ShonaTeam Exodus « 11 »

Dambudziko regumi: Rufu rwematangwe

11Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Ndichauisazve rimwe dambudziko pamusoro paFarao nepamusoro peEgipita; shure kweizvozvo achakuregai muende kubva pano; paacharega muende, zvirokwazvo achakudzingai mubve pano zvakazara.

2 Taura hako munzeve dzevanhu, kuti vakumbire, umwe neumwe kune wekwake, nemukadzi umwe neumwe kune wekwake, zvinhu zvesirivha nezvinhu zvegoridhe.

3 Zvino Jehovha wakapa vanhu nyasha pameso evaEgipita. Uye murume Mozisi wakava mukuru kwazvo munyika yeEgipita pameso evaranda vaFarao nepameso evanhu.

4 Zvino Mozisi wakati: Anoreva seizvi Jehovha: Panenge pakati peusiku ndichabudira pakati peEgipita;

5 zvino dangwe rose munyika yeEgipita richafa, kubva kudangwe raFarao richagara pachigaro chake cheushe, kusvika kudangwe remurandakadzi ari shure kweguyo, nedangwe rose rezvipfuwo.

6 Uye kuchava nekuchema kukuru munyika yose yeEgipita, kwakadaro sekusina kumbovapo, uye kwakadaro sekusingazovipozve.

7 Asi pavana vaIsraeri vose imbwa haingarodzi rurimi rwayo, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo; kuti muzive kuti Jehovha anoisa mutsauko pakati pevaEgipita naIsraeri.

8 Nevaranda vako vose ava vachaburukira kwandiri, vagondifugamira vachiti: Buda, iwe nerudzi rwose rwunokutevera. Uye shure kweizvozvi ndichabuda. Zvino wakabuda kubva kuna Farao mukupfuta kwekutsamwa.

9 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Farao haangakuteererii, kuti zvishamiso zvangu zviwande munyika yeEgipita.

10 Zvino Mozisi naAroni vakaita zvishamiso izvi zvose pamberi paFarao; asi Jehovha wakaomesa moyo waFarao, kuti asarega vana vaIsraeri vabude munyika yake.