ShonaTeam Exodus « 31 »

Kudanwa kwaBhezareeri naOhoriabhu

31Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Ona, ndadana nezita Bhezareeri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, werudzi rwaJudha;

3 uye ndamuzadza neMweya waMwari, muuchenjeri nemukunzwisisa nemuruzivo nemumabasa ose eunyanzvi;

4 kuti aronge mano eunyanzvi, kubata negoridhe, uye nesirivha, uye nendarira,

5 nemukufombora mabwe kuaisa, nemukufombora matanda, kubata pamabasa ose eunyanzvi.

6 Uye ini, tarira ndapa pamwe naye Ohoriabhu mwanakomana waAhisamaki, werudzi rwaDhani; nemumoyo weumwe neumwe wemoyo wakachenjera ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira,

7zvinoti: Tende rekusangana, neareka yechipupuriro, nechigaro chengoni chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetende,

8 netafura nemidziyo yayo, nechigadziko chemwenje chakazara nemidziyo yacho yose, nearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

9 nearitari yechipo chinopiswa nemidziyo yayo yose, nedhishi nechigadziko charo,

10 nenguvo dzezvirukwa, nenguvo tsvene dzaAroni mupristi, nenguvo dzevanakomana vake kushumira paupristi,

11 nemafuta ekuzodza, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira zvenzvimbo tsvene; vachaita zvichienderana nezvose zvandakakuraira.

Murairo wesabata

12 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

13 Iwe taurawo kuvana vaIsraeri uchiti: Zvirokwazvo muchachengeta masabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemwi pamazera enyu, kuziva kuti ndini Jehovha anokuitai vatsvene.

14 Naizvozvo chengetai sabata, nokuti idzvene kwamuri; anorisvibisa achaurawa zvirokwazvo; nokuti ani nani anoita basa naro, mweya weupenyu uyo uchagurwa kubva pavanhu vekwake.

15 Mazuva matanhatu basa ngariitwe, asi nezuva rechinomwe, isabata rezororo, dzvene kuna Jehovha; ani nani anoita basa nezuva resabata achaurawa zvirokwazvo.

16 Naizvozvo vana vaIsraeri vachachengeta sabata, kuchengetedza sabata kumarudzi avo, ive sungano isingaperi.

17 Chiratidzo pakati pangu nevana vaIsraeri rinhi narinhi; nokuti nemazuva matanhatu Jehovha wakaita matenga nenyika, asi nezuva rechinomwe wakazorora, akavandudzwa.

18 Zvino wakapa kuna Mozisi, apedza kutaurirana naye pagomo reSinai, mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa emabwe aiva akanyorwa nemunwe waMwari.