ShonaTeam Exodus « 21 »

Mirairo yevana tenzi nevaranda

21Iyi ndiyo mitongo yauchaisa pamberi pavo:

2 Kana uchitenga muranda muHebheru, achashanda makore matanhatu, asi nerechinomwe achabuda akasununguka pasina muripo.

3 Kana achipinda ari oga, achabuda ari oga; kana akaroora, zvino mukadzi wake achabuda naye.

4 Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye ndokumuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi nevana vake vachava vatenzi wake, iye achabuda ari oga.

5 Asi kana muranda akati zvirokwazvo: Ndinoda tenzi wangu, mukadzi wangu, nevana vangu, handibudi ndakasununguka;

6 ipapo tenzi wake achamuuisa kuvatongi, achamuuisawo kumukova, kana kugwatidziro; zvino tenzi wake achaboora nzeve yake nerunji; zvino achamushandira nekusingaperi.

7 Zvino kana munhu akatengesa mukunda wake kuva murandakadzi, iye haangabudi sekubuda kwevarandarume.

8 Kana akaipa pameso atenzi wake akazvimisira iye, ipapo anoita kuti adzikunurwe; haangavi nesimba rekumutengesa kurudzi rwevatorwa, sezvo akamubata nekunyengedza.

9 Zvino kana akamisirwa mwanakomana wake, achamuitira sezvakafanira vakunda.

10 Kana akazvitorera umwe, haangatapudzi kudya kwake, nguvo yake, kana bonde rake.

11 Zvino kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, ipapo achabuda pachena pasina mari.

Mirairo pamusoro pekuurayana nekukuvadzana

12 Anorova munhu kusvika afa, achaurawa kufa.

13 Asi kana munhu asina kuvandira, asi Mwari amukumikidza muruoko rwake, ipapo ndichakutarira nzvimbo kwaachatizira.

14 Asi kana munhu akaitira maune wekwake kuti amuuraye nekunyengera, achamubvisa paaritari yangu kuti afe.

15 Zvino anorova baba vake kana mai vake, achaurawa kufa.

16 Neanoba munhu, akamutengesa, kana akawanikwa ari muruoko rwake, achaurawa kufa.

17 Neanotuka baba vake kana mai vake, achaurawa kufa.

18 Zvino kana vanhu vakarwisana, umwe akarova umwe nebwe kana nechibhakera, uye akasafa, asi akawira panhovo;

19 kana akasimuka, akafamba panze nemudonzvo wake, ipapo wakarova achava wakachena; koga acharipa kurasikirwa kwake, uye achamurapisa kwazvo.

20 Uye kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake netsvimbo, ndokufira pasi peruoko rwake, achatsiviwa zvekutsiviwa.

21 Zvakadaro kana akamira zuva kana mazuva maviri, haangatsiviwi; nokuti iye imari yake.

22 Uye kana varume vachirwa, ndokurova mukadzi ane mimba kusvika mwana abuda, asi pasina njodzi, iye acharipiswa zvekuripiswa, sezvatara murume wemukadzi uyo kwaari, uye achapa kubudikidza nevatongi.

23 Asi kana pachinge pane njodzi, zvino achapa upenyu pachinzvimbo cheupenyu,

24 ziso pachinzvimbo cheziso, zino pachinzvimbo chezino, ruoko pachinzvimbo cheruoko, rutsoka pachinzvimbo cherutsoka,

25 kupiswa pachinzvimbo chekupiswa, vanga pachinzvimbo chevanga, ronda pachinzvimbo cheronda.

26 Zvino kana munhu akarova ziso remuranda wake, kana ziso remurandakadzi wake, akariparadza, achamurega aende akasununguka nekuda kweziso rake.

27 Zvino kana akagumura zino remuranda wake kana zino remurandakadzi wake, achamurega aende akasununguka nekuda kwezino rake.

28 Uye kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, ndokufa, nzombe ichatakwa zvekutakwa nemabwe, nenyama yayo haingadyiwi; asi muridzi wenzombe achava wakasununguka.

29 Asi kana nzombe yakajaira kutunga zuro namarimwezuro, uye muridzi wayo akapupurirwa, asi akasaichengeta, zvino ikauraya murume kana mukadzi, nzombe ichatakwa nemabwe, uye nemuridzi wayo achaurawa.

30 Kana rudzikunuro rwaiswa pamberi pake, zvino achapa muripo weupenyu hwake, sechose chaiswa pamberi pake.

31 Kana ikatunga mwanakomana kana ikatunga mwanasikana, zvichaitwa kwaari sepamutongo uyu.

32 Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, achapa tenzi wake mashekeri esirivha makumi matatu, uye nzombe ichatakwa nemabwe.

33 Uye kana munhu akazarura gomba, uye kana munhu akachera gomba, ndokusarivhara, nzombe kana mbongoro ndokuwiramo,

34 muridzi wegomba acharipa; ndokudzosera mari kumuridzi wayo; asi chakafa chichava chake.

35 Zvino kana nzombe yemunhu ikakuvadza nzombe yewekwake kusvika yafa, ipapo vachatengesa nzombe mhenyu ndokugovana mari yayo, neyakafawo vachagovana.

36 Uye kana zvichizikanwa zuro namarimwezuro kuti nzombe iyo yakajaira kutunga, muridzi wayo ndokusaichengeta, zvirokwazvo acharipa nzombe pachinzvimbo chenzombe; asi yakafa ichava yake.