ShonaTeam Exodus « 22 »

Mirairo pamusoro pezvevamwe

22Kana munhu akaba nzombe kana gwai, ndokuriuraya kana kuritengesa, acharipa nzombe shanu panzombe, nemakwai mana pagwai.

2 Kana mbavha ikawanikwa ichipaza, ndokurohwa kusvika yafa, hapana mhosva yeropa kwaari.

3 Kana zuva ramubudira, achava nemhosva yeropa. Anofanira kuripa; kana asina chinhu achatengeswa nekuda kwekuba kwake.

4 Kana chakabiwa chikawanikwa zvekuwanikwa muruoko rwake chiri chipenyu, ingava nzombe, kana mbongoro, kana gwai, acharipa kaviri.

5 Kana munhu akadyisa munda kana munda wemizambiringa, akapinza zvipfuwo zvake ndokunodya mumunda weumwe, acharipa pazvakanakisisa zvemunda wake, nepazvakanakisisa zvemunda wake wemizambiringa.

6 Kana moto ukadauka ukabata minzwa kusvika kwapiswa murwi wezviyo kana zviyo zvimire kana munda, wakatungidza moto acharipa zvekuripa.

7 Kana munhu achipa wekwake mari kana nhumbi kuti achengete, zvino zvikabiwa kubva mumba memunhu uyu, kana mbavha ikawanikwa ngaaripe kakapetwa kaviri.

8 Kana mbavha ikasawanikwa, ipapo muridzi weimba achaswededzwa kuvatongi, zvionekwe kana asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzewekwake.

9 Pashoko rimwe nerimwe rekudarika, panzombe, pambongoro, pagwai, pachekupfeka, pachinhu chipi nechipi chakarasika, munhu achireva kuti ndechake, shoko ravo vari vaviri richaenda kuvatongi; vatongi vachapa mhosva uyo acharipa kakapetwa kaviri kune wekwake.

10 Kana munhu achipa wekwake mbongoro kana nzombe kana gwai kana chimwe chipfuwo kuti achengete, icho ndokufa kana kukuvara kana kutinhwa pasina anoona;

11 mhiko yaJehovha ichava pakati pavo vari vaviri, zvionekwe kana asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzewekwake; zvino muridzi wazvo achagamuchira; haangaripi.

12 Asi kana zvikabiwa zvirokwazvo kwaari, acharipa kumuridzi wazvo.

13 Kana zvikabvamburwa-bvamburwa, ngaauye nazvo zvive uchapupu; haangaripi zvakabvamburwa.

14 Zvino kana munhu akakwereta kune wekwake, icho ndokukuvara, kana kufa, muridzi wacho asisipo, ucharipa zvekuripa.

15 Kana muridzi wacho anacho, haangaripi; kana chiri chinhu chakahaiwa,* chavinga kuhaiwa kwacho.

16 Zvino kana munhu akanyengedzera musikana asina kutsidzira kuroorwa, ndokurara naye, zvirokwazvo achamuroora ave mukadzi wake.

17 Kana baba vake vakaramba zvekuramba kumupa iye, acharipa mari yakaenzana neroora yemhandara.

18 Usarega muroyikadzi kuti ararame.

19 Ani nani anorara nechipfuwo achaurawa zvirokwazvo.

20 Anobaira vamwari kunze kwaJehovha chete achaparadzwa chose.

21 Usadzvinyirira mutorwa kana kumumanikidza, nokuti maiva vatorwa munyika yeEgipita.

22 Usatambudza chero chirikadzi kana nherera.

23 Kana ukavatambudza zvekuvatambudza, zvirokwazvo kana vakadana kwazvo kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kudana kwavo;

24 zvino hasha dzangu dzichapfuta ndigokuurayai nemunondo; zvino vakadzi venyu vachava chirikadzi nevana venyu nherera.

25 Kana uchikweretesa mari kuvanhu vangu varombo vari pauri, usazviita semukweretesi kwaari; usaisa pamusoro pake zvibereko.

26 Kana ukatongotora nguvo yewekwako chive chibatiso, uidzosere kwaari zuva risati ravira;

27 nokuti ndicho chifukidzo chake choga, inguvo yake yeganda rake; acharara pai? Zvino zvichaitika kana akadana kwandiri, ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi.

28 Usashora Mwari, uye usatuka mubati pakati pevanhu vako.

29 Usanonosa chibereko chakazara nemuto wenyu wezvibereko; dangwe revanakomana venyu uchapa kwandiri.

30 Uite saizvozvo nenzombe dzako uye nemakwai ako; richava namai varo mazuva manomwe; nezuva rerusere ucharipa kwandiri.

31 Zvino muchava vanhu vatsvene kwandiri; naizvozvo musadya nyama yakabvamburwa nezvikara musango; muchaikandira kuimbwa.