ShonaTeam Exodus « 25 »

Zvibairo zvaJehovha

25Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri kuti vanditorere chipo chinozunguzirwa; pamunhu umwe neumwe uyo moyo wake unomutuma, muchatora chipo chinozunguzirwa changu.

3 Zvino ichi ndicho chipo chamuchatora kwavari: Goridhe, nesirivha, nendarira,

4 nezveruvara rwedenga, nezveruvara rwehute, nezvitsvuku, nemucheka wakaisvonaka, nemvere dzembudzi,

5 nematehwe emakondohwe akapendwa zvitsvuku, nematehwe ezvikumba, nematanda emuakasia,

6 mafuta emwenje, zvinonhuhwira zvemafuta ekuzodza, nezvezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira,

7 mabwe eonikisi, nemabwe ekuisa paefodhi nepahombodo yechipfuva.

8 Zvino ngavandiitire nzvimbo tsvene, kuti ndigare pakati pavo.

9 Maererano nezvose zvandichakuratidza, mufananidzo wetabhenakeri, nemufananidzo wenhumbi dzayo dzose, muchaiita saizvozvowo.

Areka yesungano

10 Zvino vachaita areka nematanda emuakasia; urefu hwayo mbimbi mbiri nehafu, neupamhi hwayo mbimbi nehafu, nekukwirira kwayo mbimbi nehafu.

11 Zvino uchaiputira negoridhe rakazara, mukati nekunze uchaiputira, uye uchaitira pamusoro payo mupendero wegoridhe unopoteredza.

12 Zvino uchaiumbira nekunyungudusa zvindori zvina zvegoridhe, nekuzviisa pamakumbo ayo mana, nezvindori zviviri parutivi rwumwe rwayo, nezvindori zviviri pane rwumwe rutivi rwayo.

13 Zvino uchaita zvibatiso nematanda emuakasia*, ndokuzviputira negoridhe.

14 Zvino uchapinza zvibatiso muzvindori panhivi dzeareka, kutakura areka nazvo.

15 Zvibatiso zvichava muzvindori zveareka; hazvingabviswi pairi.

16 Zvino uchaisa muareka uchapupu hwandichakupa.

17 Uitewo chigaro chengoni chegoridhe rakazara; mbimbi mbiri nehafu kuchava kureba kwacho; uye mbimbi nehafu huchava upamhi hwacho.

18 Zvino uchaita makerubhi* maviri egoridhe, uchaaita nebasa rakapfurwa pamicheto miviri yechigaro chengoni.

19 Zvino uite kerubhi rimwe pamucheto umwe, nerimwe kerubhi pane umwe mucheto; uchaita makerubhi anobva pachigaro chengoni pamicheto miviri yacho.

20 Zvino makerubhi achatandavadzira mapapiro kumusoro, achifukidza chigaro chengoni nemapapiro awo, nezviso zvawo zvakatarisana; zviso zvemakerubhi zvichatarisa chigaro chengoni.

21 Zvino uchaisa chigaro chengoni kumusoro pamusoro peareka, uye muareka uchaisa uchapupu hwandichakupa.

22 Zvino ndichasangana newe ipapo, uye ndichataura newe ndiri pamusoro pechigaro chengoni, ndiri pakati pemakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeuchapupu, zvose zvandichakuraira kuvana vaIsraeri.

Tafura yezvingwa zvekuratidza

23 Uchaitawo tafura nematanda emuakasia; mbimbi mbiri kuve kureba kwayo, uye mbimbi upamhi hwayo, uye mbimbi nehafu kuve kukwirira kwayo.

24 Zvino uchaiputira negoridhe rakazara; ugoita pairi mupendero wegoridhe unopoteredza.

25 Zvino uchaiitira mukombero wakakomberedza une upamhi hwechanza; uye uchaiitira mukombero wayo mupendero wegoridhe mativi ose.

26 Uye uchaiitira zvindori zvina zvegoridhe; ugoisa zvindori pamakona mana ari pamakumbo ayo mana.

27 Zvindori zvichava pamupendero kuti zvive nzvimbo dzezvibatiso kutakura tafura.

28 Zvino uchaita zvibatiso nematanda emuakasia, ugozviputira negoridhe, kuti tafura itakurwe nazvo.

29 Uye uite ndiro dzayo nemikombe yayo nemidziyo yayo nemadhishi ayo ekudira nawo; uzviite negoridhe rakazara.

30 Zvino uchaisa pamusoro petafura chingwa chekuratidzira pamberi pangu rinhi narinhi.

Chigadziko chemwenje chegoridhe

31 Zvino uchaita chigadziko chemwenje chegoridhe rakazara; chigadziko chemwenje chichaitwa nebasa rakapfurwa; chigadziko chacho, matavi acho, mbiya dzacho, mabumburudzi acho, nemaruva acho zvichabva pachiri.

32 Zvino matavi matanhatu achabuda pamativi acho; matavi matatu echigadziko chemwenje kubva kune rumwe rutivi rwacho, nematavi matatu echigadziko chemwenje kubva kune rumwe rutivi rwacho.

33 Mbiya nhatu dzakaumbwa semaruva emuarimondi padavi rimwe, bumburudzi neruva; nembiya nhatu dzakaumbwa semaruva emuarimondi pane rimwe davi, bumburudzi neruva; saizvozvo pamatavi matanhatu anobuda pachigadziko chemwenje.

34 Uye pachigadziko chemwenje pave nembiya ina dzakaumbwa semaruva emuarimondi, mabumburudzi adzo nemaruva adzo.

35 Nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, nebumburudzi pazasi pematavi maviri anobva pachiri, zvichienderana nematavi matanhatu anobuda pachigadziko chemwenje.

36 Mabumburudzi awo nematavi awo achabva pachiri; zvose zvive basa rimwe rakapfurwa negoridhe rakazara.

37 Zvino uchaita mwenje minomwe yacho, uye vachatungidza mwenje yacho, vachauvhenekeresa divi rakatarisana nacho.

38 Zvino mbato dzacho nezvaenga zvemadota zvacho zvichava zvegoridhe rakazara.

39 Achazviita netarenda negoridhe rakazara, pamwe nemidziyo iyi yose.

40 Zvino uchenjerere kuti uite nemufananidzo wazvo wakaratidzwa kwauri pagomo.