ShonaTeam Exodus « 37 »

Areka, netafura, nemwenje, nearitari yezvinonhuhwira

37Zvino Bhezareeri wakaita areka yematanda emuakasia; kureba kwayo mbimbi mbiri nehafu, neupamhi hwayo mbimbi nehafu, nekukwirira kwayo mbimbi nehafu.

2 Zvino akaiputira negoridhe rakazara mukati nekunze, akaiitira mupendero wegoridhe wakapoteredza.

3 Akaiumbira nekunyungudusa zvindori zvina zvegoridhe pamakumbo ayo mana; kuti zvindori zviviri zvaiva parutivi rwayo rumwe, nezvindori zviviri pane rumwe rutivi rwayo.

4 Wakaitawo zvibatiso nematanda emuakasia, akazviputira negoridhe.

5 Ndokupinza zvibatiso muzvindori panhivi dzeareka kutakura areka.

6 Zvino wakaita chigaro chengoni chegoridhe rakazara; kureba kwacho mbimbi mbiri nehafu, uye upamhi hwacho mbimbi nehafu.

7 Wakaitawo makerubhi maviri egoridhe; akaaita nebasa rakapfurwa, kubva pamicheto miviri yechigaro chengoni;

8 kerubhi rimwe pamucheto parutivi urwu, nekerubhi rimwe pane umwe mucheto parutivi urwu; akaita makerubhi pachigaro chengoni, pamicheto miviri yacho.

9 Zvino makerubhi aitandavarira mapapiro kumusoro, aifukidza nemapapiro awo pachigaro chengoni, uye zviso zvawo zvakatarisana, zviso zvemakerubhi zvaiva zvakatarisa kuchigaro chengoni.

10 Wakaitawo tafura yematanda emuakasia; kureba kwayo mbimbi mbiri, neupamhi hwayo mbimbi, nekukwirira kwayo mbimbi nehafu.

11 Zvino wakaiputira negoridhe rakazara; akaiitirawo mupendero wegoridhe wakapoteredza;

12 wakaiitirawo mukombero wakapoteredza une upamhi sehwechanza; ndokuitira mukombero wayo mupendero wegoridhe wakapoteredza.

13 Zvino wakaiumbira nekunyungudusa zvindori zvina zvegoridhe, ndokuisa zvindori pamakona mana aiva pamakumbo ayo mana.

14 Pedo nemukombero paiva nezvindori, nzvimbo dzezvibatiso zvekutakura tafura.

15 Wakaitawo zvibatiso zvematanda emuakasia, ndokuzviputira negoridhe, kutakura tafura.

16 Akaitawo midziyo yaiva pamusoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, nemadhishi ayo ekudira nawo, zvegoridhe rakazara.

17 Wakaitawo chigadziko chemwenje chegoridhe rakazara; nebasa rakapfurwa wakaita chigadziko chemwenje; chigadziko chacho, nematavi acho, mbiya dzacho, mabumburudzi acho, nemaruva acho; zvaiva pachiri.

18 Nematavi matanhatu achibuda kumativi acho, matavi matatu echigadziko chemwenje kubva parutivi rwumwe rwacho, nematavi matatu echigadziko chemwenje kubva parumwe rutivi rwacho.

19 Mbiya nhatu dzakaumbwa semaruva emuarimondi padavi rimwe, bumburudzi neruva; nembiya nhatu dzakaumbwa semaruva emuarimondi pane rimwe davi, bumburudzi neruva; saizvozvo kumatavi matanhatu anobuda pachigadziko chemwenje.

20 Uye pachigadziko chemwenje paiva nembiya ina dzakaumbwa semaruva emuarimondi, mabumburudzi awo, nemaruva awo;

21 nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, zvichienderana nematavi matanhatu akabuda kubva pachiri.

22 Mabumburudzi azvo nematavi azvo aibva pachiri; zvose zvacho zvikava basa rimwe rakapfurwa regoridhe rakazara.

23 Akaitawo mwenje yacho minomwe, nembato dzacho, nezvaenga zvemadota zvacho, zvegoridhe rakazara.

24 Akachiita netarenda regoridhe rakazara, nemidziyo yacho yose.

25 Wakaitawo aritari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira nematanda emuakasia; kureba kwayo kwaiva mbimbi, neupamhi hwayo mbimbi, nhivi ina dzakaenzana; uye kukwirira kwayo mbimbi mbiri; nyanga dzayo dzaibva pairi.

26 Zvino wakaiputira negoridhe rakazara, kumusoro kwayo, nenhivi dzayo dzakapoteredza, nenyanga dzayo; akaiitirawo mupendero wegoridhe wakapoteredza.

27 Akaiitirawo zvindori zviviri zvegoridhe pasi pamupendero wayo, pamakona ayo maviri, panhivi dzayo mbiri, kuva nzvimbo dzezvibatiso zvekuitakura nazvo.

28 Akaitawo zvibatiso zvematanda emuakasia, akaaputira negoridhe.

29 Akaitawo mafuta matsvene ekuzodza, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvakazara zvemiti inotapira, basa remugadziri wezvipfungaidzo zvinonhuhwira.