ShonaTeam Leviticus « 2 »

Chipo cheupfu nechezvitsva

2Zvino kana munhu achipa chipo chechidyiwa kuna Jehovha, chipo chake chichava upfu hwakatsetseka; uye achadira mafuta pamusoro pacho, agoisa miti inonhuhwira inotapira pamusoro pacho,

2 agochiuisa kuvanakomana vaAroni, vapristi; agotora pachiri ruoko rwake rwuzere rweupfu hwacho hwakatsetseka nemafuta acho nezvinonhuhwira zvacho, mupristi agopisa chirangaridzo chacho paaritari; chipo chemoto, chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

3 Chakasara pachipo chechidyiwa chichava chaAroni nevanakomana vake; chitsvene chezvitsvene pazvipo zvemoto zvaJehovha.

4 Uye kana achipa chipo chechipo chechidyiwa chakabikwa muchoto, ngachive chemakeke asina kuviriswa cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, kana zvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa nemafuta.

5 Uye kana chipo chako chiri chipo chechidyiwa chakabikwa mugango, chichava cheupfu hwakatsetseka husina kuviriswa hwakakanyiwa nemafuta.

6 Uchachimedura kuita zvimedu, nekudira mafuta pazviri; chipo chechidyiwa.

7 Zvino kana chipo chako chiri chipo chechidyiwa chehari, chichaitwa neupfu hwakatsetseka pamwe nemafuta.

8 Uye uchauya nechipo chechidyiwa kuna Jehovha chakaitwa nezvinhu izvi; kana munhu achichiswededza kumupristi, achachipa kuaritari.

9 Zvino mupristi achatora kubva pachipo chechidyiwa chirangaridzo chacho, agopisa paaritari; chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

10 Nezvinosara pachipo chechidyiwa ngazvive zvaAroni nezvevanakomana vake; chitsvene chezvitsvene pazvipo zvemoto zvaJehovha.

11 Hakuna chipo chechidyiwa chamuchapa kuna Jehovha chichaitwa nembiriso, nokuti mbiriso ipi neipi kana uchi hupi nehupi hamuchabairi kubva pazviri chipo chemoto kuna Jehovha.

12 Chipo chezvibereko zvekutanga, muchazvipa kuna Jehovha; asi hazvichapiswi paaritari zvive hwema hunonhuhwira.

13 Nechipo chose chechipo chako chechidyiwa uchachirunga nemunyu; uye usatendera kuti munyu wesungano yaMwari wako ushaikwe pachipo chako chechidyiwa; uchapa munyu pamwe nechipo chako chose.

14 Zvino kana uchipa chipo chechidyiwa chezvibereko zvekutanga kuna Jehovha, uchapa hura nyoro dzakakangwa nemoto chive chipo chechidyiwa pazvibereko zvako zvekutanga, zviyo zvakatswiwa zvehura zvitsva.

15 Zvino uchaisa mafuta pamusoro pacho, nekuronga zvinonhuhwira pachiri; chipo chechidyiwa.

16 Zvino mupristi achapisa chirangaridzo chacho chezviyo zvacho zvakatswiwa nechemafuta acho, nezvinonhuhwira zvacho zvose; chipo chemoto kuna Jehovha.