ShonaTeam Exodus « 18 »

Jeturo anoshanyira Mozisi

18Zvino Jeturo, mupristi weMidhiani, mukarahwa waMozisi, wakati anzwa zvose Jehovha zvaakaitira Mozisi naIsraeri vanhu vake, kuti Jehovha wakabudisa Israeri kubva muEgipita,

2 Jeturo mukarahwa waMozisi ndokutora Zipora mukadzi waMozisi shure kwekunge amudzosera,

3 nevanakomana vake vaviri, avo zita reumwe raiva Gerishomu, nokuti wakati: Ndaiva mweni panyika yeutorwa;

4 nezita reumwe raiva Eriazari, nokuti wakati: Mwari wababa vangu waiva ari mubatsiri wangu, uye wakandinunura pamunondo waFarao.

5 Jeturo mukarahwa waMozisi ndokuuya kuna Mozisi ane vanakomana vake nemukadzi wake murenje, paaiva akavaka musasa, pagomo raMwari.

6 Zvino wakati kuna Mozisi: Ini mukarahwa wako Jeturo ndauya kwauri, nemukadzi wako nevanakomana vake vaviri vanaye.

7 Mozisi ndokubuda kunochingamidza mukarahwa wake, ndokukotama, ndokumutsvoda. Zvino vakabvunzana upenyu, ndokupinda mutende.

8 Zvino Mozisi wakaudza mukarahwa wake zvose Jehovha zvaakaitira Farao nevaEgipita nekuda kwaIsraeri, dambudziko rose rakavawira panzira, Jehovha ndokuvanunura.

9 Jeturo ndokufara pamusoro pezvakanaka zvose Jehovha zvaaiva aitira Israeri waaiva anunura kubva paruoko rwevaEgipita.

10 Jeturo ndokuti: Jehovha ngaarumbidzwe iye wakakununurai kubva paruoko rwevaEgipita, nekubva paruoko rwaFarao, iye wakanunura vanhu kubva pasi peruoko rwevaEgipita.

11 Ikozvino ndaziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwari vose, nokuti pachinhu chavakazvitutumadza nacho waiva pamusoro pavo.

12 Zvino Jeturo, mukarahwa waMozisi, wakatora chipo chinopiswa nezvibairo kuna Mwari; Aroni ndokupinda pamwe nevakuru vose vaIsraeri kuzodya chingwa nemukarahwa waMozisi pamberi paMwari.

13 Zvino zvakaitika chifume, kuti Mozisi wakagara kutonga vanhu; vanhu ndokumira pamberi paMozisi kubva mangwanani kusvika madekwani.

14 Mukarahwa waMozisi wakati achiona zvose zvaaiitira vanhu, wakati: Chii ichi chaunoitira vanhu? Unogarirei woga, vanhu vose vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvika madekwani?

15 Mozisi ndokuti kumukarahwa wake: Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza kuna Mwari.

16 Kana vane nyaya vanouya kwandiri; uye ndinotonga pakati peuyu neumwe, uye ndinozivisa mitemo yaMwari nemirairo yake.

17 Zvino mukarahwa waMozisi wakati kwaari: Chinhu chaunoita hachina kunaka.

18 Zvirokwazvo uchaneta, zvose iwe nevanhu ava vaunavo; nokuti chinhu ichi chinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuchiita pachako woga.

19 Teerera ikozvino kuinzwi rangu, ndichakupa zano, uye Mwari achava newe. Iwe iva wevanhu kuna Mwari, uye iwe uise nyaya dzavo kuna Mwari;

20 uye uchavadzidzisa mitemo nemirairo, ugovazivisa nzira yavanofamba nayo, nebasa ravanoita.

21 Zvino iwe uone kubva pakati pevanhu vose varume vane simba, vanotya Mwari, varume vechokwadi, vanovenga mubairo usakarurama; uvaise pamusoro pavo, vave vatungamiriri vezvuru, vatungamiriri vemazana, vatungamiriri vemakumi mashanu, nevatungamiriri vemakumi;

22 kuti vatonge vanhu nguva dzose; zvino zvichaitika kuti nyaya huru imwe neimwe vachaiuisa kwauri, asi nyaya imwe neimwe diki ivo ngavaitonge; zvino iwe uchazvirerusira, uye vachatakudzana newe.

23 Kana uchiita chinhu ichi, Mwari achakurairawo, zvino iwe uchagona kumira, nevanhu ava vose vachaendawo kunzvimbo yavo nerugare.

24 Mozisi ndokuteerera kuinzwi remukarahwa wake, ndokuita zvose zvaaiva ataura.

25 Mozisi ndokusarudza varume vane simba kubva kuna Israeri wose, ndokuvaita vatungamiriri pamusoro pevanhu, vatungamiriri vezvuru, vatungamiriri vemazana, vatungamiriri vemakumi mashanu, nevatungamiriri vemakumi.

26 Zvino vakatonga vanhu nguva dzose; nyaya dzakaoma ndokudziuisa kuna Mozisi, asi nyaya imwe neimwe diki vaitonga vomene.

27 Zvino Mozisi wakarega mukarahwa akaenda; zvino akaenda kunyika yekwake.