ShonaTeam Exodus « 6 »

6Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Ikozvino uchaona zvandichaita kuna Farao; nokuti neruoko rwune simba achavarega vachienda, uye neruoko rwune simba achavadzinga kubva munyika yake.

Mozisi anodanwa rwechipiri

2 Mwari ndokutaura kuna Mozisi, ndokuti kwaari: Ndini JEHOVHA;

3 uye ndakaonekwa kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove, saMwari Wemasimbaose, asi ndaiva ndisingazikanwi kwavari nezita rangu JEHOVHA.

4 Zvino ndakasimbisawo sungano yangu navo, kuvapa nyika yeKenani, nyika yeupfuuri hwavo, mavaiva vari vaeni.

5 Ini ndakanzwawo kugomera kwevana vaIsraeri, vaEgipita vavakachengeta pauranda, uye ndakarangarira sungano yangu.

6 Naizvozvo iti kuvana vaIsraeri: Ndini Jehovha, uye ndichakubudisai kubva pasi pemitoro yevaEgipita, uye ndichakusunungurai pauranda hwavo, uye ndichakudzikinurai neruoko rwakatandavadzwa, uye nemitongo mikuru.

7 Uye ndichazvitorera imwi kuva rudzi, zvino ini ndichava Mwari kwamuri, uye muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu, anokubudisai kubva pasi pemitoro yevaEgipita.

8 Zvino ndichakupinzai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuipa kuna Abhurahama, kuna Isaka, uye kuna Jakove, ndigoipa kwamuri ive nhaka; ini Jehovha.

9 Mozisi ndokutaura saizvozvo kuvana vaIsraeri, asi havana kuteerera kuna Mozisi nekuda kwekutambudzika kwemweya uye nekuda kweuranda hwakaoma.

10 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

11 Pinda, taura kuna Farao mambo weEgipita, kuti arege vana vaIsraeri vabude munyika yake.

12 Mozisi ndokutaura pamberi paJehovha, achiti: Tarirai, vana vaIsraeri havana kunditeerera; zvino Farao achanditeerera sei, ndiri wemiromo isina kudzingiswa?

13 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi nekuna Aroni, ndokuvaraira pavana vaIsraeri, nepana Farao mambo weEgipita, kubudisa vana vaIsraeri kubva munyika yeEgipita.

Marudzi aMozisi naAroni

14 Ava misoro yedzimba dzemadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsraeri: Hanoki, naParu, Hezironi, naKarimi; ava marudzi aRubheni.

15 Nevanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri mwanakomana wemukadzi muKenani; ava marudzi aSimioni.

16 Uye awa mazita evanakomana vaRevhi zvichienderana nemazera avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; uye makore eupenyu hwaRevhi aiva makore zana nemakumi matatu nemanomwe.

17 Vanakomana vaGerishoni: Ribhini, naShimei, zvichienderana nemarudzi avo.

18 Nevanakomana vaKohati: Amiramu, naIzihari, naHebhuroni, naUziyeri; uye makore eupenyu hwaKohati makore zana nemakumi matatu nematatu.

19 Nevanakomana vaMerari: Makihiri, naMushi. Ava marudzi aRevhi zvichienderana nemazera avo.

20 Zvino Amiramu wakatora Jokebhedhi vatete vake kuva mukadzi wake, iye ndokumuberekera Aroni naMozisi. Uye makore eupenyu hwaAmiramu aiva makore zana nemakumi matatu nemanomwe.

21 Zvino vanakomana vaIzihari: Kora, naNefegi, naZikiri.

22 Nevanakomana vaUziyeri: Mishaeri, naErizafani, naSitiri.

23 Aroni ndokutora Erishebha mukunda waAminadhabhi kuva mukadzi wake, hanzvadzi yaNaashoni; iye ndokumuberekera Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.

24 Uye vanakomana vaKora: Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ava marudzi evaKora.

25 NaEriazari mwanakomana waAroni wakazvitorera umwe kuvakunda vaPutieri kuva mukadzi wake; iye ndokumuberekera Pinehasi. Ava misoro yemadzibaba evaRevhi zvichienderana nemarudzi avo.

26 Ava ndivo Aroni naMozisi Jehovha waakati kwavari: Budisai vana vaIsraeri kubva munyika yeEgipita zvichienderana nehondo dzavo.

27 Ava ndivo vakataura kuna Farao mambo weEgipita, kubudisa vana vaIsraeri kubva muEgipita; ndivo vaya Mozisi naAroni.

Mozisi naAroni vanoita zvishamiso pamberi paFarao

28 Zvino zvakaitika nezuva rekutaura kwaJehovha kuna Mozisi munyika yeEgipita,

29 kuti Jehovha wakataura kuna Mozisi, achiti: Ndini Jehovha; taura kuna Farao, mambo weEgipita, zvose zvandinotaura kwauri.

30 Mozisi ndokuti pamberi paJehovha: Tarirai, ndiri wemiromo isina kudzingiswa; zvino Farao achanditeerera sei?