ShonaTeam Leviticus « 7 »

7Zvino uyu murairo wechipo chemhosva: Chitsvene chezvitsvene.

2 Vachauraira chipo chemhosva panzvimbo pavanouraira chipo chinopiswa; zvino ropa racho acharisasa paaritari kupoteredza.

3 Zvino achapa machiri mafuta ose, bemhe, nemafuta anofukidza zvemukati,

4 neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri, ari pachiuno; nemafuta ari pamusoro pechiropa, achabvisa pamwe neitsvo.

5 Zvino mupristi achazvipisa paaritari, chipo chemoto kuna Jehovha; chipo chemhosva.

6 Munhurume umwe neumwe pavapristi achachidya; chichadyiwa panzvimbo tsvene; chitsvene chezvitsvene.

7 Sechipo chezvivi ndizvo zvinoitwa chipo chemhosva; murairo ndeumwe wazvo. Mupristi anoita chiyananiso nacho, chichava chake.

8 Uye mupristi anopa chipo chinopiswa chemunhu, dehwe rechipo chinopiswa chaapa nderemupristi, achava naro.

9 Uye chipo chimwe nechimwe chechidyiwa, chakabhekewa muhovhoni, nechose chakagadzirwa mugango kana muhari, zvichava zvemupristi anozvipa, zvichava zvake.

10 Uye chipo chimwe nechimwe chechidyiwa, chinokanyiwa nemafuta kana chakaoma, chichava chevanakomana vose vaAroni, umwe seumwe.

11 Zvino uyu murairo wechibairo chezvipo zvekuyananisa, zvaachapa kuna Jehovha:

12 Kana akachipa kuva chipo chekuvonga, ipapo achapa pamwe nechibairo chekuvonga makeke asina kuviriswa akakanyiwa nemafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa nemafuta, nemakeke akakanyiwa nemafuta zveupfu hwakatsetseka, zvakakangwa.

13 Kunze kwemakeke achapa chingwa chakaviriswa chive chipo chake, nechibairo chechipo chekuvonga chezvipo zvake zvekuyananisa.

14 Zvino achapa kubva pachiri chimwe pachipo chose chive chipo chekusimudzwa kuna Jehovha; chichava chemupristi, chichava chaiye anosasa ropa rezvipo zvekuyananisa.

15 Zvino nyama yechibairo chechipo chake chekuyananisa chekuvonga ichadyiwa musi wekupa kwake; haangasii chimwe chacho kusvika mangwanani.

16 Asi kana chibairo chechipo chake chiri chivimbiso kana chipo chekuzvidira, chichadyiwa musi iwoyo waanopa chibairo chake; zvino chifumewo zvakasara zvacho zvichadyiwa;

17 asi zvakasara zvenyama yechibairo nezuva retatu zvichapiswa nemoto.

18 Zvino kana imwe yenyama yechibairo chezvipo zvake zvekuyananisa ikadyiwa zvirokwazvo nezuva retatu, hazvingagamuchirwi kana kuverengerwa kune wakazvipa, zvichava chinyangadzo; nemweya weupenyu uchadya pazviri uchatakura kuipa kwawo.

19 Nenyama yakagunzva chipi chisina kuchena haingadyiwi, ichapiswa nemoto. Asi maererano nenyama, umwe neumwe wakachena angadya nyama.

20 Asi mweya weupenyu unodya nyama yechibairo chezvipo zvekuyananisa, iri yaJehovha, netsvina yawo pamusoro pawo, mweya uyu uchagurwa kubva pavanhu vawo.

21 Zvino kana mweya weupenyu ukagunzva chipi chisina kuchena, kusachena kwemunhu, kana mhuka isina kuchena, kana chipi chinonyangadza chisina kuchena, ndokudya panyama yechibairo chezvipo zvekuyananisa zviri zvaJehovha, mweya uyu uchagurwa kubva pavanhu vawo.

22 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

23 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Musadya chero mafuta emombe kana egwai kana embudzi.

24 Asi mafuta echitunha chemhuka nemafuta emhuka yakabvamburwa nezvikara angabatiswa basa ripi neripi, asi hamungatongoidyi.

25 Nokuti ani nani anodya mafuta emhuka yavapira Jehovha chipo chemoto, mweya weupenyu uyu unodya uchagurwa kubva pavanhu vawo.

26 Uye musadya ropa ripi neripi, reshiri kana remhuka, padzimba dzenyu dzose.

27 Mweya weupenyu upi neupi unodya ropa ripi neripi, mweya weupenyu uyo uchagurwa kubva pavanhu vawo.

28 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

29 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Anopa chibairo chake chezvipo zvekuyananisa kuna Jehovha achauya nechipo chake kuna Jehovha kubva pachibairo chezvipo zvake zvekuyananisa.

30 Maoko ake achauya nezvipo zvaJehovha zvemoto, mafuta pamwe nechityu, achauya nazvo pamwe nechityu, kuchizunguzira chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.

31 Zvino mupristi achapisa mafuta paaritari; asi chityu chichava chaAroni nechevanakomana vake.

32 Nebandauko rerudyi muchapa mupristi, chive chipo chinosimudzwa chezvibairo chezvipo zvenyu zvekuyananisa.

33 Uyo pakati pevanakomana vaAroni anopa ropa rezvipo zvekuyananisa nemafuta achawana bandauko rerudyi uve mugove wake.

34 Nokuti chityu chinosimudzwa nebandauko rinosimudzwa ndakatora kuvana vaIsraeri pazvibairo zvezvipo zvavo zvekuyananisa, ndokuzvipa Aroni mupristi nekuvanakomana vake, chive chimiso nekusingaperi, kubva kuvana vaIsraeri.

35 Ndiwo mugove waAroni nemugove wevanakomana vake kubva pazvipo zvemoto zvaJehovha, pamusi waakavaswededza kubatira Jehovha paupristi,

36 uyo Jehovha waakaraira kuvapa kubva kuvana vaIsraeri nemusi wekuvazodza. Chimiso nekusingaperi kusvika kumazera avo.

37 Uyu murairo wechipo chinopiswa, wechipo chechidyiwa, newechipo chezvivi, newechipo chemhosva, newekugadza, newechibairo chezvipo zvekuyananisa;

38 Jehovha waakaraira Mozisi pagomo reSinai nemusi waakaraira vana vaIsraeri kupa Jehovha zvipo zvavo murenje reSinai.