ShonaTeam Exodus « 29 »

Kugadzwa kwevapristi

29Zvino ichi ndicho chinhu chauchavaitira kuvaita vatsvene, kuti vandishumire paupristi: Tora nzombe imwe diki, mhuru yemombe, nemakondohwe maviri asina chaanopomerwa,

2 nechingwa chisina kuviriswa, nemakeke asina kuviriswa akakanyiwa nemafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa nemafuta; uchazviita neupfu hwakatsetseka hwegorosi.

3 Zvino uchazviisa mudengu rimwe, uuye nazvo pedo zviri mudengu, pamwe nenzombe diki nemakondohwe maviri.

4 NaAroni nevanakomana vake uchavauisa pedo kumukova wetende rekusangana, ugovashambidza nemvura.

5 Uchatorawo hazu ugopfekedza Aroni nguvo refu, nejazi reefodhi, neefodhi, nehombodo yechipfuva; uye umusunge chiuno nebhanhire reefodhi;

6 uisewo ngundu pamusoro wake, nekuisa korona tsvene pangundu.

7 Zvino uchatora mafuta ekuzodza, ugodira pamusoro wake, ugomuzodza.

8 Nevanakomana vake uchavaswededza pedo ugovapfekedza dzinguvo refu.

9 Uchavasungawo zviuno nemabhanhire, Aroni nevanakomana vake, uvasungirire nguwani; uye upristi huchava hwavo chive chimiso nekusingaperi; uye uchatsaura Aroni nekutsaura vanakomana vake.

10 Zvino uchaunza pedo nzombe diki pamberi petende rekusangana, uye Aroni nevanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro pemusoro wenzombe.

11 Zvino uchabaya nzombe diki pamberi paJehovha pamukova wetende rekusangana.

12 Zvino uchatora kubva paropa renzombe diki, ugoisa panyanga dzearitari nemunwe wako, ndokudururira ropa rose munheyo dzearitari.

13 Zvino uchatora mafuta ose anofukidza zvemukati, nemafuta ari pamusoro pechiropa, neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri uzvipise pamusoro pearitari.

14 Asi nyama yenzombe diki, nedehwe rayo, nechizvizvi chayo, uchapisa nemoto kunze kwemusasa; chipo chezvivi.

15 Uchatorawo gondohwe rimwe, uye Aroni nevanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro wegondohwe.

16 Zvino uchauraya gondohwe ndokutora ropa raro ndokusasa kupoteredza paaritari.

17 Zvino uchagura-gura gondohwe munhindi dzaro ndokusuka zvemukati zvaro nemakumbo aro ugoisa panhindi dzaro nepamusoro waro.

18 Zvino uchapisa gondohwe rose paaritari; chipo chinopiswa kuna Jehovha, hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.

19 Zvino uchatora gondohwe rechipiri; uye Aroni nevanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro wegondohwe.

20 Ipapo uchauraya gondohwe ndokutora paropa raro, ndokuisa pamucheto wenzeve yerudyi yaAroni, nepamucheto wenzeve dzerudyi dzevanakomana vake, nepagunwe reruoko rwavo rwerudyi, nepagunwe retsoka yavo yerudyi, nekusasa ropa paaritari kupoteredza.

21 Zvino uchatora paropa riri paaritari nepamafuta ekuzodza, ugosasa pamusoro paAroni nepanguvo dzake nepamusoro pevanakomana vake nepanguvo dzevanakomana vake pamwe naye, agoitwa mutsvene iye nenguvo dzake nevanakomana vake nenguvo dzevanakomana vake pamwe naye.

22 Zvino utore mafuta egondohwe, nebemhe, nemafuta anofukidza zvemukati, nemafuta epachiropa, neitsvo mbiri, nemafuta ari padziri, nebandauko rerudyi (nokuti igondohwe rekugadzwa),

23 nerofu rimwe rechingwa, nechingwa chimwe chidiki chine mafuta, nechingwa chimwe chitete chinobva mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zviri pamberi paJehovha.

