ShonaTeam Leviticus « 6 »

6Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Kana mweya weupenyu ukatadza, ndokudarika chitadzo kuna Jehovha, ndokunyengera wekwawo pachinhu chawakapiwa kuchengeta, kana maererano nechibatiso cheruoko, kana chakapambiwa, kana kumanikidza wekwawo;

3 kana ukawana chaiva charasika, ndokureva nhema pamusoro pacho, ndokupika nhema; pachinhu chipi chezvose munhu chaanoita, achitadza pachiri;

4 zvino zvichati, nokuti watadza, ndokuva nemhosva, kuti achadzosera chakapambiwa chaaiva apamba, kana chakatorwa nechisimba chaaiva atora nechisimba, kana chakaiswa chaiva chaiswa naye, kana chakarasika akachiwana;

5 kana pane chipi nechipi chaaiva apika nhema nezvacho; achachidzosera pakuzara kwacho, agowedzera cheshanu kwachiri, achipe kune ari wacho nezuva rechipo chake chemhosva.

6 Zvino achauya nechipo chake chemhosva kuna Jehovha, gondohwe risina charingapomerwa paboka, nemaonero ako, chive chipo chemhosva, kumupristi.

7 Zvino mupristi achamuitira chiyananiso pamberi paJehovha, agokanganwirwa pane chipi chezvose zvaakaita kudarika pachiri.

Mirairo yezvipiriso

8 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

9 Raira Aroni nevanakomana vake uchiti: Uyu murairo wechipo chinopiswa: Chipo chinopiswa pachoto paaritari usiku hwose kusvika mangwanani, uye moto wearitari uchapfuta pachiri.

10 Zvino mupristi achapfeka nguvo yake yemucheka, nechikadubura chemukati chemucheka achapfeka pamuviri wake, agotora madota kana moto wapedza chipo chinopiswa paaritari, agoaise parutivi rwearitari.

11 Zvino achabvisa nguvo dzake, ndokupfeka dzimwe nguvo, agotakurira madota kunze kwemusasa kunzvimbo yakachena.

12 Zvino moto paaritari uchava uchipfuta pamusoro payo, haudzimwi; uye mupristi achavesa huni pamusoro payo mangwanani oga-oga, ndokurongedza chipo chinopiswa pamusoro payo, agopisa mafuta ezvipo zvekuyananisa pamusoro payo.

13 Moto ucharamba uchipfuta pamusoro pearitari, usadzima.

14 Uye uyu murairo wechipo chechidyiwa: Vanakomana vaAroni vachachipa pamberi paJehovha pamberi pearitari.

15 Zvino achatora pachiri ruoko rwake rwuzere rweupfu hwechipo chechidyiwa, nepamafuta acho, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvose zviri pamusoro pechipo chechidyiwa, agopisa paaritari, chive hwema hunonhuhwira, chirangaridzo chacho kuna Jehovha.

16 Nezvakasara zvacho Aroni nevanakomana vake vachadya; zvichadyiwa zvisina kuviriswa panzvimbo tsvene; vachazvidya pachivanze chetende rekusangana.

17 Ngazvirege kubhekewa nembiriso; ndazvipa uve mugove wavo wezvipo zvangu zvemoto; chitsvene chezvitsvene, sechipo chezvivi, uye sechipo chemhosva.

18 Munhurume wose pavana vaAroni achazvidya, chive chimiso rinhi narinhi pamazera enyu kubva pazvipo zvaJehovha zvemoto; wose anozvibata uchava mutsvene.

19 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

20 Ichi chipo chaAroni nechevanakomana vake chavachapa kupa Jehovha nemusi waanozodzwa: Chegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, chive chipo chechidyiwa rinhi narinhi; hafu yacho pamangwanani, nehafu yacho pamadekwani.

21 Chichaitirwa mugango nemafuta; uchauya nacho chakavhenganiswa; uchazvipa zvimedu zvakabhekewa zvechipo chechidyiwa zvive hwema hwechinonhuhwira kuna Jehovha.

22 Zvino mupristi wevanakomana vake wakazodzwa pachinzvimbo chake achachiita; chimiso nekusingaperi; chichapiswa chose kuna Jehovha.

23 Zvino chipo chimwe nechimwe chechidyiwa chemupristi chichapiswa chose; chisadyiwa.

24 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi akati:

25 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake uchiti: Uyu murairo wechipo chezvivi: Panzvimbo panourayirwa chipo chinopiswa ndipo pachaurairwa chipo chezvivi pamberi paJehovha; chitsvene chechitsvene.

26 Mupristi anochipa pamusoro pechivi achachidya; chichadyirwa panzvimbo tsvene, pachivanze chetende rekusangana.

27 Chipi nechipi chinobata nyama yacho chichava chitsvene; kana pakadonera rimwe reropa racho panguvo, uchasuka icho parakadonera panzvimbo tsvene.

28 Asi mudziyo wevhu mayakabikirwa uchaputswa; uye kana yakabikwa mumudziyo wendarira unofanira kukwizwa nekusukurudzwa nemvura.

29 Munhurume wose pavapristi achachidya, chitsvene chezvitsvene.

30 Asi chipo chose chezvivi, rimwe reropa racho rakaiswa mutende rekusangana kuyananisira panzvimbo tsvene, hachingadyiwi; chichapiswa mumoto.