ShonaTeam Exodus « 16 »

VaIsraeri vanopiwa mana

16Zvino vakabva paErimu parwendo rwavo; neungano yose yevana vaIsraeri yakasvika parenje reSini riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi nemashanu remwedzi wechipiri rekubuda kwavo panyika yeEgipita.

2 Zvino ungano yose yevana vaIsraeri ikagunun'unira Mozisi naAroni murenje.

3 Vana vaIsraeri ndokuti kwavari: Tingadai hedu takafa neruoko rwaJehovha munyika yeEgipita pakugara kwedu pahari yenyama, pataidya chingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.

4 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tarira, ndichakunisirai chingwa kubva kumatenga; zvino vanhu vachabuda ndokuunganidza chinhu chezuva muzuva racho, kuti ndivaidze kana vachifamba mumurairo wangu kana kwete.

5 Zvino zvichava nezuva retanhatu, kuti vachagadzira izvo zvavauya nazvo; uye zvichapamhidzirwa kaviri pane zviya zvavanounganidza zuva rimwe nerimwe.

6 Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsraeri vose: Madekwani zvino muchaziva kuti Jehovha wakakubudisai panyika yeEgipita.

7 Uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti wanzwa kugunun'una kwenyu muchipokana naJehovha. Zvino isu tiri chii zvamunotigunun'unira?

8 Mozisi ndokuti: Jehovha paachakupai nyama madekwani kuti mudye, nechingwa mangwanani kuti mugute, chikonzero chekuti Jehovha wakanzwa kugunun'una kwenyu kwamakamugunun'unira nako. Zvino isu tiri chii? Kugununu'na kwenyu ngakurege kuva kwatiri, asi kuna Jehovha.

9 Mozisi ndokuti kuna Aroni: Iti kuungano yose yevana vaIsraeri: Swederai pamberi paJehovha, nokuti wakanzwa kugunun'una kwenyu.

10 Zvino zvakaitika Aroni achitaura kuungano yose yevana vaIsraeri, kuti vakatendeukira kurenje, zvino tarira, kubwinya kwaJehovha kunoonekwa mugore.

11 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:

12 Ndanzwa kugunun'una kwevana vaIsraeri; taura kwavari uchiti: Madekwani muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta chingwa; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

13 Zvino zvakaitika madekwani, kuti zvihuta zvakakwira ndokufukidza musasa; zvino mangwanani paiva nerukoko rwedova rwakapoteredza musasa.

14 Zvino murakatira wedova wakati wasimuka, zvino tarira, pachiso cherenje chinhu chidiki chakaurungana, chidiki sechando pasi.

15 Zvino vana vaIsraeri vakati vachichiona vakati umwe kune umwe: Imana? Nokuti vaiva vasingazivi kuti chii. Mozisi ndokuti kwavari: Ndicho chingwa Jehovha chaapa kwamuri kuti mudye.

16 Ichi chinhu Jehovha chaakaraira: Unganidzai pachiri umwe neumwe zvichienderana nemadyiro ake; omeri imwe pamusoro umwe, neuwandu hwemweya yeupenyu yenyu; umwe neumwe atorere vari mutende rake.

17 Vana vaIsraeri ndokuita saizvozvo, ndokuunganidza umwe zvizhinji umwewo zvishoma.

18 Zvino vakati vozviyera neomeri, waiva aunganidza zvizhinji wakava asina muraudzo, newaiva aunganidza zvishoma wakava asina kushaiwa chinhu; vakaunganidza, umwe neumwe zvichienderana nemadyiro ake.

19 Mozisi ndokuti kwavari: Kurege kuva nemunhu anosiya zvacho kusvika mangwanani.

20 Asi havana kuteerera Mozisi; asi vamwe vakasiya pazviri kusvika mangwanani; asi zvikabuda honye, zvikanhuhwa; Mozisi ndokuvatsamwira.

21 Zvino vakachiunganidza mangwanani oga-oga, umwe neumwe zvichienderana nemadyiro ake; kana zuva ropisa zvakanyunguduka.

22 Zvino zvakaitika pazuva retanhatu, kuti vaiunganidza chingwa chakapetwa kaviri, omeri mbiri paumwe; zvino vakuru vose veungano vakauya ndokuudza Mozisi.

23 Iye ndokuti kwavari: Ndizvo zvakataura Jehovha: Mangwana izororo, sabata dzvene kuna Jehovha; bhekai zvamuchabheka, bikai zvamuchabika; uye chose chinosara muchigadzike chichengetwe kusvika mangwanani.

24 Zvino vakachisiya kusvika mangwanani, Mozisi sezvaaiva araira; zvino hachina kunhuhwa, nehonye haina kuva pachiri.

25 Mozisi ndokuti: Idyai izvozvo nhasi, nokuti nhasi isabata kuna Jehovha. Nhasi hamuzviwani kusango.

26 Muchachiunganidza mazuva matanhatu; asi pazuva rechinomwe isabata; naro kuchava kusina.

27 Zvino zvakaitika nezuva rechinomwe kuti vamwe vevanhu vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana.

28 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemitemo yangu kusvika rinhi?

29 Onai, nokuti Jehovha wakakupai sabata, naizvozvo anokupai nezuva retanhatu chingwa chemazuva maviri; garai umwe neumwe panzvimbo yake; kurege kubuda munhu kubva panzvimbo yake nezuva rechinomwe.

30 Vanhu ndokuzorora nezuva rechinomwe.

31 Imba yaIsraeri ndokutumidza zita racho kuti mana*; chaiva chakaita setsanga yekorianderi*, chena; uye munakiro wacho wakafanana nechingwa chine uchi.

32 Zvino Mozisi wakati: Ndiro shoko Jehovha raakaraira: Zadzai omeri nayo ichengeterwe mazera enyu, kuti vaone chingwa chandakakudyisai murenje pakukubudisai kwangu munyika yeEgipita.

33 Zvino Mozisi wakati kuna Aroni: Tora hari imwe uisemo omeri izere nemana, uiise pamberi paJehovha ichengeterwe mazera enyu.

34 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, saizvozvo Aroni wakaiisa pamberi pechipupuriro, kuti ichengetwe.

35 Zvino vana vaIsraeri vakadya mana makore makumi mana, kusvika vasvika panyika yaigarwa; vakadya mana kusvika vasvika pamuganhu wenyika yeKenani.

36 Zvino omeri ichegumi cheefa.