ShonaTeam Leviticus « 5 »

5Zvino kana mweya weupenyu ukatadza, ndokunzwa inzwi remhiko, uye uve chapupu, kana wakazviona kana kuziva, kana asingatauri, zvino achatakura kuipa kwake.

2 Uye kana mweya weupenyu ukabata chero chinhu chisina kuchena, kana chitunha chemhuka isina kuchena, kana chitunha chechipfuwo chisina kuchena, kana chitunha chezvinokambaira zvisina kuchena, kunyange zvikava zvakavanzika kwaari, achava asina kuchena, agova nemhosva.

3 Zvino kana akabata kusachena kwemunhu, kungava kusachena kwake kupi kwaasina kuchena nako, uye kukavanzika kwaari, iye paachaziva achava nemhosva.

4 Zvino kana mweya weupenyu uchipika, uchitaura usingafungisisi nemiromo yawo kuita chakaipa kana kuita chakanaka, kana chii munhu chaangataura asingafungisisi nemhiko, uye chikavanzika kwaari, iye paachaziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo.

5 Zvino kuchati kana akava nemhosva pane chimwe chaizvozvo, achabvuma kuti wakatadza pane izvozvo.

6 Zvino achauya nechipo chake chekudarika kuna Jehovha pamusoro pechivi chake chaakatadza, hadzi kubva pazvipfuwo, gwayana kana mbudzana yembudzi, chive chipo chezvivi; mupristi agomuitira chiyananiso pamusoro pechivi chake.

7 Zvino kana ruoko rwake rusingananaviri kune zvinodiwa pagwayana, ipapo achavigira Jehovha njiva mbiri, kana vana vaviri vehangaiwa pakudarika kwake kwaakatadza; imwe yechipo chezvivi, uye imwe yechipo chinopiswa.

8 Zvino achauya nazvo kumupristi, iye achapa iri yechipo chezvivi kutanga, ndokumonyorora musoro wayo pamutsipa wayo, asi arege kuiparadzanisa.

9 Zvino achasasa rimwe reropa rechipo chezvivi parutivi rwearitari, uye rinosara paropa richasvinirwa pazasi pearitari; chipo chezvivi.

10 Yechipiri ngaaite chipo chinopiswa, zvichienderana nechimiso; uye mupristi achamuitira chiyananiso pamusoro pechivi chake chaakatadza, zvino achachikanganwirwa.

11 Asi kana ruoko rwake rwusingananaviri kunjiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa, zvino uyo anotadza achauya nechipo chake chegumi cheefa cheupfu hwakatsetseka, chive chipo chezvivi; asaisa mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pahwo, nokuti chipo chezvivi.

12 Zvino achauya nacho kumupristi, mupristi agotora ruoko rwake ruzere rwahwo, chive chirangaridzo chahwo, ndokupisa paaritari, zvichienderana nezvipo zvemoto zvaJehovha; chipo chezvivi.

13 Zvino mupristi achamuitira chiyananiso maererano nechivi chaakatadza pachipi chezvinhu izvi, zvino achachikanganwirwa. Zvino zvichava zvemupristi, sechipo chechidyiwa.

14 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

15 Kana mweya weupenyu ukadarika nekudarika, ukatadza usingazivi pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, uchauya nechipo chawo chemhosva kuna Jehovha, gondohwe risina charingapomerwa paboka, nemaonero ako pamashekeri esirivha maererano neshekeri repanzvimbo tsvene, chive chipo chemhosva.

16 Zvino achatsiva zvaakatadza pachinhu chitsvene, agowedzera cheshanu chacho pachiri, ndokuchipa kumupristi; mupristi agomuitira chiyananiso negondohwe rechipo chemhosva, zvino achachikanganwirwa.

17 Zvino kana mweya weupenyu ukatadza, nekudarika umwe wemirairo yose yaJehovha zvisingafaniri kuitwa, kunyange asingazivi, zvakadaro une mhosva, uye uchatakura kuipa kwawo.

18 Zvino uchauya kumupristi negondohwe risina charingapomerwa kubva kuboka, nemaonero ako, chive chipo chemhosva; mupristi agomuitira chiyananiso pamusoro pekusaziva kwaakatadza nako asingazivi, zvino achakukanganwirwa.

19 Chipo chemhosva; zvirokwazvo une mhosva kuna Jehovha.