerwa, ugouya nazvo pamberi paJehovha.

3 Uye kuvana vaIsraeri uchataura uchiti: Torai nhongo yembudzi ive chipo chezvivi, nemhuru, negwayana, zvegore rimwe, zvisina chazvingapomerwa, zvive chipo chinopiswa;

4 nenzombe diki negondohwe zvive zvipo zvekuyananisa, kubaira pamberi paJehovha; nechipo chechidyiwa chakakanyiwa nemafuta; nokuti nhasi Jehovha achaonekwa kwamuri.

5 Zvino vakatora izvo Mozisi zvaaiva araira vakaisa pamberi petende rekusangana; ungano yose ndokuswedera ndokumira pamberi paJehovha.

6 Mozisi ndokuti: Ndicho chinhu icho Jehovha chaakaraira kuti muchiite; uye kubwinya kwaJehovha kuchaonekwa kwamuri.

7 Mozisi ndokuti kuna Aroni: Swedera kuaritari ugogadzira chipo chako chezvivi, nechipo chako chinopiswa, ugozviitira chiyananiso iwe nevanhu; uitirewo vanhu chipo, ugovaitira chiyananiso, Jehovha sezvaakaraira.

8 Aroni ndokuswedera kuaritari, ndokubaya mhuru yechipo chezvivi chaiva chake.

9 Vanakomana vaAroni ndokuuya neropa kwaari, iye ndokunyika munwe wake muropa, ndokuriisa panyanga dzearitari, ndokudurura ropa pazasi pearitari.

10 Asi mafuta neitsvo nemafuta epachiropa echipo chezvivi wakapisa paaritari, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.

11 Zvino nyama nedehwe wakapisa nemoto kunze kwemusasa.

12 Zvino wakabaya chipo chinopiswa; vanakomana vaAroni ndokumugamuchidza ropa, raakasasa pamusoro pearitari kupoteredza.

13 Vakamugamuchidzawo chipo chinopiswa nenhindi dzacho, nemusoro; iye ndokupisa pamusoro pearitari.

14 Zvino wakasuka zvemukati nemakumbo, ndokupisa pamusoro pechipo chinopiswa paaritari.

15 Zvino wakauya nechipo chevanhu, ndokutora mbudzi yechipo chezvivi chaiva chevanhu, ndokuibaya, akaipa kuva chipo chezvivi, seyekutanga.

16 Wakauya nechipo chinopiswa, ndokuchiita zvinoenderana nechimiso.

17 Akauyawo nechipo chechidyiwa, akazadza ruoko rwake nacho, ndokupisa pamusoro pearitari, kunze kwechipo chinopiswa chemangwanani.

18 Wakabayawo nzombe diki negondohwe, zvive chibairo chezvipo zvekuyananisa chaiva chevanhu; vanakomana vaAroni ndokumugamuchidza ropa, raakasasa pamusoro pearitari kupoteredza;

19 nemafuta enzombe diki, neegondohwe, bemhe, nemafuta anofukidza zvemukati, neitsvo, nemafuta epachiropa.

20 Uye vakaisa mafuta pamusoro pezvityu, iye ndokupisa mafuta paaritari.

21 Asi zvityu nebandauko rerudyi Aroni wakazunguzira, chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha, Mozisi sezvaakaraira.

22 Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, ndokuvaropafadza; ndokuburuka agadzira chipo chezvivi nechipo chinopiswa nezvipo zvekuyananisa.

23 Zvino Mozisi naAroni vakapinda mutende rekusangana, ndokubuda, ndokuropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha ndokuonekwa kuvanhu vose.

24 Zvino kwakabuda moto kubva pamberi paJehovha, ndokupedza chipo chinopiswa nemafuta pamusoro pearitari. Vanhu vose vakati vachiona vakadanidzira, ndokuwa nezviso zvavo.