24 Zvino uzviise zvose pamaoko aAroni nepamaoko evanakomana vake, vagozvizunguzira chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.

25 Zvino uzvibvise pamaoko avo, uzvipise paaritari pamusoro pechipo chinopiswa, chive chipo chinonhuhwira pamberi paJehovha; chipo chemoto kuna Jehovha.

26 Utorewo chityu chegondohwe rekugadzwa rive raAroni, urizunguzire chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha; uye richava mugove wako.

27 Zvino chityu chinozunguzirwa uchiite chitsvene, nebandauko rechipo, chinozunguzirwa nekusimudzirwa, zvegondohwe rekugadzwa, kubva pane zviri zvaAroni nepane zviri zvevanakomana vake.

28 Zvichava zvaAroni nevanakomana vake kuva chimiso rinhi narinhi kuvana vaIsraeri, nokuti chipo; zvino chichava chipo chinobva kuvana vaIsraeri pazvibairo zvezvipo zvavo zvekuyananisa, chipo chavo kuna Jehovha.

29 Zvino nguvo tsvene dzaAroni dzichava dzevanakomana vake vanomutevera, kuti vazodzwe vakadzipfeka, nekutsaurwa vakadzipfeka.

30 Umwe achava mupristi panzvimbo yake kubva kuvanakomana vake, achadzipfeka mazuva manomwe, kana achipinda mutende rekusangana kushumira panzvimbo tsvene.

31 Zvino uchatora gondohwe rekueresa ndokubika nyama yaro panzvimbo tsvene.

32 Aroniwo nevanakomana vake vachadya nyama yegondohwe, nechingwa chiri mudengu, pamukova wetende rekusangana.

33 Vachadya zvinhu izvi zvinoitwa nazvo chiyananiso kuvatsaura, kuvaita vatsvene; asi mweni asazvidya, nokuti zvitsvene.

34 Kana pakasara panyama yekuereswa, kana pachingwa, kusvika mangwanani, zvino uchapisa zvasara nemoto; hazvidyiwi, nokuti zvitsvene.

35 Zvino uchaitira Aroni nevanakomana vake saizvozvo, zvichienderana nezvose zvandakuraira; mazuva manomwe uchavatsaura.

36 Zvino pazuva ugadzire nzombe diki yechipo chezvivi chezviyananiso; uye uchanatsa aritari, kana pakuiyananisira; ugoizodza kuiita tsvene.

37 Uchaitira aritari chiyananiso mazuva manomwe, nekuiita tsvene; aritari ichava tsvene yedzitsvene; zvose zvinobata aritari zvichava zvitsvene.

Zvipo zvezuva rimwe nerimwe

38 Zvino ndizvo zvauchagadzira paaritari: Makwayana maviri, ane gore rimwe, pazuva, rinhi narinhi.

39 Rimwe gwayana uchagadzira mangwanani, uye rimwe gwayana ucharigadzira madekwani.

40 Zvino chegumi cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nechechina chehini yemafuta akatakiwa nechechina chehini yewaini, chive chipo chinodururwa chegwayana rimwe.

41 Nerimwe gwayana uchagadzira madekwani, uriitire sezvinoenderana nechipo chechidyiwa chemangwanani, nezvinoenderana nechipo charo chinodururwa, chive hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.

42 Chichava chipo chinopiswa rinhi narinhi pamazera enyu, pamukova wetende rekusangana pamberi paJehovha, pandichasangana nemwi, kutaurapo newe.

43 Ipapowo ndichasangana nevana vaIsraeri; uye richaitwa dzvene nekubwinya kwangu.

44 Zvino ndichaita tende rekusangana nearitari zvitsvene; uye Aroni nevanakomana vake ndichavaita vatsvene kuti vandishumire paupristi.

45 Zvino ndichagara pakati pevana vaIsraeri, ndigova Mwari wavo.

46 Zvino vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, wakavabudisa panyika yeEgipita kuti ndigare pakati pavo; ndini Jehovha Mwari wavo.