ShonaTeam Exodus « 33 »

Jehovha anoramba kuenda nevaIsraeri, asi Mozisi anovanyengeterera

33Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Enda, kwira kubva pano, iwe nevanhu vawakakwidza kubva munyika yeEgipita, uende kunyika yandakapikira kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove, ndichiti: Kumbeu yako ndichaipa.

2 Uye ndichatuma mutumwa pamberi penyu, ndigodzinga vaKenani, vaAmori, nevaHiti, nevaPerezi, vaHivhi, nevaJebhusi,

3 muende kunyika inoyerera mukaka neuchi; nokuti handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vemitsipa mikukutu; zvimwe ndingakupedzai panzira.

4 Vanhu vakati vachinzwa shoko iri rakaipa, vakachema; uye hakuna munhu wakaisa paari zvishongo zvake.

5 Nokuti Jehovha wakati kuna Mozisi: Iti kuvana vaIsraeri: Muri vanhu vemitsipa mikukutu; ndikakwira pakati penyu chinguvana ndingakupedzai; naizvozvo ikozvino bvisai chishongo chenyu chibve kwamuri, ndizive chandingakuitirai.

6 Zvino vana vaIsraeri vakazvikurura zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu.

7 Zvino Mozisi wakatora tende, ndokuridzika kunze kwemusasa, kure nemusasa, ndokuritumidza kuti tende rekusangana. Zvino zvakaitika kuti umwe neumwe waitsvaka Jehovha waibudira kutende rekusangana, raiva riri kunze kwemusasa.

8 Zvino zvakaitika pakubudira kwaMozisi kutende, kuti vanhu vose vaisimuka ndokumira umwe neumwe pamukova wetende rake, vakatarira shure kwaMozisi kusvika apinda mutende.

9 Zvino zvakaitika pakupinda kwaMozisi mutende, shongwe yegore yaiburuka imire pamukova wetende; Jehovha ndokutaura naMozisi.

10 Vanhu vose ndokuona shongwe yegore imire pamukova wetende, vanhu vose ndokusimuka vakanamata umwe neumwe pamukova wetende rake.

11 Zvino Jehovha waitaura naMozisi chiso nechiso, semunhu anotaura kushamwari yake. Otendeukirazve kumusasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, waiva asingabvi mukati metende.

12 Zvino Mozisi wakati kuna Jehovha: Tarirai, makati kwandiri: Kwira nevanhu ava, asi imwi hamuna kundizivisa wamuchatuma neni. Zvakadaro imwi makati: Ndinokuziva nezita, uye wakawanawo nyasha pameso angu.

13 Zvino ikozvino kana ndakawana hangu nyasha pameso enyu, ndizivisei henyu nzira yenyu, kuti ndikuzivei, kuti ndiwane nyasha pameso enyu; uye onai kuti rudzi urwu ndivo vanhu venyu.

14 Zvino Jehovha wakati: Kuvapo kwangu kuchaenda newe, ndigokupa zororo.

15 Iye ndokuti kwaari: Kana kuvapo kwenyu kusingaendi neni, musatikwidza kubva pano.

16 Nokuti zvichazikanwawo sei kuti ndakawana nyasha pameso enyu, ini nevanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu here? Zvino tive vakatsaurwa, ini nevanhu venyu, kubva pavanhu vose vari pachiso chenyika.

17 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pameso angu, uye ndinokuziva nezita.

18 Iye ndokuti: Ndiratidzei henyu kubwinya kwenyu.

19Jehovha ndokuti: Ini ndichapfuudza kunaka kwangu kose pamberi pechiso chako, uye ndichadanidzira zita raJehovha pamberi pako. Zvino ndichanzwira nyasha wandichanzwira nyasha, uye ndichanzwira tsitsi wandichanzwira tsitsi.

20 Akatiwo: Haugoni kuona chiso changu, nokuti munhu haangandioni akararama.

21 Jehovha akatiwo: Tarira pane nzvimbo kwandiri pauchamira pabwe.

22 Zvino zvichaitika pachapfuura kubwinya kwangu kuti ndichakuisa mumukaha webwe, ndigokufukidza neruoko rwangu ndichipfuura.

23 Zvino ndichabvisa ruoko rwangu, ugoona zveshure kwangu; asi chiso changu hachionekwi.