ShonaTeam Exodus « 19 »

VaIsraeri vanosvika kugomo reSinai

19Mumwedzi wechitatu shure kwekunge vana vaIsraeri vabuda kubva munyika yeEgipita, nezuva iroro vakasvika murenje reSinai.

2 Vakati vabva paRefidhimu, ndokusvika murenje reSinai, ndokudzika misasa murenje; Israeri ndokudzikapo misasa pamberi pegomo.

3 Zvino Mozisi wakakwira kuna Mwari. Jehovha ndokumudanidzira ari mugomo achiti: Uchataura saizvozvo kuimba yaJakove, ugoudza vana vaIsraeri, uti:

4 Imwi makaona zvandakaita kuvaEgipita, uye kuti ndakakutakurai pamapapiro emakondo, ndikakuunzai kwandiri.

5 Naizvozvo ikozvino kana mukateerera zvekuteerera kuinzwi rangu, uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava fuma yakasanangurwa kwandiri kupfuura marudzi ose, nokuti nyika yose ndeyangu.

6 Nemwi muchava kwandiri ushe hwevapristi, uye rudzi rutsvene. Awa ndiwo mashoko auchaudza kuvana vaIsraeri.

7 Mozisi ndokuuya ndokudana vakuru vevanhu, ndokuisa pamberi pavo mashoko awa ose, Jehovha aaiva amuraira.

8 Vanhu vose ndokupindura pamwe chete ndokuti: Zvose Jehovha zvaataura tichaita. Mozisi ndokudzorera mashoko evanhu kuna Jehovha.

9 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagokutenda kusvika rinhi narinhi. Mozisi ndokuudza Jehovha mashoko evanhu.

10 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Enda kuvanhu, ugovaita vatsvene nhasi namangwana, uye vasuke nguvo dzavo,

11 uye vakagadzirira zuva retatu, nokuti pazuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pemeso evanhu vose pamusoro pegomo reSinai.

12 Zvino uisire vanhu muganhu mativi ose, uchiti: Zvichenjererei kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani nani anobata gomo achaurawa zvekuurawa.

13 Hakuna ruoko rwucharibata, asi achatakwa nemabwe zvirokwazvo, kana kupfurwa-pfurwa; ingava mhuka, kana munhu, hachingararami; apo hwamanda ichiramba ichirira, ivo vachakwira mugomo.

14 Zvino Mozisi wakaburuka mugomo kuenda kuvanhu, ndokuita vanhu vave vatsvene; zvino vakasuka nguvo dzavo.

15 Zvino wakati kuvanhu: Gadzirirai zuva retatu; musaswedera kumukadzi.

16 Zvino zvakaitika pazuva retatu kwaedza kuti kwakava nemitinhiro nemheni uye gore rinorema pamusoro pegomo, nenzwi rehwamanda rine simba kwazvo; vanhu vose vaiva vari mumusasa ndokudedera.

17 Zvino Mozisi wakabudisa vanhu kubva mumusasa kuchingamidza Mwari; zvino vakamira muzasi megomo.

18 Zvino gomo rose reSinai raipfungaira, nokuti Jehovha wakaburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ndokukwira seutsi hwevira; gomo rose ndokudengenyeka kwazvo.

19 Zvino inzwi rehwamanda rakati richiramba richisimba kwazvo, Mozisi wakataura, Mwari ndokumupindura nenzwi.

20 Jehovha ndokuburukira pagomo reSinai, pamusoro pegomo; Jehovha ndokudanira Mozisi pamusoro pegomo; Mozisi ndokukwira.

21 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Buruka, raira vanhu zvimwe vangapazira kuna Jehovha kuona, vazhinji vavo ndokuwa.

22 Nevapristiwo vanoswedera kuna Jehovha ngavazviite vatsvene, zvimwe Jehovha angavamukira.

23 Mozisi ndokuti kuna Jehovha: Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti imwi makatiyambira, muchiti: Isai miganhu pagomo muriite dzvene.

24 Jehovha ndokuti kwaari: Enda uburuke, ukwirezve, iwe naAroni anewe; asi vapristi nevanhu ngavarege kupazira kukwira kuna Jehovha, zvimwe angavamukira.

25 Mozisi ndokuburukira kuvanhu, ndokuvaudza.