ShonaTeam Exodus « 40

Mozisi anomisa tabhenakeri

40Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Nezuva remwedzi wekutanga, nerekutanga remwedzi, uchamisa tabhenakeri, tende rekusangana.

3 Uchaisamowo areka yechipupuriro, ugofukidza areka nevheiri.

4 Upinzewo tafura, nekurongedza zvinorongedzwa pamusoro payo; uye uchapinza chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho.

5 Uisewo aritari yegoridhe yezvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chiremberedzwa chemukova wetabhenakeri.

6 Zvino uise aritari yechipo chinopiswa pamberi pemukova wetabhenakeri yetende rekusangana.

7 Uisewo dhishi pakati petende rekusangana nearitari, ugoisa mvura imomo.

8 Zvino uise chivanze chakapoteredza, ugoisa chiremberedzwa pasuwo rechivanze.

9 Uchatorawo mafuta ekuzodza, ugozodza tabhenakeri nezvose zviri mairi; ugoiita tsvene, nemidziyo yose yayo, uye ichava tsvene.

10 Uchazodzawo aritari nechipo chinopiswa, nemidziyo yayo yose, ugoita aritari tsvene; zvino aritari ichava chitsvene chezvitsvene.

11 Uchazodzawo dhishi negumbo raro, uriite dzvene.

12 Zvino uchaswededza Aroni nevanakomana vake kumukova wetende rekusangana, ugovashambidza nemvura.

13 Zvino uchapfekedza Aroni nguvo tsvene, ugomuzodza nekumuita mutsvene, kuti andishumire paupristi.

14 Uswededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguvo refu.

15 Uchavazodzawo sezvawakazodza baba vavo, kuti vandishumire paupristi; uye kuzodzwa kwavo kuchava kwavari upristi nekusingaperi kumazera avo.

16 Mozisi ndokuita zvinoenderana nezvose Jehovha zvaakamuraira, wakazviita saizvozvo.

17 Zvino zvakaitika mumwedzi wekutanga negore rechipiri nerekutanga remwedzi tabhenakeri yakamiswa.

18 Mozisi ndokumisa tabhenakeri, ndokuisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, ndokuisa mbariro dzayo, ndokumisa mbiru dzayo.

19 Zvino wakawarira tende pamusoro petabhenakeri, ndokuisa chifukidzo chetende pairi pamusoro, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

20 Zvino wakatora akaisa uchapupu muareka, ndokuisa zvibatiso paareka, ndokuisa chigaro chengoni pamusoro paareka.

21 Zvino wakapinza areka mutabhenakeri, ndokumisa vheiri rechidzitiro akadzitira areka yechipupuriro, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

22 Zvino wakaisa tafura mutende rekusangana, parutivi rwetabhenakeri kumaodzanyemba, kunze kwevheiri.

23 Wakarongererawo pamusoro musara wechingwa pamberi paJehovha, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

24 Zvino wakaisa chigadziko chemwenje mutende rekusangana, pakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri kuchamhembe.

25 Zvino wakatungidza mwenje pamberi paJehovha, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.

26 Zvino wakaisa aritari yegoridhe mutende rekusangana pamberi pevheiri;

27 ndokupisirapo zvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.

28 Wakaisawo chiremberedzwa chemukova wetabhenakeri.

29 Zvino wakaisa aritari yechipo chinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rekusangana, akapira pairi chipo chinopiswa, nechipo chechidyiwa, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

30 Zvino wakaisa dhishi pakati petende rekusangana nearitari, ndokuisa mvuramo yekushamba.

31 Zvino Mozisi naAroni nevanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavomo.

32 Pakupinda kwavo mutende rekusangana nepakuswedera kwavo pedo kuaritari vakashamba, Jehovha sezvaaiva araira Mozisi.

33 Zvino wakamisa chivanze chaipoteredza tabhenakeri nearitari, ndokuisa chiremberedzwa chesuwo rechivanze. Naizvozvo Mozisi wakapedza basa.

34 Zvino gore rakafukidza tende rekusangana, kubwinya kwaJehovha ndokuzadza tabhenakeri.

35 Zvino Mozisi wakakonewa kupinda mutende rekusangana, nokuti gore rakagara pamusoro paro, uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza tabhenakeri.

36 Zvino gore paraikwidzwa kubva patabhenakeri, vana vaIsraeri vakapfuurira panzendo dzavo dzose.

37 Asi gore parainge risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvika musi wekukwidzwa kwaro.

38 Nokuti gore raJehovha raiva pamusoro petabhenakeri masikati, nemoto waiva pariri pausiku, pamberi pemeso eimba yaIsraeri yose, panzendo dzavo dzose.