ShonaTeam Exodus « 9 »

Dambudziko rechishanu: Hosha pakati pezvipfuwo

9Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Pinda kuna Farao, ugoti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha Mwari wevaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vandishumire.

2 Nokuti kana ukaramba kurega vaende, uye ukaramba wakavabata,

3 tarira, ruoko rwaJehovha rwuchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, pamusoro pemabhiza, pamusoro pembongoro, pamusoro pemakamera, pamusoro pemombe, nepamusoro pezvipfuwo zvidiki; ichava hosha yakarema kwazvo.

4 Zvino Jehovha achaparadzanisa pakati pezvipfuwo zvaIsraeri nezvipfuwo zvaEgipita; uye hapana chichafa pane zvose zvevana vaIsraeri.

5 Zvino Jehovha wakamisa nguva yakatarwa achiti: Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika.

6 Jehovha ndokuita chinhu ichi chifume; zvipfuwo zvose zveEgipita ndokufa; asi pazvipfuwo zvevana vaIsraeri hapana chimwe chakafa.

7 Farao ndokutuma vanhu, zvino tarira, kwaiva kusina kunyange chimwe pazvipfuwo zvaIsraeri chakafa. Asi moyo waFarao wakava wakarema, uye haana kurega rudzi rwuende.

Dambudziko rechitanhatu: Mamota pavanhu nezvipfuwo

8 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi nekuna Aroni: Zvitorerei maoko enyu azere emadota echoto, uye Mozisi ngaakushire kumatenga pamberi pemeso aFarao.

9 Zvino richava guruva rakatsetseka panyika yose yeEgipita; uye richava mota rinoputika mhoni pavanhu nepazvipfuwo munyika yose yeEgipita.

10 Zvino vakatora madota echoto, ndokumira pamberi paFarao, Mozisi ndokuakushira kumatenga; zvino rikava mota rinoputika mhoni pavanhu nepazvipfuwo.

11 Zvino n'anga dzaiva dzisingagoni kumira pamberi paMozisi nekuda kwemamota; nokuti mota raiva pan'anga nepavaEgipita vose.

12 Asi Jehovha wakaomesa moyo waFarao, uye haana kuvateerera, Jehovha sezvaaiva ataura kuna Mozisi.

Dambudziko rechinomwe: Chimvuramabwe

13 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Fumira mangwanani, ugozvimisa pamberi paFarao, uye uti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari wevaHebheru: Rega rudzi rwangu rwuende, kuti vandishumire.

14 Nokuti panguva ino ndichatuma matambudziko angu ose kumoyo wako, nekuvaranda vako, nekurudzi rwako, kuti uzive kuti hapana wakafanana neni panyika yose.

15 Nokuti ikozvino ndichatandavadza ruoko rwangu, kuti ndikurove iwe nerudzi rwako nehosha, uye uchaparadzwa ubve panyika.

16 Asi zvirokwazvo nekuda kweizvi ndakumisa, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rirondedzerwe panyika yose.

17 Uchiri kuzvikudza uchipesana nerudzi rwangu, kuti urege kuvarega vaende here?

18 Tarira, mangwana, nenguva inenge ino, ndichanaisa chimvuramabwe chikuru kwazvo, sechisina kumbova muEgipita kubva pazuva rekuvambwa kwayo kusvikawo ikozvino.

19 Zvino ikozvino, tuma vanhu, isa pakachengetedzeka zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango. Munhu umwe neumwe nechipfuwo chichawanikwa musango chisina kuunganidzwa kumba, chimvuramabwe chichaburukira pazviri uye zvichafa.

20 Uyo wakatya shoko raJehovha pakati pevaranda vaFarao wakatizisira kudzimba varanda vake nezvipfuwo zvake.

21 Asi asina kuisa moyo wake pashoko raJehovha, wakasiya varanda vake nezvipfuwo zvake musango.

22 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadzira ruoko rwako kumatenga, kuti chimvuramabwe chivepo panyika yose yeEgipita, pamusoro pevanhu, nepamusoro pezvipfuwo, nepamusoro pemuriwo umwe neumwe wemunda panyika yeEgipita.

23 Mozisi ndokutandavadzira tsvimbo yake kumatenga, Jehovha ndokupa mitinhiro nechimvuramabwe; moto ndokuwira pasi. Jehovha ndokunaisa chimvuramabwe panyika yeEgipita.

24 Zvino kwakava nechimvuramabwe, nemoto wakazvivhenganisa nechimvuramabwe, chikakurisa, sechisina kuvapo panyika yose yeEgipita kubva payakava rudzi.

25 Chimvuramabwe ndokurova panyika yose yeEgipita zvose zvaiva kusango, kubva kumunhu kusvika kuchipfuwo; uye chimvuramabwe chakarova muriwo umwe neumwe wemunda, ndokuvhuna muti umwe neumwe wesango.

26 Koga munyika yeGosheni, maiva nevana vaIsraeri, maiva musina chimvuramabwe.

27 Zvino Farao wakatuma vanhu ndokudana Mozisi naAroni, ndokuti kwavari: Ndatadza nguva ino; Jehovha wakarurama, asi ini nevanhu vangu takaipa.

28 Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti zvakwana, kuti kusava nemitinhiro yaMwari nechimvuramabwe; zvino ndichakuregai muende, uye hamuchagarizve.

29 Mozisi ndokuti kwaari: Ndichingobuda muguta, ndichaparadzira maoko angu kuna Jehovha; mitinhiro ichamira, uye hakuchavi nechimwe chimvuramabwe; kuti muzive kuti nyika ndeya Jehovha.

30 Asi imwi nevaranda venyu, ndinoziva kuti hamusati matya chiso chaJehovha Mwari.

31 Zvino michindwe nebhari zvikarohwa; nokuti bhari yaitumbuka, nemichindwe yaiva ine maruva.

32 Asi gorosi nesipereti* hazvina kurohwa, nokuti zvaiva zviri zvitema.

33 Zvino Mozisi wakabuda muguta kubva kuna Farao, ndokuparadzira maoko ake kuna Jehovha; zvino mitinhiro nechimvuramabwe zvakamira, nemvura ikasadururirwa panyika.

34 Farao wakati aona kuti mvura nechimvuramabwe nemitinhiro zvamira, wakawedzera kutadza, ndokuremesa moyo wake, iye nevaranda vake.

35 Moyo waFarao ndokuva wakaoma, uye haana kurega vana vaIsraeri vaende, Jehovha sezvaaiva ataura neruoko rwaMozisi.