ShonaTeam Exodus « 36 »

Kutanga kuvakwa kwetabhenakeri

36Bhezareeri naOhoriabhu nemurume umwe neumwe wemoyo wakachenjera, kwaari Jehovha kwaakapa njere nekunzwisisa kuziva kubata basa rimwe nerimwe reshumiro yenzvimbo tsvene vakaita zvichienderana nezvose Jehovha zvaaiva araira.

2 Zvino Mozisi wakadana Bhezareeri naOhoriabhu nemurume umwe neumwe wemoyo wakachenjera, mumoyo make Jehovha maakaisa njere, umwe neumwe ane moyo wake wakamumutsa kuswedera pedo kubasa kuriita.

3 Ndokutora kubva pamberi paMozisi chipo chose vana vaIsraeri chavaiva vauisira basa reshumiro yenzvimbo tsvene kuiita. Vakauisawozve kwaari zvipo zvepachena mangwanani oga-oga.

4 Zvino vakauya vose vakachenjera, vakaita basa rose renzvimbo tsvene, umwe neumwe kubva kubasa rake ravakaita.

5 Zvino vakataura kuna Mozisi, vachiti: Vanhu vanouisa zvinopfuura pane zvakakwana zveshumiro yebasa Jehovha raakaraira kuita.

6 Mozisi ndokuraira kuti vapfuudze inzwi kumusasa richiti: Kusava nemurume kana mukadzi anoitazve basa nechipo chenzvimbo tsvene. Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuunza.

7 Nokuti zvaishandiswa zvakavakwanira basa rose kuriita, kusvika zvasara.

8 Zvino umwe neumwe wemoyo wakachenjera pakati pevakaita basa vakaita tabhenakeri nemaketeni gumi emucheka wakapfava wakaisvonaka wakarukwa, neruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku; wakaaita nemakerubhi, basa reumhizha.

9 Kureba kweketeni rimwe kwaiva mbimbi makumi maviri nesere, neupamhi hweketeni rimwe mbimbi ina; maketeni ose aiva neukuru humwe.

10 Zvino wakabatanidza maketeni mashanu rimwe pane rimwe, neamwe maketeni mashanu wakaabatanidza rimwe pane rimwe.

11 Wakaitawo zvishwe zveruvara rwedenga pamupendero werimwe keteni pamucheto paakabatana; akaita saizvozvo parutivi rwekupedzisira rweketeni parakabatanidza rechipiri.

12 Wakaita zvishwe makumi mashanu paketeni rimwe, nezvishwe makumi mashanu wakazviita pamupendero weketeni paiva pakabatanidzwa rechipiri; zvishwe zvakatarisana.

13 Zvino wakaita zvikorekedzo makumi mashanu zvegoridhe, akabatanidza maketeni rimwe pane rimwe nezvikorekedzo; naizvozvo akava tabhenakeri imwe.

14 Akaitawo maketeni emvere dzembudzi kuva tende pamusoro petabhenakeri; akaaita maketeni gumi nerimwe.

15 Kureba kweketeni rimwe kwaiva mbimbi makumi matatu, uye upamhi hweketeni rimwe mbimbi ina; maketeni gumi nerimwe aiva neukuru humwe.

16 Zvino wakabatanidza maketeni mashanu oga, uye maketeni matanhatu oga.

17 Zvino wakaita zvishwe makumi mashanu pamupendero wekupedzisira weketeni pakabatanidzwa; wakaitawo zvishwe makumi mashanu pamupendero weketeni rinobatanidza rechipiri.

18 Wakaitawo zvikorekedzo makumi mashanu zvendarira zvekubatanidza tende, kuti rive rimwe.

19 Zvino wakaitira tende chifukidzo nematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nechifukidzo chematehwe ezvikumba zvichikwira.

20 Zvino wakaita mapuranga etabhenakeri, matanda emuakasia amire.

21 Kureba kwepuranga kwaiva mbimbi gumi, neupamhi hwepuranga rimwe hwaiva mbimbi nehafu.

22 Puranga rimwe raiva nezvibato zviviri, zvakaparadzana zvakaenzana; saizvozvo wakaitira mapuranga ose etabhenakeri.

23 Wakaitawo mapuranga etabhenakeri, mapuranga makumi maviri edivi rekuchamhembe kwakatarisa kuchamhembe.

24 Wakaitawo zvigadziko zvesirivha makumi mana pasi pemapuranga makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga pazvibato zvaro zviviri.

25 Zvino wakaita mapuranga makumi maviri kune rumwe rutivi rwetabhenakeri rwakatarisa kumaodzanyemba,

26 nezvigadziko zvawo makumi mana zvesirivha; zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe puranga.

27 Wakaitirawo mativi etabhenakeri akatarisa kumavirazuva mapuranga matanhatu.

28 Wakaitirawo makona mapuranga maviri etabhenakeri kumashure.

29 Aiva ari mapatya pasi, akabatana akaperera kumusoro wawo, nechindori chimwe; saizvozvo wakaitira maviri awo pamakona maviri.

30 Zvino kwaiva nemapuranga masere, uye zvigadziko zvawo zvesirivha zvaiva zvigadziko gumi nezvitanhatu; zvigadziko zviviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe.

31 Wakaitawo mbariro nematanda emuakasia; shanu dzemapuranga erutivi rumwe rwetabhenakeri,

32 nembariro shanu dzemapuranga erimwe divi retabhenakeri, nembariro shanu dzemapuranga etabhenakeri, kurutivi rweshure kwakatarisa kumavirazuva.

33 Wakaitawo mbariro yepakati igure nepakati pemapuranga kubva kumucheto kusvika kumucheto.

34 Mapurangawo wakaaputira negoridhe, nezvindori zvawo wakazviita negoridhe, zviri nzvimbo dzembariro; akaputirawo mbariro negoridhe.

35 Wakaitawo vheiri reruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa; akariita nemakerubhi, basa renyanzvi.

36 Akariitirawo mbiru ina nematanda emuakasia, ndokudziputira negoridhe; zvikorekedzo zvadzo zviri zvegoridhe, akadziumbira nekunyungudusa zvigadziko zvina zvesirivha.

37 Akaitirawo mukova wetende chifukidzo chezveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa; basa remusoni;

38 uye mbiru dzacho shanu nezvikorekedzo zvadzo; ndokuputira misoro yadzo nezvisungo zvadzo negoridhe; nezvigadziko zvadzo zvishanu zviri zvendarira.