ShonaTeam Exodus « 17 »

Vanopiwa mvura padombo paRefidhimu

17Zvino ungano yose yevana vaIsraeri yakasimuka kubva murenje reSini, nenzendo dzavo, zvichienderana nemurairo waJehovha, ndokudzika matende paRefidhimu; asi paiva pasina mvura kuti vanhu vanwe.

2 Vanhu ndokurwisana naMozisi, ndokuti: Tipe mvura tigonwa. Mozisi ndokuti kwavari: Chii chamunorwira neni? Chii chamunoidzira Jehovha?

3 Zvino vanhu vakava nenyota yemvura ipapo, vanhu ndokugunun'unira Mozisi, ndokuti: Wakatikwidzirei kubva muEgipita kuti utiuraye nevana vedu nezvipfuwo zvedu nenyota?

4 Mozisi ndokuchema kuna Jehovha achiti: Ndichaitei kuvanhu ava? Kwasara padiki kuti vanditake nemabwe.

5 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Darikira pamberi pevanhu, utore pamwe newe vakuru vaIsraeri, uye utore muruoko rwako tsvimbo yako yawakarova rwizi nayo, uende.

6 Tarira, ndichamira pamberi pako ipapo padombo paHorebhu; zvino ucharova dombo, mvura ndokubuda pariri, vanhu ndokunwa. Zvino Mozisi wakaita saizvozvo pamberi pemeso evakuru vaIsraeri.

7 Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo kuti Masa uye Meribha, nekuda kwekukakavara kwevana vaIsraeri, uye nekuda kwekuidza kwavo Jehovha vachiti: Jehovha ari pakati pedu here kana kwete?

VaIsraeri vanokunda Amareki

8 Zvino Amareki wakauya ndokurwa naIsraeri muRefidhimu.

9 Zvino Mozisi wakati kuna Joshua: Tisarudzire varume, ugobuda unorwa naAmareki. Mangwana ndichamira pamusoro wechikomo, uye tsvimbo yaMwari ichava muruoko rwangu.

10 Joshua ndokuita sezvakataura Mozisi kwaari, kurwa naAmareki. Zvino Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro wechikomo.

11 Zvino zvakaitika Mozisi paaisimudza ruoko rwake, kuti Israeri waiva nesimba, uye paaidzikisa ruoko rwake, Amareki waiva nesimba.

12 Asi maoko aMozisi akarema; zvino vakatora ibwe ndokuisa pasi pake, iye ndokugara pamusoro paro. Aroni naHuri ndokutsigira maoko ake, umwe kurutivi rwuno, umwe kurutivi irwo; maoko ake ndokusimba kusvika pakuvira kwezuva.

13 Joshua ndokupedza simba Amareki nevanhu vake nemuromo wemunondo.

14 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Nyora izvi mubhuku chive chirangaridzo, zvino uise munzeve dzaJoshua, kuti ndichadzima kwazvo chiyeuchidzo chaAmareki kubva pasi pematenga.

15 Mozisi ndokuvaka aritari, ndokutumidza zita rayo: Jehovha ndiye mureza wangu.

16 Ndokuti: Nokuti ruoko rwuri pachigaro cheushe chaJehovha, Jehovha achava nehondo naAmareki kubva kuzera kusvika kuzera.