ShonaTeam Leviticus « 1 »

Zvipiriso zvinopiswa

1 Zvino Jehovha wakadana Mozisi, ndokutaura kwaari ari mutende rekusangana, achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana munhu wekwenyu achipa chipo kuna Jehovha, muchapa chipo chenyu kubva pazvipfuwo, kubva pamombe, kana kubva pamakwai.

3 Kana chipo chake chiri chipo chinopiswa kubva pamombe, achapa mukono usina chaungapomerwa, achaupa pamukova wetende rekusangana, nechido chake, pamberi paJehovha.

4 Zvino achaisa ruoko rwake pamusoro wechipo chinopiswa, uye chigamuchirirwe iye kumuitira chiyananiso.

5 Zvino achauraya nzombe diki pamberi paJehovha; uye vapristi vanakomana vaAroni vachapa ropa vagosasa ropa kupoteredza paaritari iri pamukova wetende rekusangana.

6 Zvino achavhiya chipo chinopiswa, nekuchigura-gura nhindi dzacho.

7 Zvino vanakomana vaAroni mupristi vachaisa moto paaritari, nekugadzira huni pamusoro pemoto.

8 Zvino vapristi vanakomana vaAroni vacharonga nhindi, musoro, nemafuta pamusoro pehuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari.

9 Asi achasuka zvemukati zvacho nemakumbo acho mumvura, uye mupristi achapisa zvose paaritari, chive chipo chinopiswa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

10 Zvino kana chipo chake chichibva paboka, remakwai, kana rembudzi, kuva chipo chinopiswa, achapa mukono usina chaungapomerwa.

11 Zvino achachiuraira parutivi rwearitari nechekumaodzanyemba pamberi paJehovha; zvino vanakomana vaAroni, vapristi, vachasasa ropa racho kupoteredza paaritari.

12 Zvino uchachigura-gura kuita nhindi dzacho, nemusoro wacho nemafuta acho; zvino mupristi achazvironga pahuni dziri pamoto uri pamusoro pearitari.

13 Asi achasuka zvemukati nemakumbo nemvura; mupristi agobaira zvose, ndokupisa paaritari, chive chipo chinopiswa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

14 Zvino kana chipo chake kuna Jehovha chiri chipo chinopiswa cheshiri, zvino achapa chipo chake panjiva, kana pavana vehangaiwa.

15 Zvino mupristi achachipa kuaritari, agomonyorora musoro wacho agopisa paaritari; neropa racho acharisvinira parutivi rwearitari.

16 Zvino achabvisa chihururu chayo neminhenga yacho, ndokuzvirasa kurutivi rwearitari kumabudazuva kunzvimbo yemadota.

17 Zvino achaibvambura nemapapiro ayo asingaiparadzanisi; mupristi agoipisa paaritari pamusoro pehuni dziri pamoto; chipo chinopiswa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.