ShonaTeam Exodus « 13 »

Murairo wematangwe

13Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Ndiitirei mutsvene dangwe rose, rinozarura chizvaro chimwe nechimwe pakati pevana vaIsraeri, remunhu nerechipfuwo, nderangu.

3 Zvino Mozisi wakati kuvanhu: Rangarirai zuva rino ramakabuda naro muEgipita, kubva muimba yeuranda; nokuti nesimba reruoko Jehovha wakakubudisirai pano. Zvino ngakurege kudyiwa chingwa chakaviriswa.

4 Nezuva rino munobuda, mumwedzi waAbhibhi.

5 Zvino zvichava Jehovha paachakupinza munyika yevaKenani nevaHiti nevaAmori nevaHivhi nevaJebhusi yaakapikira kumadzibaba ako kukupa, nyika inoyerera mukaka neuchi, kuti uchachengetedza shumiro iyi nemwedzi uno.

6 Mazuva manomwe uchadya chingwa chisina kuviriswa; uye muzuva rechinomwe achava mabiko kuna Jehovha.

7 Chingwa chisina kuviriswa chichadyiwa mazuva manomwe; uye hakungaonekwi chakaviriswa kwauri; hongu, mbiriso haingaonekwi kwauri pamiganhu yako yose.

8 Zvino uchaudza mwanakomana wako nezuva iro uchiti: Nekuda kweizvo Jehovha zvaakaita kwandiri pandakabuda muEgipita.

9 Zvino chichava kwauri chiratidzo paruoko rwako, nechirangaridzo pakati pemeso ako, kuti murairo waJehovha uve mumuromo mako; nokuti neruoko rune simba Jehovha wakakubudisa paEgipita.

10 Naizvozvo uchachengeta chimiso ichi nenguva yacho yakatarwa gore negore.

11 Zvino zvichava kana Jehovha akupinza kunyika yevaKenani, sezvaakakupikira iwe nekumadzibaba ako, kuti achaipa kwauri,

12 kuti uchapfuudzira kuna Jehovha chose chinozarura chizvaro, nechekutanga chose chibereko chezvipfuwo zvaunazvo; mikono ichava yaJehovha.

13 Nechekutanga chose chembongoro uchachidzikinura negwayana; uye kana usingachidzikinuri, zvino uchavhuna mutsipa wacho; nematangwe ose evanhu pakati pevanakomana vako uchadzikinura.

14 Zvino zvichava kana mwanakomana wako akakubvunza munguva inouya achiti: Chii ichi? kuti uchati kwaari: Nesimba reruoko Jehovha wakatibudisa kubva muEgipita, kubva paimba yeuranda.

15 Zvino zvakaitika Farao achiomesa kuti tiende, kuti Jehovha wakauraya dangwe rimwe nerimwe munyika yeEgipita, kubva kudangwe remunhu kusvika kudangwe rechipfuwo; naizvozvo ndinobaira kuna Jehovha chose chinozarura chizvaro, iri mikono; asi matangwe ose evanakomana vangu ndinodzikinura.

16 Zvino chichava chiratidzo pamusoro peruoko rwako nevundanyara pakati pemeso ako; nokuti nesimba reruoko Jehovha wakatibudisa kubva muEgipita.

VaIsraeri vanofamba kuenda kugungwa

17 Zvino zvakaitika Farao arega vanhu vaenda, kuti Mwari haana kuvatungamirira nenzira yenyika yevaFirisitia, kunyange yaiva pedo; nokuti Mwari wakati: Zvimwe vanhu vangazvidemba, kana vachiona hondo, vakadzokera kuEgipita.

18 Asi Mwari wakapoteredza vanhu nenzira yerenje reGungwa Dzvuku. Zvino vana vaIsraeri vakakwira vachibva munyika yeEgipita vakashonga nhumbi dzekurwa.

19 Mozisi ndokutora mapfupa aJosefa kuenda nawo; nokuti waiva apikisa zvirokwazvo vana vaIsraeri achiti: Zvirokwazvo Mwari achakushanyirai; uye muchakwira nemapfupa angu kubva pano.

20 Zvino vakasimuka kubva paSukoti, ndokuvaka misasa paEtamu, pamucheto werenje.

21 Jehovha ndokuvatungamirira pamasikati mushongwe yegore kuvatungamirira munzira, uye pausiku mushongwe yemoto kuvavhenekera, kuti vafambe masikati neusiku.

22 Haana kubvisa shongwe yegore pamasikati uye shongwe yemoto pausiku pamberi pevanhu.