ShonaTeam Exodus « 27 »

Aritari yekupisira

27Zvino uchaita aritari nematanda emuakasia; kureba kuve mbimbi shanu, uye upamhi huve mbimbi shanu; aritari ichava nhivi ina dzakaenzana; uye kukwirira kwayo kuve mbimbi nhatu.

2 Uchaitawo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzibve pairi; zvino uchaiputira nendarira.

3 Uye uite hari dzayo dzekubvisa madota ayo, nefoshoro dzayo, nembiya dzayo, nezvibaiso zvenyama zvayo, nembato dzayo; midziyo yayo yose uchaiita nendarira.

4 Uchaiitirawo sefa yendarira basa remumbure, nepamumbure uchaita zvindori zvina zvendarira pamicheto yayo mina.

5 Zvino uchazviisa pasi pemucheto wearitari pazasi, kuti mumbure usvike pakati pearitari.

6 Uitire aritari zvibatiso, zvibatiso zvematanda emuakasia, ugozviputira nendarira.

7 Zvino zvibatiso zvichauiswa muzvindori, uye zvibatiso zvichava panhivi mbiri dzearitari pakuitakura.

8 Uiite nemapuranga ine mhango, sezvayakaratidzwa kwauri mugomo, muiite saizvozvo.

Chivanze chetabhenakeri

9 Zvino uchaita chivanze chetabhenakeri; kurutivi rwechamhembe kwakatarisa kuchamhembe kuchava nezviremberedzwa zvechivanze zvemucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwerutivi rumwe kuve mbimbi zana.

10 Uye mbiru dzacho makumi maviri nezvigadziko zvadzo makumi maviri zvive zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvisungo zvadzo zvive zvesirivha.

11 Saizvozvowo kudivi rekumaodzanyemba pakureba ngapave nezviremberedzwa zvine mbimbi zana; nembiru dzayo makumi maviri, nezvigadziko zvadzo makumi maviri zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvisungo zvadzo zvive sirivha.

12 Neupamhi hwechivanze, kurutivi rwemavirazuva, pachava nezviremberedzwa zvine mbimbi makumi mashanu, mbiru dzayo dzive gumi, nezvigadziko zvadzo zvive gumi.

13 Neupamhi hwechivanze kurutivi rwemabvazuva kwakananga kumabvazuva kuchava mbimbi makumi mashanu.

14 Uye zviremberedzwa rumwe rutivi zvive mbimbi gumi neshanu, mbiru dzazvo dzive nhatu, nezvigadziko zvazvo zvitatu.

15 Nekune rumwe rutivi kuve nezviremberedzwa zvine mbimbi gumi neshanu, mbiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvazvo zvitatu.

16 Nepasuwo rechivanze pave nechidzitiro chine mbimbi makumi maviri, chine zveruvara rwedenga neruvara rwehute nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka wakarukwa, basa remusoni; mbiru dzacho dzive ina nezvigadziko zvacho zvina.

17 Mbiru dzose dzechivanze dzakapoteredza dzichasungwa nesirivha; zvikorekedzo zvadzo zvive zvesirivha, nezvigadziko zvadzo zvive zvendarira.

18 Urefu hwechivanze huchava mbimbi zana, neupamhi makumi mashanu uku nemakumi mashanu uku, nekukwirira mbimbi shanu, dzemucheka wakaisvonaka wakarukwa; nezvigadziko zvadzo zvive zvendarira.

19 Midziyo yose yetabhenakeri pamabasa ayo ose, nehoko dzayo dzose, nehoko dzose dzechivanze, dzive dzendarira.

20 Zvino iwe ucharaira vana vaIsraeri kuti vakuvigire mafuta emuorivhi akazara akatakirwa mwenje, ekuvhenekeresa mwenje nguva dzose.

21 Mutende rekusangana kunze kwevheiri riri pamberi peuchapupu, Aroni nevanakomana vake vachairongedza kubva madekwani kusvika mangwanani pamberi paJehovha; chichava chimiso nekusingaperi kumazera avo, nekuda kwevana vaIsraeri.