ShonaTeam Exodus « 10 »

Dambudziko rerusere: Mhashu

10Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Pinda kuna Farao, nokuti ini ndaremesa moyo wake, nemoyo wevaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvi pakati pake,

2 uye kuti urondedzere munzeve dzemwanakomana wako, nedzemwanakomana wemwanakomana wako zvinhu zvandakaita muEgipita, nezviratidzo zvangu zvandakaita pakati pavo, kuti muzive kuti ndini Jehovha.

3 Zvino Mozisi wakapinda naAroni kuna Farao; ivo ndokuti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari wevaHebheru: Kusvika rinhi uchiramba kuzvininipisa pachiso changu? Rega rudzi rwangu rwuende, vagondishumira.

4 Nokuti kana uchiramba kurega rudzi rwangu rwuende, tarira, mangwana ndichauisa mhashu pamiganhu yako.

5 Uye dzichafukidza chiso chepasi, kuti kusava neanogona kuona pasi; uye dzichadya zvakasara zvezvakapukunyuka, zvamakasiirwa kubva pachimvuramabwe; uye dzichadya muti umwe neumwe unokurira imwi mumunda.

6 Zvino dzichazadza dzimba dzenyu, nedzimba dzevaranda venyu vose, nedzimba dzevaEgipita vose; madzibaba enyu dzaasina kuona kana madzibaba emadzibaba enyu, kubva pazuva ravakava panyika kusvika zuva rino. Zvino wakatendeuka ndokubuda kubva kuna Farao.

7 Zvino varanda vaFarao vakati kwaari: Kusvika rinhi uyu achiva musungo kwatiri? Regai varume vaende, kuti vashumire Jehovha Mwari wavo; hamusati maziva here kuti Egipita raparara?

8 Zvino Mozisi naAroni vakadzoserwa kuna Farao, iye ndokuti kwavari: Endai, shumirai Jehovha Mwari wenyu; vachaenda ndivana ani?

9 Mozisi ndokuti: Tichaenda nevadiki vedu nevakuru vedu, nevanakomana vedu nevanasikana vedu; nemakwai edu, uye nemombe dzedu tichaenda; nokuti tine mabiko kuna Jehovha.

10 Zvino iye wakati kwavari: Jehovha ngaave nemwi saizvozvo, sezvandichakuregai muende nevanana venyu! Onai, nokuti chakaipa chiri pamberi pezviso zvenyu.

11 Ngazvisadaro! Endai ikozvino imwi varume mugonoshumira Jehovha, nokuti ndizvo zvamunotsvaka. Zvino vakadzingwa pamberi paFarao.

12 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadza ruoko rwako pamusoro penyika yeEgipita, nekuda kwemhashu, kuti dzikwire pamusoro penyika yeEgipita, uye dzidye muriwo umwe neumwe wenyika, yose chimvuramabwe yachakasiya.

13 Mozisi ndokutandavadza tsvimbo yake pamusoro penyika yeEgipita; Jehovha ndokuuisa mhepo yekumabvazuva panyika zuva iro rose neusiku hwose; zvino kwakati mangwanani, mhepo yekumabvazuva yakasimudza mhashu.

14 Mhashu ndokukwira pamusoro penyika yose yeEgipita, ndokumhara mumiganhu yose yeEgipita, dzakakura kwazvo; kutangira idzo hakuna kuva nemhashu dzakadaro saidzo, uye shure kwadzo hakuchavi nedzakadaro.

15 Nokuti dzakafukidza chiso chenyika yose, kusvika nyika yasvibiswa. Zvino dzakadya muriwo umwe neumwe wenyika, nemuchero wose wemiti, chimvuramabwe wachaiva chasiya; uye hapana kusara chimwe chechitema mumiti, kana mumiriwo yesango, panyika yose yeEgipita.

16 Zvino Farao wakakurumidza kudana Mozisi naAroni, ndokuti: Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye imwi.

17 Zvino ikozvino kanganwirai henyu chivi changu nguva ino chete, uye nyengeterai kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu chete.

18 Zvino wakabuda kubva pana Farao, ndokunyengetera kuna Jehovha.

19 Zvino Jehovha wakadzosa mhepo ine simba kwazvo yekumavirira; iyo ndokusimudza mhashu, ndokudzipeperesera muGungwa Dzvuku; hakuna kusara mhashu imwe mumiganhu yose yeEgipita.

20 Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, zvekuti haana kurega vana vaIsraeri vaende.

Dambudziko repfumbamwe: Rima

21 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadzira ruoko rwako kumatenga, kuti kuve nerima pamusoro penyika yeEgipita; iro rima rinobatika.

22 Zvino Mozisi wakatandavadzira ruoko rwake kumatenga, kukava nerima-rima panyika yose yeEgipita mazuva matatu.

23 Havana kuonana, uye hakuna wakasimuka kubva panzvimbo yake mazuva matatu; asi kuvana vaIsraeri vose kwaiva kune chiedza kunzvimbo dzavo dzekugara.

24 Zvino Farao wakadana Mozisi ndokuti: Endai, mushumire Jehovha; koga makwai enyu nemombe dzenyu zvichachengetwa; vanana venyu ngavaendewo nemwi.

25 Mozisi ndokuti: Nemwiwo ipai muruoko rwedu zvibairo nezvipo zvinopiswa zvatichaitira Jehovha Mwari wedu.

26 Uyewo zvipfuwo zvedu zvichaenda nesu; hakungasari hwanda; nokuti tinotora kwazviri kushumira Jehovha Mwari wedu; nokuti isu hatizivi chatichashumira nacho Jehovha kusvika tasvikako.

27 Asi Jehovha wakaomesa moyo waFarao; uye haana kuda kuvarega vaende.

28 Zvino Farao wakati kwaari: Ibva pandiri; zvichenjerere; urege kuonazve chiso changu; nokuti nezuva raunoona chiso changu uchafa.

29 Mozisi ndokuti: Mataura zvakarurama; handichaoni chiso chenyu zvekarezve.