ShonaTeam Exodus « 14 »

VaIsraeri vanoyambuka Gungwa Dzvuku, vaEgipita ndokuparadzwa

14Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri kuti vadzoke, vagovaka misasa pamberi pePi-Hahiroti, pakati peMigodhori negungwa, pamberi peBhaari-Zefoni; mhiri pakatarisana napo muvake misasa pagungwa.

3 Zvino Farao achati pavana vaIsraeri: Vanovhiringidzika munyika; renje ravavharira.

4 Zvino ndichaomesa moyo waFarao, kuti achavadzingirira; uye ndichakudzwa kuna Farao nekuhondo yake yose, kuti vaEgipita vazive kuti ndini Jehovha. Zvino vakaita saizvozvo.

5 Zvino zvakaudzwa mambo weEgipita kuti vanhu vatiza; uye moyo waFarao newevaranda vake ukashandukira vanhu, ivo ndokuti: Taitirei izvi, kuti tirege vaIsraeri vachienda kubva pakutishandira?

6 Zvino wakasunga ngoro yake, ndokutora vanhu vake naye.

7 Zvino wakatora ngoro dzakasarudzwa mazana matanhatu, nengoro dzose dzeEgipita, nevatariri pamusoro padzo dzose.

8 Jehovha ndokuomesa moyo waFarao mambo weEgipita, zvino wakadzingirira vana vaIsraeri; asi vana vaIsraeri vakabuda neruoko rwakakwirira.

9 Asi vaEgipita vakavadzingirira, mabhiza ose nengoro dzaFarao nevatasvi vake vemabhiza nehondo yake, ndokuvabata vakadzika misasa pagungwa, parutivi rwePi-Hahiroti pamberi peBhaari-Zefoni.

10 Farao wakati aswedera, vana vaIsraeri vakasimudza meso avo, zvino tarira, vaEgipita vachifamba vachivatevera; ivo ndokutya zvikuru; vana vaIsraeri ndokuchema kuna Jehovha.

11 Zvino vakati kuna Mozisi: Imhaka yekuti maiva musina makuva muEgipita here, kuti mutitore kuzofira murenje? Chii ichi chamatiitira, kutibudisa kubva muEgipita?

12 Harisi iro shoko iri ratakakuudzai muEgipita here tichiti: Tisiye kuti tishandire vaEgipita? Nokuti zvaiva nani kwatiri kushandira vaEgipita, pakuti tifire murenje.

13 Zvino Mozisi wakati kuvanhu: Musatya, mirai, mugoona ruponeso rwaJehovha, rwaachakuitirai nhasi; nokuti vaEgipita vamaona nhasi, hamuchazovaonizve rinhi narinhi.

14 Jehovha achakurwirai, asi imwi muchanyarara.

15 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Unochemerei kwandiri? Taura kuvana vaIsraeri kuti vaende mberi.

16 Asi iwe simudza tsvimbo yako, ugotandavadza ruoko rwako pamusoro pegungwa uritsemure, kuti vana vaIsraeri vafambe pasi pakaoma mukati megungwa.

17 Zvino ini, tarira, ndichaomesa moyo yevaEgipita, kuti vapinde shure kwavo; zvino ndichakudzwa kuna Farao nekuhondo yake yose, kungoro dzake nekuvatasvi vake vemabhiza.

18 Zvino vaEgipita vachaziva kuti ndiri Jehovha kana ndakudzwa kuna Farao, kungoro dzake, nekuvatasvi vake vemabhiza.

19 Zvino mutumwa waMwari waitungamirira hondo yaIsraeri wakabva ndokufamba shure kwavo; neshongwe yegore yakabva mberi kwechiso chavo ndokumira shure kwavo.

20 Zvino yakauya pakati pemusasa wevaEgipita nemusasa waIsraeri. Zvino yakava gore nerima, asi yakavhenekera pausiku, zvekuti hakuna wakaswedera kune umwe usiku hwose.

21 Zvino Mozisi wakatandavadza ruoko rwake pamusoro pegungwa, Jehovha ndokuendesa gungwa nemhepo ine simba yekumabvazuva usiku ihwohwo hwose, ikaita gungwa rive pasi pakaoma, mvura ndokuparadzaniswa.

22 Zvino vana vaIsraeri vakapinda mukati megungwa pasi pakaoma; mvura ndokuva mudhuri kwavari kurudyi rwavo nekuruboshwe rwavo.

23 Zvino vaEgipita vakavadzingirira, ndokupinda shure kwavo mukati megungwa, mabhiza aFarao ose, ngoro dzake, nevatasvi vake vemabhiza.

24 Zvino zvakaitika pamurindiro wemangwanani kuti Jehovha wakatarisa kuhondo yevaEgipita nemushongwe yemoto neyegore, akanyonganisa hondo yevaEgipita.

25 Zvino wakatendeusa mavhiri engoro dzavo kuti dziremerwe nekufamba, kusvika vaEgipita vati: Ngatitize kubva pachiso chaIsraeri, nokuti Jehovha anovarwira pavaEgipita.

26 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadza ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura idzokere pamusoro pevaEgipita, pamusoro pengoro dzavo, nepamusoro pevatasvi vavo vemabhiza.

27 Zvino Mozisi wakatandavadzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa ndokudzokera pakare koedza; vaEgipita ndokutiza kusangana naro; Jehovha ndokuzunzira vaEgipita mukati megungwa.

28 Zvino mvura yakadzokera ndokufukidza ngoro nevatasvi vemabhiza vehondo yose yaFarao yaiva yapinda mugungwa shure kwavo; hakuna kusara kunyange neumwe wavo.

29 Asi vana vaIsraeri vakafamba pasi pakaoma mukati megungwa; uye mvura yakava mudhuri kwavari kurudyi rwavo nekuruboshwe rwavo.

30 Saizvozvo Jehovha wakaponesa Israeri zuva iro kubva muruoko rwevaEgipita; uye Israeri wakaona vaEgipita vakafa pamahombekombe egungwa.

31 Zvino Israeri wakaona simba guru iri Jehovha raakaita pavaEgipita; vanhu ndokutya Jehovha, ndokutenda kuna Jehovha nekuna Mozisi muranda wake.