ShonaTeam Leviticus « 4 »

Zvipo zvezvivi

4Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Kana mweya weupenyu ukatadza nekusaziva uchipesana nemirairo ipi yaJehovha, zvisingafaniri kuitwa, ukaita zvinopesana neumwe wayo;

3 kana mupristi wakazodzwa akatadza, ikava mhosva kuvanhu, zvino nekuda kwechivi chake chaakatadza ngaape nzombe diki, mhuru yemombe isina chaingapomerwa kuna Jehovha, ive chipo chezvivi.

4 Zvino achauya nenzombe diki kumukova wetende rekusangana pamberi paJehovha, agoisa ruoko rwake pamusoro wenzombe diki, ndokuuraya nzombe diki pamberi paJehovha.

5 Zvino mupristi wakazodzwa achatora rimwe reropa renzombe diki, ndokuuya naro kutende rekusangana.

6 Zvino mupristi achanyika munwe wake muropa, ndokusasa rimwe reropa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pevheiri renzvimbo tsvene.

7 Zvino mupristi achaisa rimwe reropa panyanga dzearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira pamberi paJehovha, zviri mutende rekusangana, agodurura ropa rose renzombe diki pazasi pearitari yechipiriso chinopiswa iri pamukova wetende rekusangana.

8 Zvino achakwatura kubva pariri mafuta ose enzombe diki yechipo chezvivi, mafuta anofukidza zvemukati, nemafuta ose ari pamusoro pezvemukati,

9 neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri, ari pachiuno, nemafuta ari pamusoro pechiropa, pamwe neitsvo, ngaazvibvise,

10 sezvaakwaturwa panzombe diki yechibairo chezvipo zvekuyananisa; zvino mupristi achazvipisa paaritari yechipo chinopiswa.

11 Zvino dehwe renzombe diki, nenyama yayo yose, pamwe nemusoro wayo, uye pamwe nemakumbo ayo, nezvemukati zvayo, nechizvizvi chayo,

12 hongu nzombe diki yose achaibudisira kunze kwemisasa, aiise panzvimbo yakachena, panorasirwa madota akanuna, ndokuipisira pahuni nemoto; ichapisirwa panorasirwa madota akanuna.

13 Zvino kana ungano yose yaIsraeri ikatadza nekusaziva, uye chinhu chikavanzika pameso eungano, vakadarika upi neupi wemirairo yaJehovha, zvisingafaniri kuitwa, vakava nemhosva;

14 apo chivi chavakatadza vachipesana nayo chikazikanwa, ungano ichapa nzombe diki, mhuru yemombe, chive chipo chezvivi, agouya nayo pamberi petende rekusangana.

15 Zvino vakuru veungano vachaisa maoko avo pamusoro wenzombe diki pamberi paJehovha; nzombe igourawa pamberi paJehovha.

16 Zvino mupristi wakazodzwa achauya nerimwe reropa renzombe diki patende rekusangana.

17 Mupristi achanyikawo munwe wake muropa, agorisasa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pevheiri.

18 Zvino achaisa rimwe reropa panyanga dzearitari iri pamberi paJehovha, iri mutende rekusangana. Ropa rose agoridururira pazasi pearitari yechipo chinopiswa, iri pamukova wetende rekusangana.

19 Zvino achatora kubva pairi mafuta ayo ose, agopisa paaritari.

20 Zvino achaita panzombe diki sezvaakaita panzombe diki yechipo chezvivi, achaiita saizvozvo; mupristi agovaitira chiyananiso, zvino vachakanganwirwa.

21 Zvino achabudisira nzombe diki kunze kwemusasa, ndokuipisa, sezvaakapisa nzombe diki yekutanga; chipo chezvivi cheungano.

22 Kana mutungamiriri akatadza, akaita nekusaziva akadarika upi neupi wemirairo yaJehovha Mwari wake, zvisingaitwi, ikava mhosva;

23 kana chivi chake chaakatadza pachiri chikazikanwa kwaari, achauya nechipo chake, mbudzana yembudzi, hono isina chaingapomerwa.

24 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wembudzi, agoiuraira panzvimbo panourairwa chipo chinopiswa pamberi paJehovha; chipo chezvivi.

25 Zvino mupristi achatora rimwe reropa rechipo chezvivi nemunwe wake, agoisa panyanga dzearitari yechipo chinopiswa, agodira ropa rayo muzasi mearitari yechipo chinopiswa.

26 Zvino achapisa mafuta ayo ose paaritari, semafuta echibairo ezvipo zvekuyananisa; mupristi agomuitira chiyananiso pamusoro pechivi chake, zvino achakanganwirwa.

27 Zvino kana mweya weupenyu upi wevanhu venyika ukatadza nekusaziva, nokuti wakaita zvinopesana neupi wemirairo yaJehovha, zvisina kufanira kuitwa, akava nemhosva;

28 kana chivi chake chaakatadza chikazikanwa kwaari, zvino achauya nechipo chake, mbudzana yembudzi, sheche isina chaingapomerwa, pamusoro pechivi chake chaakatadza.

29 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wechipo chezvivi, agouraya chipo chezvivi panzvimbo yechipo chinopiswa.

30 Zvino mupristi achatora rimwe reropa rayo nemunwe wake ndokuriisa panyanga dzearitari yechipo chinopiswa, agodururura ropa rose rayo pazasi pearitari.

31 Zvino achabvisa mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta kubva pachibairo chezvipo zvekuyananisa; mupristi agopisa paaritari, ave hwema hunonhuhwira kuna Jehovha; mupristi agomuitira chiyananiso, zvino achakanganwirwa.

32 Zvino kana akauya negwayana rive chipo chezvivi, achauya naro riri gadzi risina charingapomerwa.

33 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wechipo chezvivi, agoriuraya rive chipo chezvivi panzvimbo pavanouraira chipo chinopiswa.

34 Zvino mupristi achatora rimwe reropa rechipo chezvivi nemunwe wake, agoisa panyanga dzearitari yechipo chinopiswa; agodurura ropa raro rose pazasi pearitari.

35 Zvino achabvisa mafuta aro ose, sezvinobviswa mafuta egwayana kubva pachibairo chezvipo zvekuyananisa; mupristi agoapisa paaritari pamusoro pezvipo zvemoto zvaJehovha; zvino mupristi achamuitira chiyananiso pamusoro pechivi chake chaakatadza, agokanganwirwa.