ShonaTeam Exodus « 32 »

Mhuru yegoridhe

32Zvino vanhu vaona kuti Mozisi unononoka kuburuka kubva mugomo, vanhu vakazviunganidza kuna Aroni ndokuti kwaari: Simuka, tiitire vamwari vanotitungamirira, nokuti Mozisi uyu, murume wakatikwidza kubva munyika yeEgipita, hatizivi chaitika kwaari.

2 Zvino Aroni wakati kwavari: Kwaturai zvindori zvegoridhe zviri panzeve dzevakadzi venyu nedzevanakomana venyu nedzevanasikana venyu, muunze kwandiri.

3 Zvino vanhu vose vakakwatura zvindori zvegoridhe zvaiva panzeve dzavo, vakauisa kuna Aroni.

4 Iye ndokugamuchira paruoko rwavo, akazviumba nemudziyo wekuveza, akazviita mhuru yakaumbwa nekunyungudusa. Ivo ndokuti: Ndivo vamwari vako, Israeri, vakakukwidza kubva munyika yeEgipita.

5 Zvino Aroni aona wakavaka aritari pamberi payo; Aroni ndokudanidzira ndokuti: Mangwana kuchava nemutambo kuna Jehovha.

6 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani ndokupa zvipo zvinopiswa, vakauyawo nezvipo zvekuyananisa; vanhu ndokugara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba.

7 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Enda, buruka, nokuti vanhu vako vawakakwidza kubva munyika yeEgipita vaora.

8 Vatsauka nekukurumidza kubva panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa nekunyungudusa ndokuinamata uye vakaibaira ndokuti: Ava ndivamwari vako, Israeri, vakakukwidza kubva munyika yeEgipita.

9 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Ndaona vanhu ava, zvino tarira, vanhu vemitsipa mikukutu.

10 Zvinowo ndirege hako, kuti hasha dzangu dzivapfutire, kuti ndivapedze; asi iwe ndichakuita uve rudzi rukuru.

11 Asi Mozisi wakanyengetedza chiso chaJehovha Mwari wake ndokuti: Sei, Jehovha, hasha dzenyu dzichipfutira vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeEgipita nesimba guru uye neruoko rune simba?

12 VaEgipita vachataura sei vachiti: Wakavabudisira chakaipa, kuvauraira mumakomo, nekuvapedza kubva pachiso chenyika? Dzokai pahasha dzinotyisa, muzvidembe pachakaipa chinorwisa vanhu venyu.

13 Rangarirai Abhurahama, Isaka, naIsraeri, varanda venyu, kwamakazvipikira kwavari, ndokuti kwavari: Ndichawanza mbeu yenyu senyeredzi dzematenga; nenyika yose iyi, sezvandakareva, ndichaipa kumbeu yenyu; uye vachagara nhaka rinhi narinhi.

14 Zvino Jehovha akazvidemba pachakaipa chaaiva ati achaitira vanhu vake.

15 Zvino Mozisi wakatendeuka ndokuburuka kubva mugomo, nemahwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mahwendefa akanyorwa nhivi dzawo dzose; akanyorwa seri neseri.

16 Zvino mahwendefa aiva basa raMwari, nerunyoro rwaiva rwuri runyoro rwaMwari, rwakafomborwa pamahwendefa.

17 Joshua wakati anzwa mhere-mhere yevanhu vanopururudza, wakati kuna Mozisi: Kune mhere-mhere yehondo kumusasa.

18 Iye ndokuti: Haisi mhere-mhere yekudanidzira kwekukunda, uye haisi mhere-mhere yekudanidzira kwekukundwa; ndinonzwa mhere-mhere yekuimba.

19 Zvino zvakaitika paakangoswedera pamusasa, kuti wakaona mhuru nekutamba; hasha dzaMozisi ndokupfuta, ndokukanda mahwendefa kubva mumaoko ake, ndokuaputsa mujinga megomo.

20 Zvino wakatora mhuru yavaiva vaita, akapisa mumoto, akaikuya kuita upfu, akaikusha pamusoro pemvura, ndokunwisa vana vaIsraeri.

21 Mozisi ndokuti kuna Aroni: Vanhu ava vakuitirei kusvika wavaunzira chivi ichi chikuru?

22 Aroni ndokuti: Hasha dzashe wangu ngadzirege kupfuta; imwi munoziva vanhu, kuti vakarerekera kukutadza.

23 Nokuti vakati kwandiri: Tiitirei vamwari vachatitungamirira, nokuti Mozisi uyu, murume wakatikwidza kubva munyika yeEgipita, hatizivi chaitika kwaari.

24 Zvino ndakati kwavari: Ani nani ane goridhe ngavarikwature; zvino vakandipa; ini ndokurikandira mumoto, ndokubuda mhuru iyi.

25 Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu vasunungurwa, nokuti Aroni waiva avasunungura kuti vasekwe nevavengi vavo,

26 Mozisi wakanomira musuwo remusasa, ndokuti: Ani nani ari waJehovha, ngaauye kwandiri. Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari.

27 Zvino wakati kwavari: Anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Umwe neumwe ngaaise munondo wake pachidya chake, mufambe-fambe muchibva pane rimwe suwo muchienda kune rimwe suwo pakati pemusasa; umwe neumwe auraye hama yake, neumwe neumwe shamwari yake, neumwe neumwe munhu wekwake.

28 Vana vaRevhi vakaita maererano neshoko raMozisi; nemusi iwowo vakawa vanenge vane zvuru zvitatu kubva pavanhu.

29 Zvino Mozisi wakati: Zvitsaurei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu umwe neumwe arwe nemwanakomana wake uye nehama yake; kuti ape ropafadzo pamusoro penyu nhasi.

30 Zvino zvakaitika mangwana, kuti Mozisi wakati kuvanhu: Imwi makatadza nekutadza kukuru, asi zvino ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndichaitira kutadza kwenyu chiyananiso.

31 Mozisi akadzokera kuna Jehovha, ndokuti: Haiwa, vanhu ava vakatadza nekutadza kukuru, vakazviitira vamwari vegoridhe.

32 Zvino dai muchivakanganwira henyu kutadza kwavo; asi kana zvisina kudaro, ndidzimei henyu kubva pabhuku renyu ramakanyora.

33 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima kubva pabhuku rangu.

34 Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakakuudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi pazuva rekuranga kwangu, ndicharanga chivi chavo pamusoro pavo.

35 Jehovha akarova vanhu, nokuti vaita mhuru iyo Aroni yaakaita.