ShonaTeam Exodus « 1 »

Kutambudzika kwevaIsraeri paEgipita

1 Zvino awa mazita evanakomana vaIsraeri vakasvika kuEgipita naJakove; vakasvika murume umwe neumwe neimba yake:

2 Rubheni, Simioni, Revhi, naJudha,

3 Isasikari, Zebhuruni, naBhenjamini,

4 Dhani, naNafutari, Gadhi, naAsheri.

5 Zvino mweya yeupenyu yose yakabuda muchiuno chaJakove yaiva mweya makumi manomwe; asi Josefa waiva atova muEgipita.

6 Zvino Josefa wakafa, nevana vababa vake vose, nezera iro rose.

7 Zvino vana vaIsraeri vakabereka ndokuwanda kwazvo, ndokupamhidzirwa, vakava nesimba kwazvo-kwazvo; nyika ndokuzadzwa navo.

8 Zvino kwakamuka mambo mutsva pamusoro peEgipita, waiva asingazivi Josefa.

9 Iye ndokuti kuvanhu vake: Tarirai, rudzi rwevana vaIsraeri rwakawanda, uye vakasimba kutipfuura.

10 Uyai, ngativangwarire, zvimwe vangawanda, ndokuitika kuti kana kukasanganikwa nehondo, naivo vangabatana nevavengi vedu ndokutirwisa, ndokukwira kubva munyika ino.

11 Naizvozvo vakagadza pamusoro pavo vatariri vebasa kuvanetsa nemitoro yavo. Uye vakavakira Farao maguta ematura, Pitomi naRamesesi.

12 Asi pavaivanetsa, ndipo pavaiwanda uye ndipo pavaikura; zvino vakarwadziwa nekuda kwevana vaIsraeri.

13 Zvino vaEgipita vakabatisa vana vaIsraeri neutsinye,

14 ndokurwadzisa upenyu hwavo neutapwa hwakaoma, pamatope nepazvitina, nepabasa rose mumunda, basa ravo rose ravaivabatisa neutsinye.

15 Zvino mambo weEgipita wakataura nananyamukuta vakadzi vaHebheru, avo zita reumwe raiva Shifira, uye zita reumwe Pua;

16 ndokuti: Kana muchiponesa vakadzi vevaHebheru, pamunoona pachigaro chekuponera, kana ari mwanakomana, ipapo mumuuraye, asi kana ari mwanasikana, ipapo achararama.

17 Asi vana nyamukuta vakatya Mwari, uye vakasaita mambo weEgipita sezvaakavataurira, asi vakarega vanakomana vari vapenyu.

18 Zvino mambo weEgipita wakadana vana nyamukuta, ndokuti kwavari: Maitirei chinhu ichi, mukarega vakomana vari vapenyu?

19 Vana nyamukuta ndokuti kuna Farao: Nokuti vakadzi vevaHebheru havana kuita sevakadzi vevaEgipita, nokuti vane simba; uye vanopona nyamukuta asati asvika kwavari.

20 Naizvozvo Mwari wakaitira vana nyamukuta zvakanaka; vanhu ndokuwanda, uye vakava nesimba kwazvo.

21 Zvino zvakaitika nokuti vana nyamukuta vaitya Mwari, kuti wakavaitira misha.

22 Farao ndokuraira vanhu vake vose, achiti: Mwanakomana umwe neumwe anoberekwa mukandire murwizi, asi mwanasikana umwe neumwe murege ari mupenyu.