ShonaTeam Exodus « 2 »

Kuberekwa kwaMozisi, anouraya muEgipita, ndokutizira Midhiani

2Zvino kwakaenda murume weimba yaRevhi ndokutora mukunda wekwaRevhi.

2 Mukadzi ndokubata mimba, ndokubereka mwanakomana. Zvino amuona kuti wakanaka wakamuvanza mwedzi mitatu.

3 Wakati asisagoni kumuvanza, wakamutorera tswanda yenhokwe, ndokuinama nebhitumini* nenamo, ndokuisa mwana mairi, ndokuisa mutsanga pamahombekombe erwizi.

4 Zvino hanzvadzi yake yakazvimisa kure, kuti izive zvichaitwa kwaari.

5 Zvino mukunda waFarao wakaburuka kuzoshamba parwizi, varandakadzi vake ndokufamba parutivi rwerwizi. Iye ndokuona tswanda pakati petsanga, ndokutuma murandakadzi wake, iye ndokuitora.

6 Zvino wakaizarura ndokuona mwana, zvino tarira, mukomana wakachema. Zvino wakamunzwira tsitsi, ndokuti: Uyu ndeumwe wevana vevaHebheru.

7 Hanzvadzi yake ndokuti kumukunda waFarao: Ndiende here ndinokudanirai mukadzi anoyamwisa kuvaHebheru kuti akuyamwisirei mukomana?

8 Mukunda waFarao ndokuti kwaari: Enda. Mhandara ndokuenda, ndokudana mai vemukomana.

9 Mukunda waFarao ndokuti kwaari: Tora mwana uyu uende naye, unondiyamwisira; ini ndigokupa mubairo wako. Mukadzi ndokutora mwana, ndokumuyamwisa.

10 Mwana ndokukura, iye ndokumuunza kumukunda waFarao, ndokuva mwanakomana wake; iye ndokutumidza zita rake Mozisi, ndokuti: Nokuti ndakamunyurura mumvura.

Mozisi anotiza

11 Zvino zvakaitika mumazuva iwawo Mozisi akura, kuti wakabudira kuhama dzake, ndokutarisa mitoro yavo; ndokuona murume muEgipita achirova murume muHebheru wehama dzake.

12 Akaringa kuno neuko, zvino paakaona kuti hapana munhu, ndokurova muEgipita, ndokumuviga mujecha.

13 Zvino wakabuda nezuva repiri, zvino tarira, varume vaviri vaHebheru vachirwa; iye ndokuti kune waitadza: Unoroverei wekwako?

14 Iye ndokuti: Ndiani akuita ishe nemutongi pamusoro pedu? Unotaurira izvi kundiuraya sezvawakauraya muEgipita kanhi? Mozisi ndokutya, ndokuti: Zvirokwazvo, chinhu ichi chinozikanwa.

15 Farao wakati anzwa chinhu ichi, wakatsvaka kuuraya Mozisi. Asi Mozisi wakatiza kubva pachiso chaFarao, ndokugara munyika yeMidhiani; ndokugara patsime.

16 Zvino kumupristi weMidhiani kwaiva nevakunda vanomwe; ivo ndokuuya kuzochera mvura, ndokuzadza zvinwiro, kuti vanwise boka rababa vavo.

17 Vafudzi ndokuuya, vakavadzinga; asi Mozisi wakasimuka, ndokuvanunura, ndokunwisa boka ravo.

18 Vakati vachisvika kuna Rueri baba vavo, ivo ndokuti: Sei mauya nekukurumidza zvakadai nhasi?

19 Ivo ndokuti: Murume MuEgipita watinunura kubva paruoko rwevafudzi, ndokutichererawo kwazvo, ndokunwisa boka.

20 Iye ndokuti kuvakunda vake: Zvino aripi? Masiirei munhu uyu? Mudanei, kuti adye chingwa.

21 Mozisi ndokubvuma kugara nemunhu uyu; iye ndokupa Mozisi Zipora mukunda wake.

22 Iye ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Gerishomu, nokuti wakati: Ndanga ndiri mutorwa munyika yevamwe.

23 Zvino zvakaitika mumazuva mazhinji awa, kuti mambo weEgipita wakafa, vana vaIsraeri ndokugomera nekuda kweutapwa, zvino vakadanidzira; kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nekuda kweutapwa.

24 Mwari ndokunzwa kugomera kwavo, Mwari ndokurangarira sungano yake naAbhurahama, naIsaka, uye naJakove.

25 Mwari ndokuona vana vaIsraeri, Mwari akavaziva.