ShonaTeam Exodus « 34 »

Mozisi anokwirazve mugomo

34Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Zvivezere mahwendefa maviri emabwe akafanana neekutanga; ndigonyora pamahwendefa mashoko aiva ari pamahwendefa ekutanga awaputsa.

2 Uye ugadzirire mangwanani, ugokwira mugomo reSinai mangwanani, ugomira pamberi pangu ipapo pamusoro wegomo.

3 Zvino kusakwira munhu newe, uye kusava nemunhu anoonekwa pagomo rose; uye makwai nemombe zvisafura pamberi pegomo iri.

4 Zvino wakaveza mahwendefa maviri akafanana neekutanga, Mozisi ndokumuka mangwanani-ngwanani ndokukwira mugomo reSinai, Jehovha sezvaaiva amuraira, ndokutora mahwendefa maviri emabwe muruoko rwake.

5 Jehovha ndokuburuka ari mugore, ndokuzvimisapo naye, ndokudana kuzita raJehovha.

6 Jehovha ndokupfuura pamberi pake, ndokudanidzira, achiti: Jehovha, Jehovha Mwari, ane nyasha netsitsi, anononoka kutsamwa, ane tsitsi zhinji nechokwadi,

7 achichengetera ngoni vane zvuru, achikanganwira kuipa nekudarika nechivi, asi asingashaisisi mhosva ane mhosva, achitsiva kuipa kwemadzibaba pavana, uye pavana vevana, kusvika kuzera rechitatu nerechina.

8 Mozisi ndokukurumidza, ndokukotamira pasi, ndokunamata.

9 Zvino wakati: Kana ndakawana hangu nyasha pameso enyu, Ishe wangu, Ishe wangu ngaafambe hake pakati pedu, nokuti rudzi rwemitsipa mikukutu; mukanganwirewo kuipa kwedu nechivi chedu, mutitore kuva nhaka.

10 Zvino wakati: Tarira, ndinoita sungano; pamberi pevanhu vako vose ndichaita zvishamiso zvisina kumbosikwa panyika yose, kana kundudzi dzose; nevanhu vose vauri pakati pavo vachaona basa raJehovha, nokuti chinhu chinotyisa chandichaita newe.

11 Uzvichengetedzere zvandinokuraira zuva rino. Tarira, ndinodzinga kubva pamberi pako vaAmori, nevaKenani, nevaHiti, nevaPerezi, nevaHivhi, nevaJebhusi.

12 Uzvichenjerere zvimwe ungaita sungano nevagari venyika maunoenda, zvimwe uve musungo pakati pako.

13 Asi muchaputsa aritari dzavo, nekuputsanya shongwe dzavo dzezvifananidzo, nekutema matanda avo ekunamata nawo;

14 nokuti haunganamati umwe mwari, nokuti Jehovha zita rake rinova Godo, ndiMwari ane godo;

15 zvimwe ungaita sungano nevagari venyika, uye vachipata vachitevera vamwari vavo, uye vachibaira kuna vamwari vavo, nekukudana ugodya pachibairo chavo;

16 ukatorera vanakomana vako pavakunda vavo; kana vakunda vavo vachifeva vachitevera vamwari vavo, vachifevesa vanakomana vako vachitevera vamwari vavo.

17 Usazviitira vamwari vakaumbwa nekunyungudusa.

18 Mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa uchauchengetedza. Mazuva manomwe uchadya zvingwa zvisina kuviriswa sezvandakakuraira panguva yakatarwa yemwedzi waAbhibhi, nokuti mumwedzi waAbhibhi wakabuda kubva muEgipita.

19 Chose chinozarura chizvaro ndechangu, nedangwe rimwe nerimwe pachipfuwo chikono, nzombe nemakwai.

20 Asi dangwe rembongoro ucharidzikinura negwayana; kanawo usingaridzikinuri, zvino uchavhuna mutsipa waro. Dangwe rimwe nerimwe revanakomana vako ucharidzikinura. Kusava neanoonekwa pamberi pangu asina chinhu.

21 Mazuva matanhatu uchabata, asi nezuva rechinomwe uchazorora; nenguva yekurima nepakukohwa uchazorora.

22 Zvino uchachengetedza mutambo wemavhiki, zvibereko zvitsva zvegoho regorosi, nemutambo wekuunganidza pakudzoka kwegore.

23 Katatu mugore vanhurume vako vose vachaonekwa pamberi paShe Jehovha, Mwari waIsraeri.

24 Nokuti ndichadzinga ndudzi pamberi pako, ndigokurisa miganhu yako; uye hakuna munhu achachiva nyika yako pakukwira kwako katatu pagore kunoonekwa pamberi paJehovha, Mwari wako.

25 Usapa ropa rechibairo changu pamwe nechakaviriswa; uye chibairo chemutambo wepasika chisasara kusvika mangwanani.

26 Zvakanakisisa zvezvibereko zvekutanga zvemunda wako uchazviunza kuimba yaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.

27 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Zvinyorere mashoko awa, nokuti ndaita sungano newe naIsraeri sezvinoreva mashoko iwawa.

28 Zvino wakavapo naJehovha mazuva makumi mana neusiku makumi mana; haana kudya chingwa, haana kunwa mvura. Zvino wakanyora pamahwendefa mashoko esungano, mirairo gumi.

29 Zvino zvakaitika Mozisi paaiburuka kubva mugomo reSinai, mahwendefa maviri echipupuriro ari muruoko rwaMozisi, paaiburuka kubva mugomo, kuti Mozisi waiva asingazivi kuti ganda rechiso chake raiva richibwinya zvaaiva ataura naye.

30 Zvino Aroni nevana vosewo vaIsraeri vakati vachiona Mozisi, tarira, ganda rechiso chake rakabwinya; zvino vakatya kuswedera kwaari.

31 Zvino Mozisi wakavadana; uye Aroni nevatungamiriri vose veungano vakadzokera kwaari; Mozisi ndokutaura navo.

32 Zvino shure kweizvozvo vana vaIsraeri vose vakaswedera; iye ndokuvaraira zvose Jehovha zvaaiva amuudza pagomo reSinai.

33 Zvino Mozisi apedza kutaura navo wakaisawo chifukidzo pachiso chake.

34 Zvino pakupinda kwaMozisi pamberi paJehovha kutaura naye, waibvisa chifukidzo kusvika abuda; zvino abuda wakataura kuvana vaIsraeri zvaarairwa.

35 Zvino vana vaIsraeri vakaona chiso chaMozisi, kuti ganda rechiso chaMozisi raibwinya; Mozisi ndokudzosera chifukidzo pachiso chake, kusvika apinda kunotaura naye.