ShonaTeam Exodus « 4 »

4Zvino Mozisi wakapindura ndokuti: Asi tarirai, havanganditendi, uye havangateereri kuinzwi rangu, nokuti vachati: Jehovha haana kuonekwa kwauri.

2 Jehovha ndokuti kwaari: Chii ichi chiri muruoko rwako? Iye ndokuti: Itsvimbo.

3 Zvino wakati: Ikandire pasi. Iye ndokuikandira pasi. Iyo ndokuva nyoka. Mozisi ndokuitiza kubva pamberi payo.

4 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tandavadza ruoko rwako, uibate nemuswe. Iye ndokutandavadza ruoko rwake, ndokuibata, iyo ndokuva tsvimbo muruoko rwake;

5 kuti vatende kuti Jehovha, Mwari wemadzibaba avo, Mwari waAbhurahama, Mwari waIsaka, naMwari waJakove, wakaonekwa kwauri.

6 Jehovha ndokutizve kwaari: Isa hako ruoko rwako muchipfuva chako. Iye ndokuisa ruoko rwake muchipfuva chake; wakati arubudisa, zvino tarira, ruoko rwake rwava nemaperembudzi semagada echando.

7 Zvino wakati: Dzosera ruoko rwako muchipfuva chako. Iye ndokudzosera ruoko rwake muchipfuva chake; zvino arubvisa muchipfuva chake, zvino tarira, rwakadzoserwa kuva senyama yake.

8 Zvino zvichaitika kana vasingakutendi, kana kuteerera kuinzwi rechiratidzo chekutanga, kuti vachatenda inzwi rechiratidzo chinotevera.

9 Zvino zvichaitika kana vasingatendiwo zviratidzo izvi zviviri, vasingateereriwo kuinzwi rako, kuti utore kubva pamvura yerwizi, ugodira pakaoma; zvino mvura yawatora kubva murwizi ichava ropa pakaoma.

10 Zvino Mozisi wakati kuna Jehovha: Haiwa, Ishe wangu, handisi mutauri, kunyange kubva zuro, kana kubva marimwezuro, kana kubva pamakataura kumuranda wenyu; nokuti ndinoremerwa nemuromo uye ndinoremerwa nerurimi.

11 Jehovha ndokuti kwaari: Ndiani wakaitira munhu muromo? Kana ndiani wakaita mbeveve kana matsi kana anoona kana bofu? Handisi ini Jehovha here?

12 Zvino ikozvino enda, zvino ini ndichava nemuromo wako, ndigokudzidzisa zvauchataura.

13 Asi iye wakati: Haiwa, Ishe wangu, tumai henyu neruoko rwewamuchatuma.

14 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro paMozisi, ndokuti: Aroni muRevhi haasi mukoma wako here? Ndinoziva kuti anotaura zvakanaka. Zvino tarirawo, achabuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make.

15 Zvino uchataura kwaari, ugoisa mashoko mumuromo make; uye ini ndichava nemuromo wako, uye nemuromo wake, uye ndichakudzidzisai zvamuchaita.

16 Zvino iye achataura pachinzvimbo chako kuvanhu, zvino zvichaitika, iye ave muromo kwauri uye iwe uve saMwari kwaari.

17 Zvino uchatora tsvimbo iyi muruoko rwako, yauchaita nayo zviratidzo.

Mozisi anodzokera kuEgipita

18 Zvino Mozisi wakaenda, ndokudzokera kuna Jeturo mukarahwa wake, ndokuti kwaari: Regai henyu ndiende, ndidzokere kuhama dzangu dziri muEgipita, ndinoonawo kana vachiri vapenyu. Jeturo ndokuti kuna Mozisi: Enda nerugare.

19 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi paMidhiani: Enda, dzokera kuEgipita, nokuti varume vose vakafa ivo vaitsvaka upenyu hwako.

20 Zvino Mozisi wakatora mukadzi wake nevanakomana vake, ndokuvatasvisa pambongoro, ndokudzokera kunyika yeEgipita. Mozisi ndokutora tsvimbo yaMwari muruoko rwake.

21 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Pakuenda kwako kudzokera kuEgipita, ona kuti zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako uzviite pamberi paFarao; asi ndichaomesa moyo wake kuti asarega rudzi rwuchienda.

22 Zvino uchati kuna Farao: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Mwanakomana wangu, dangwe rangu, ndiIsraeri.

23 Zvino ndinoti kwauri: Rega mwanakomana wangu aende, kuti andishumire; asi waramba kumurega aende, tarira, ndichauraya mwanakomana wako, dangwe rako.

24 Zvino zvakaitika panzira paimba yevaeni kuti Jehovha wakasangana naye, ndokutsvaka kumuuraya.

25 Zipora ndokutora ibwe rinopinza, ndokucheka chikanda chepamberi chemwanakomana wake, ndokukanda patsoka dzake ndokuti: Zvirokwazvo uri chikomba cheropa kwandiri.

26 Zvino iye wakamurega. Ipapo akati: Uri chikomba cheropa nekuda kwekudzingiswa.

27 Zvino Jehovha wakati kuna Aroni: Enda kurenje kunosangana naMozisi. Iye ndokuenda, ndokusangana naye pagomo raMwari, ndokumutsvoda.

28 Zvino Mozisi wakaudza Aroni mashoko ose aJehovha waiva amutuma, nezviratidzo zvose zvaaiva amuraira.

29 Zvino Mozisi naAroni vakaenda ndokuunganidza vakuru vose vevana vaIsraeri.

30 Aroni ndokutaura mashoko ose Jehovha aaiva ataura kuna Mozisi, ndokuita zviratidzo pamberi pemeso evanhu.

31 Zvino vanhu vakatenda; vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsraeri, uye kuti aona kutambudzika kwavo, vakakotama, vakanamata.