ShonaTeam Exodus « 28 »

Nguvo dzeMupristi Mukuru

28Zvino iwe uswededze kwauri Aroni mukoma wako, nevanakomana vake pamwe naye kubva pakati pevana vaIsraeri, kuti andishumire paupristi: Aroni, Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari, vanakomana vaAroni.

2 Uitire Aroni mukoma wako nguvo tsvene dzerukudzo uye dzerunako.

3 Ugotaura iwe kuna vose vane moyo yakachenjera, vandakazadza nemweya weuchenjeri, kuti vaite nguvo dzaAroni dzekumutsaura, kuti andishumire paupristi.

4 Nguvo dzavachaita ndidzo: Hombodo yechipfuva, neefodhi, nejazi, nenguvo refu yakarukwa, nguwani, nebhanhire; zvino ngavaitire Aroni, mukoma wako, nevanakomana vake nguvo tsvene, kuti andishumire paupristi.

5 Ivo ngavatorewo goridhe, neruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka.

6 Efodhi ngavaiite negoridhe, zveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, zvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa remusoni.

7 Ngaive mapandi emafudzi maviri akabatanidza pamicheto yayo miviri kuti ibatanidzwe.

8 Nebhanhire reefodhi yaro, riri pamusoro payo, richava sebasa rayo, kubva pairi, negoridhe, zveruvara rwedenga, neruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa.

9 Utorewo mabwe maviri eonikisi, ugofombora paari mazita evanakomana vaIsraeri;

10 matanhatu emazita avo pabwe rimwe, uye matanhatu emazita avo akasara pabwe rimwe, zvichienderana nemazera avo.

11Sebasa remufombori wemabwe, sekufomborwa kwezvidhindo, uchaafombora mabwe awa maviri nemazita evanakomana vaIsraeri; uchaaita amiswe muzvirukwa zvegoridhe.

12 Zvino uchaisa mabwe awo maviri pamapandi emafudzi eefodhi, ave mabwe echirangaridzo kuvana vaIsraeri; naAroni achatakura mazita awo pamberi paJehovha pamafudzi ake maviri, chive chirangaridzo.

13 Zvino uchaita zvirukwa zvegoridhe,

14 neketani mbiri dzegoridhe rakazara; uzviite zvakamonwa, basa rakakoshwa; uye maketani akakoshwa uasungire pazvirukwa izvo.

15 Uchaitawo hombodo yechipfuva yekutonga, rive basa remhizha; uiite sebasa reefodhi; negoridhe, zveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa uchaiita.

16 Ngaienzane mativi mana yakapetwa kaviri; kureba kwayo chiri chanza; uye upamhi hwayo huve chanza.

17 Uchaisawo mairi zvitanga zvemabwe anokosha, mitsara mina yemabwe; musara wesadhiosi, topasi, nekabhunakeri; musara wekutanga.

18 Nemusara wechipiri emaradhi, safiri, nedhaimani.

19 Nemusara wechitatu hiakindi, agati, neametisiti.

20 Nemusara wechina bheriri, neonikisi, nejasiperi. Zvicharukwa negoridhe muzvitanga zvazvo.

21 Zvino mabwe achava nemazita evanakomana vaIsraeri, ari gumi nemaviri zvichienderana nemazita avo; akafomborwa pazvidhindo, rimwe nerimwe nezita raro; achava kumarudzi gumi nemaviri.

22 Zvino uchaita pahombodo yechipfuva maketani akamonwa basa rakakoshwa regoridhe rakazara.

23 Uchaitawo pahombodo yechipfuva zvindori zviviri zvegoridhe, uye uchaisa zvindori zviviri pamicheto miviri yehombodo yechipfuva.

24 Zvino uchaisa ketani dzakamonwa dzegoridhe muzvindori zviviri pamicheto yehombodo yechipfuva.

25 Nemicheto miviri yeketani mbiri dzakamonwa uchasungira muzvirukwa zviviri, zvino uzviise pamapandi emafudzi eefodhi mhiri pakatarisana nayo.

26 Uchaitawo zvindori zviviri zvegoridhe, ugozviisa pamicheto miviri yehombodo yechipfuva pamupendero wayo uri kune rimwe divi reefodhi mukati.

27 Uchaitawo zvindori zviviri zvegoridhe, ugozviisa pamapandi emafudzi maviri eefodhi zasi nechemberi kwayo, pedo payakabatanidzwa napo, pamusoro pebhanhire reefodhi.

28 Zvino vachasunga hombodo yechipfuva nezvindori zvayo pazvindori zveefodhi nerwonzi rweruvara rwedenga, kuti ruve pamusoro pebhanhire reefodhi, uye hombodo yechipfuva irege kubva paefodhi.

29 Zvino Aroni achatakura mazita evana vaIsraeri pahombodo yechipfuva yekutonga pamoyo wake, kana achipinda munzvimbo tsvene, chive chirangaridzo pamberi paJehovha nguva dzose.

30 Uchaisawo Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva yekutonga, zvino zvichava pamoyo waAroni kana achipinda pamberi paJehovha; naAroni achatakura kutongwa kwevana vaIsraeri pamoyo wake pamberi paJehovha nguva dzose.

31 Uchaitawo jazi reefodhi rose neruvara rwedenga.

32 Zvino pachava neburi remusoro waro pakati paro; richava nemupendero webasa rakarukwa rakapoteredza buri raro, rive seburi rejazi reutare, kuti rirege kubvaruka.

33 Uchaitawo pamupendero waro mapomegiranati* eruvara rwedenga, nezveruvara rwehute nezvitsvuku anopoteredza pamupendero waro, nemadare egoridhe pakati pawo akapoteredza.

34 Dare regoridhe nepomegiranati, dare regoridhe nepomegiranati pamupendero wejazi wakapoteredza.

35 Zvino zvichava pana Aroni kushumira, kuti kurira kwaro kunzwike paanopinda munzvimbo tsvene pamberi paJehovha, nepakubuda kwake, kuti asafa.

36 Zvino uchaita hwendefa regoridhe rakazara, ugofombora pariri, sepakafomborwa pezvidhindo uchiti: UTSVENE KUNA JEHOVHA.

37 Uchariisawo parwonzi rweruvara rwedenga, rigoiswa pangundu, rive mhiri pakatarisana nengundu.

38 Zvino richava pahuma yaAroni, kuti Aroni atakure kuipa kwezvinhu zvitsvene, vana vaIsraeri zvavachaita zvitsvene pazvipo zvavo zvitsvene zvose; uye richava pahuma yake nguva dzose, kuti vagamuchirwe pamberi paJehovha.

39 Ucharukawo nguvo refu yemucheka wakaisvonaka, uye uchaita ngundu yemucheka wakaisvonaka, uye uchaita bhanhire nebasa rechirukwa.

40 Nevanakomana vaAroni uchavaitira nguvo refu; uye uchavaitira mabhanhire; uvaitirewo nguwani; zvive rukudzo nerunako.

41 Zvino uchazvipfekedza Aroni mukoma wako nevanakomana vake pamwe naye; uye uchavazodza, nekuvatsaura, nekuvatsvenesa, kuti vandishumire paupristi.

42 Uchavaitirawo zvikadubura zvemukati zvemucheka kufukidza nyama yakashama; zvichava kubva pazviuno kusvika pazvidya.

43 Zvichapfekwawo naAroni nevanakomana vake pakupinda kwavo mutende rekusangana, kana pavanoswedera paaritari kushumira panzvimbo tsvene; kuti varege kutakura chakaipa vakafa. Chive chimiso narinhi narinhi kwaari nekumbeu yake shure kwake.