ShonaTeam Exodus « 15 »

Rwiyo rwaMozisi

15Ipapo Mozisi nevana vaIsraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu; ndokutaura vachiti: Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakasimuka kwazvo. Bhiza nemutasvi waro wakakandira mugungwa.

2 Jehovha isimba rangu nerwiyo; wakavawo ruponeso kwandiri; uyu ndiMwari wangu, naizvozvo ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza.

3 Jehovha murume wehondo; Jehovha izita rake.

4 Ngoro dzaFarao nehondo yake wakakandira mugungwa; nevatungamiriri vake vakasarudzwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.

5 Udzamu ukuru hwakavafukidza; vakaburukira munzvimbo dzakadzika sebwe.

6 Ruoko rwenyu rwerudyi, Jehovha, rwakakudzwa pasimba; ruoko rwenyu rwerudyi, Jehovha, rwunoputsanya muvengi.

7 Uye muukuru hwekukwirira kwenyu makaparadza vanokumukirai; munotuma kutsamwa kwenyu kunopfuta kunovapedza sezvitsinzinzi.

8 Uye nekufuridza kwemhino dzenyu mvura yakaitwa murwi; mafashame akamira semurwi; udziku ukuru hwakagwamba pamoyo wegungwa.

9 Muvengi wakati: Ndichadzingirira, ndichabata, ndichagovera zvakapambiwa; ruchiva rwangu rwuchagutswa pavari; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.

10 Makafuridza nemhepo yenyu; gungwa rakavafukidza; vakanyura semutobvu mumvura ine simba.

11 Ndiani wakaita semwi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndiani wakaita semwi munokudzwa pautsvene, munotyisa parumbidzo, muchiita zvishamiso?

12 Makatandavadza ruoko rwenyu rwerudyi; nyika yakavamedza.

13 Makatungamirira munyasha dzenyu rudzi rwamakadzikinura; makarairira nesimba renyu kuugaro hwenyu utsvene.

14 Marudzi akanzwa, anodedera; kurwadziwa kwakabata vagari veFirisitia.

15 Ipapo machinda eEdhomu akakanganiswa; vane masimba veMoabhu, kudedera kwakavabata; vagari vose veKenani vachanyauka.

16 Kutya nekuvhunduka kuchavawira; neukuru hweruoko rwenyu vachanyarara sebwe, kusvika rudzi rwenyu rwayambuka, Jehovha, kusvika rudzi rwenyu rwayambuka rwamakazvitengera.

17 Muchavapinza, nekuvasima pagomo renhaka yenyu, nzvimbo yamakazviitira kuva ugaro hwenyu, Jehovha, nzvimbo tsvene maoko enyu ayakamisa, Ishe.

18 Jehovha achatonga rinhi narinhi.

19 Nokuti bhiza raFarao rakapinda nengoro dzake uye nevatasvi vake vemabhiza mugungwa; Jehovha ndokudzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsraeri vakafamba pasi pakaoma mukati megungwa.

20 Zvino Miriamu muporofitakadzi hanzvadzi yaAroni wakatora gandira muruoko rwake, uye vakadzi vose vakabuda shure kwake vane makandira nekutamba.

21 Miriamu ndokuvapindura akati: Imbirai Jehovha, nokuti wakasimuka nesimba. Bhiza nemutasvi waro wakakandira mugungwa.

Vanosvika Mara neErimu

22 Zvino Mozisi wakatungamirira Israeri kubva paGungwa Dzvuku, ndokubudira kurenje reShuri; ndokufamba mazuva matatu murenje, vakasawana mvura.

23 Vakati vasvika paMara, vakasagona kunwa mvura yeMara, nokuti yaivava; naizvozvo zita rayo rakanzi Mara.

24 Zvino vanhu vakan'un'unira Mozisi, vachiti: Tichanwei?

25 Iye ndokuchema kuna Jehovha; Jehovha ndokumuratidza muti, waakati akandira mumvura; mvura ikava inonaka. Ipapo akavaitira mutemo nechimiso, ndokuvaedza ipapo,

26 ndokuti: Kana muchiteerera kwazvo inzwi raJehovha Mwari wenyu, mukaita zvakarurama pameso ake, mukapa nzeve kumirairo yake, mukachengeta mitemo yake yose, handiisi pamusoro penyu utenda hwose uhu hwandakaisa pamusoro pevaEgipita, nokuti ndini Jehovha anokurapa.

27 Zvino vakasvika kuErimu, paiva pane matsime emvura gumi nemaviri, nemiti yemichindwe makumi manomwe; ndokuvakapo misasa pamvura.