ShonaTeam Exodus « 8 »

Dambudziko rechipiri: Matacha

8Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Pinda kuna Farao, ugoti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondishumira.

2 Zvino kana uchiramba kuvarega vaende, tarira, ndicharova muganhu wako wose nematacha.

3 Nerwizi rwuchafararika nematacha; uye achakwira ndokupinda mumba mako, nemumba mako mekurara, nepamusoro pemubhedha wako, nemumba mevaranda vako, nepamusoro perudzi rwako, nemuzvoto zvako, nemumidziyo yako yekukanyira zvekudya.

4 Zvino matacha achakwira pauri nepamusoro perudzi rwako nepamusoro pevaranda vako vose.

5 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Iti kuna Aroni: Tandavadza ruoko rwako pamwe netsvimbo yako pamusoro pehova, pamusoro penzizi, nepamusoro pemadziva, ukwidze matacha pamusoro penyika yeEgipita.

6 Aroni ndokutandavadza ruoko rwake pamusoro pemvura dzeEgipita; matacha ndokukwira, ndokufukidza nyika yeEgipita.

7 N'anga ndokuita saizvozvo neuroyi hwadzo, ndokukwidza matacha pamusoro penyika yeEgipita.

8 Zvino Farao wakadana Mozisi naAroni, ndokuti: Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matacha kubva kwandiri nekubva kurudzi rwangu; zvino ndicharega rudzi rwuende kuti vabaire kuna Jehovha.

9 Mozisi ndokuti kuna Farao: Kudzwai pamusoro pangu! Ndinokunyengetererai rinhi, uye varanda venyu uye rudzi rwenyu, kuparadza matacha kubva kwamuri, nekubva kudzimba dzenyu, asare murwizi chete?

10 Iye ndokuti: Mangwana. Iye ndokuti: Seshoko renyu, kuti muzive kuti hakuna wakafanana naJehovha Mwari wedu.

11 Zvino matacha achabva kwamuri, nekudzimba dzenyu, nekuvaranda venyu, nekurudzi rwenyu; achasara murwizi chete.

12 Mozisi naAroni ndokubuda kubva kuna Farao; Mozisi ndokudana kuna Jehovha maererano nenyaya yematacha aaiva aisira Farao.

13 Jehovha ndokuita maererano neshoko raMozisi; matacha ndokufa kubuda mudzimba, kubuda mumisha, nekubuda muminda.

14 Zvino vakaaunganidza mirwi nemirwi; nyika ndokunhuhwa.

15 Asi Farao aona kuti zvambozorora, ndokuremesa moyo wake, uye haana kuvateerera, Jehovha sezvaaiva ataura.

Dambudziko rechitatu: Utunga

16 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Iti kuna Aroni: Tandavadza tsvimbo yako, ugorova guruva repasi, rigova utunga panyika yose yeEgipita.

17 Zvino vakaita saizvozvo; nokuti Aroni wakatandavadza ruoko rwake netsvimbo yake, ndokurova guruva repasi; utunga ndokuvapo pavanhu nepazvipfuwo; guruva rose repasi rikava utunga panyika yose yeEgipita.

18 N'anga ndokuita saizvozvo neuroyi hwadzo kubudisa utunga, asi hadzina kugona; naizvozvo utunga hwaiva pavanhu nepazvipfuwo.

19 Zvino n'anga dzakati kuna Farao: Uyu munwe waMwari. Asi moyo waFarao wakava wakaoma, zvino akasavateerera, Jehovha sezvaaiva ataura.

Dambudziko rechina: Nhunzi

20 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Muka mangwanani-ngwanani, ugozvimisa pamberi paFarao; tarira, anobudira kumvura, zvino uti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vandishumire.

21 Nokuti kana usingaregi vanhu vangu vaende, tarira, ndichatuma fararira renhunzi pamusoro pako, nepamusoro pevaranda vako, nepamusoro perudzi rwako, nemudzimba dzako; nedzimba dzevaEgipita dzichazara nemafararira enhunzi, uyewo ivhu padziri.

22 Uye ndichaparadzanisa muzuva iro nyika yeGosheni mugere rudzi rwangu mairi, kuti pasavapo nefararira renhunzi; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika.

23 Zvino ndichaisa mutsauko pakati perudzi rwangu nerudzi rwako; mangwana kuchava nechiratidzo ichi.

24 Zvino Jehovha wakaita saizvozvo; mafararira makuru enhunzi ndokusvika mumba maFarao, nemudzimba dzevaranda vake, nemunyika yose yeEgipita; nyika yakaodzwa nekuda kwemafararira enhunzi.

25 Zvino Farao wakadana Mozisi naAroni, ndokuti: Endai, mubaire kuna Mwari wenyu munyika ino.

26 Mozisi ndokuti: Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabaira zvinonyangadza zvevaEgipita kuna Jehovha, Mwari wedu. Tarirai, tikabaira zvinonyangadza zvevaEgipita pamberi pemeso avo, havangatitaki nemabwe here?

27 Tichaenda rwendo rwemazuva matatu murenje, tigobaira kuna Jehovha Mwari wedu, sezvaachataura kwatiri.

28 Farao ndokuti: Ini ndichakuregai muende, kuti mubaire kuna Jehovha Mwari wenyu murenje; koga musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.

29 Mozisi ndokuti: Tarirai, ndinobuda kubva kwamuri, uye ndichanyengetera kuna Jehovha kuti mafararira enhunzi abve kuna Farao, kubva kuvaranda vake nekubva kurudzi rwake mangwana; koga Farao ngaarege kuwedzera kunyengera pakurega kuregedza rudzi rwuende kunobaira kuna Jehovha.

30 Mozisi ndokubuda kubva kuna Farao, ndokunyengetera kuna Jehovha.

31 Jehovha ndokuita maererano neshoko raMozisi, ndokubvisa mafararira enhunzi kubva kuna Farao, kubva kuvaranda vake, nekubva kurudzi rwake; hakuna kusara imwe.

32 Asi Farao wakaremesa moyo wake panguva iyiwo, uye haana kurega rudzi rwuende.