ShonaTeam Exodus « 7 »

7Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Ona, ndakuita mwari kuna Farao; uye Aroni mukoma wako achava muporofita wako.

2 Iwe uchataura zvose zvandinokuraira; uye Aroni mukoma wako achataura kuna Farao, kuti arege vana vaIsraeri vabude munyika yake.

3 Asi ini ndichaomesa moyo waFarao, uye ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu munyika yeEgipita.

4 Asi Farao haangakuteererii; uye ndichaisa ruoko rwangu muEgipita, nekubudisa hondo dzangu, irwo rudzi rwangu vana vaIsraeri, kubva munyika yeEgipita nemitongo mikuru.

5 Zvino vaEgipita vachaziva kuti ndini Jehovha, pakutandavadza kwangu ruoko rwangu pamusoro peEgipita, uye ndibudise vana vaIsraeri kubva pakati pavo.

6 Zvino Mozisi naAroni vakaita Jehovha sezvaakavaraira, vakaita saizvozvo.

7 Mozisi waiva ari wemakore makumi masere, uye Aroni waiva ari wemakore makumi masere nematatu, pavakataura kuna Farao.

8 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni, achiti:

9 Kana Farao achitaura kwamuri, achiti: Zviitirei chishamiso; ipapo uchati kuna Aroni: Tora tsvimbo yako, ugokanda pamberi paFarao; ichava nyoka.

10 Mozisi naAroni ndokupinda kuna Farao, ndokuita saizvozvo Jehovha sezvaakaraira. Aroni ndokukanda tsvimbo yake pamberi paFarao nepamberi pevaranda vake; zvino ikava nyoka.

11 Farao ndokudanawo vachenjeri nevaroyi, n'anga dzeEgipita. Ivo vakaitawo saizvozvo neuroyi hwavo.

12 Nokuti vakakanda umwe neumwe tsvimbo yake, dzikavawo nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo.

13 Asi moyo waFarao wakava wakaoma, zvekuti haana kuvateerera, Jehovha sezvaaiva ataura.

Dambudziko rekutanga: Mvura inoshanduka ropa

14 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Moyo waFarao warema; waramba kurega rudzi rwuchienda.

15 Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda kuenda kumvura; uye iwe uchamira wakanangana naye pamahombekombe erwizi; netsvimbo yakashanduka nyoka uitore muruoko rwako.

16 Zvino uchati kwaari: Jehovha, Mwari wevaHebheru, wakandituma kwauri, achiti: Rega rudzi rwangu rwuende, kuti vanondishumira murenje; zvino tarira, kusvika ikozvino hauna kuteerera.

17 Anoreva seizvi Jehovha: Neizvi uchaziva kuti ndini Jehovha: Tarira, ndicharova netsvimbo iri muruoko rwangu pamusoro pemvura iri murwizi, uye ichashandurwa kuva ropa.

18 Zvino hove dziri murwizi dzichafa, nerwizi ruchanhuhwa; zvino vaEgipita vachaneta nekunwa mvura murwizi.

19 Jehovha akatiwo kuna Mozisi: Iti kuna Aroni: Tora tsvimbo yako, ugotandavadza ruoko rwako pamusoro pemvura yeEgipita, pamusoro pehova dzavo, pamusoro penzizi dzavo, nepamusoro pemadziva avo, nepamusoro pemakawa avo ose emvura, kuti zvive ropa; uye kuchava neropa panyika yose yeEgipita, zvose mumidziyo yematanda nemumidziyo yemabwe.

20 Mozisi naAroni ndokuita saizvozvo, Jehovha sezvaakaraira; ndokusimudza tsvimbo, ndokurova mvura yaiva iri murwizi, pamberi pemeso aFarao nepamberi pemeso evaranda vake, mvura yose yaiva murwizi ndokushandurwa kuva ropa.

21 Zvino hove dzaiva murwizi dzakafa; rwizi ndokunhuhwa; vaEgipita ndokukonewa kunwa mvura kubva murwizi; zvino kukava neropa munyika yose yeEgipita.

22 N'anga dzeEgipita dzikaitawo saizvozvo neuroyi hwadzo; asi moyo waFarao wakava wakaoma, uye haana kuvateerera, Jehovha sezvaaiva ataura.

23 Zvino Farao wakatendeuka ndokupinda mumba make; uye haana kuisa moyo wake kunyange pane izvozvi.

24 Zvino vaEgipita vose vakachera nhivi dzerwizi kutsvaka mvura yekunwa; nokuti vaiva vasingagoni kunwa pamvura yemurwizi.

25 Mazuva manomwe akazadziswa shure kwekunge Jehovha arova rwizi.