ShonaTeam Exodus « 5 »

Mozisi naAroni pamberi paFarao

5Zvino shure kweizvozvi Mozisi naAroni vakapinda, ndokuti kuna Farao: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waIsraeri: Rega vanhu vangu vaende, kuti vandichengetedzere mabiko murenje.

2 Farao ndokuti: Ndiani Jehovha, kuti nditeerere kuinzwi rake, kuti ndirege Israeri achienda? Handizivi Jehovha, uyewo Israeri handiregi achienda.

3 Zvino vakati: Mwari wevaHebheru wakasangana nesu; regai henyu tiende rwendo rwemazuva matatu murenje, tigonobaira kuna Jehovha Mwari wedu; zvimwe angatiwira nedenda kana nemunondo.

4 Zvino mambo weEgipita wakati kwavari: Sei, Mozisi naAroni, muchibvisa vanhu kubva pamabasa avo? Endai kumitoro yenyu.

5 Farao ndokuti: Tarirai, ikozvino vanhu venyika vawanda, zvino movazorodza pamitoro yavo.

6 Farao ndokuraira nezuva iroro vatariri vebasa vevanhu, nevatariri vavo, achiti:

7 Musaramba muchipa vanhu majanga ekuita zvitina nawo sazuro namarimwezuro; ivo ngavaende vanozviunganidzira majanga.

8 Asi chiyero chezvitina zvavakaita zuro namarimwezuro, muchavatarira; musazvitapudza pachiri, nokuti havana chavanobata, naizvozvo vanodana, vachiti: Regai tiende tinobaira kuna Mwari wedu.

9 Basa ngarireme pamusoro pevarume, kuti vabate mariri, uye ngavarege kutarira mashoko asina maturo.

10 Zvino vatariri vebasa vevanhu vakabuda, nevatariri vavo, ndokutaura kuvanhu, vachiti: Anoreva seizvi Farao: Handichakupiyi majanga.

11 Endai imwi munozvitorera majanga pamungamawana; asi hapana chichaderedzwa pabasa renyu.

12 Zvino vanhu vakapararira panyika yose yeEgipita kuti vaunganidze zvitsinzinzi panzvimbo yemajanga.

13 Zvino vatariri vebasa vakavamanikidza, vachiti: Pedzai mabasa enyu, chinhu chezuva nezuva racho, sezvaaitwa pane majanga.

14 Nevatariri vevana vaIsraeri, vatariri vebasa vaFarao vavaiva vaisa pamusoro pavo, vairohwa, zvichinzi: Maregerei kupedza basa renyu pakuita zvitina sazuro namarimwezuro, zvose zuro nanhasi?

15 Zvino vatariri vevana vaIsraeri vakauya vakachema kuna Farao, vachiti: Munoitirei kudaro kuvaranda venyu?

16 Majanga haapiwi kuvaranda venyu, asi vanoti kwatiri: Itai zvitina; zvino tarirai, varanda venyu vanorohwa, asi mhosva ndeyevanhu venyu.

17 Asi wakati: Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata; naizvozvo munoti: Regai tiende tinobaira kuna Jehovha.

18 Zvino ikozvino endai, batai, nokuti hakuna majanga achapiwa kwamuri, zvakadaro muchaunza chiyero chezvitina.

19 Zvino vatariri vevana vaIsraeri vakaona vari pakaipa, zvazvakanzi: Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, chinhu chezuva nezuva racho.

20 Zvino vakasangana naMozisi naAroni, vaiva vamire kusangana navo pakubuda kwavo kubva kuna Farao;

21 ndokuti kwavari: Jehovha ngaakutarirei, uye atonge, nokuti maita kunhuhwira kwedu kunhuhwe pameso aFarao nepameso evaranda vake, mapa munondo muruoko rwavo kuti vatiuraye.

22 Zvino Mozisi wakadzokera kuna Jehovha, ndokuti: Ishe, maitirei chakaipa kurudzi urwu? Manditumirei?

23 Nokuti kubva pandakauya kuna Farao kuzotaura muzita renyu, iye wakaita chakaipa kurudzi urwu; uye hamuna kutongonunura rudzi rwenyu.