ShonaTeam Genesis « 50

Kuvigwa kwaJakove, nekufa kwaJosefa

50Zvino Josefa wakawira pamusoro pechiso chababa vake, ndokuchema pamusoro pavo, ndokumutsvoda.

2 Josefa ndokuraira varanda vake n'anga kuomesa baba vake; n'anga ndokuomesa Israeri.

3 Zvino mazuva makumi mana ndokuzadziswa kwaari, nokuti saizvozvo aizadziswa mazuva eavo vaiomeswa. NevaEgipita vakamuchema mazuva makumi manomwe.

4 Zvino mazuva ekuchema kwake akapfuura, Josefa akataura kuimba yaFarao, achiti: Ikozvino kana ndawana nyasha pameso enyu, taurai henyu munzeve dzaFarao, muchiti:

5 Baba vangu vakandipikisa, vachiti: Tarirai, ndofa; muguva rangu randakazvicherera munyika yeKenani ndimo mauchandiviga. Naizvozvo ikozvino, regai ndikwire hangu, ndigonoviga baba vangu, ndigodzoka.

6 Farao ndokuti: Kwira, ugonoviga baba vako, sezvavakakupikisa.

7 Josefa ndokukwira kunoviga baba vake, nevaranda vose vaFarao vakakwira naye, vakuru veimba yake, nevakuru vose venyika yeEgipita,

8 neimba yose yaJosefa, nevana vababa vake, neimba yababa vake; vana vavo voga nemakwai avo nemombe dzavo vakazvisiya munyika yeGosheni.

9 Zvino kwakakwira pamwe naye zvose ngoro nevatasvi vemabhiza; rikava boka guru-guru.

10 Zvino vakasvika paburiro raAtadhi, riri mhiri kwaJoridhani, ndokumuchemapo nekuchema kukuru kunorwadza kwazvo; zvino wakaitira baba vake mariro mazuva manomwe.

11 Zvino vagari vepanyika iyo, vaKenani, vakaona mariro paburiro raAtadhi, vakati: Awa mariro anorwadza kuvaEgipita; naizvozvo zita raro rakanzi Abheri-Miziraimi, riri mhiri kwaJoridhani.

12 Zvino vanakomana vake vakamuitira saizvozvo sezvaaiva avaraira;

13 nokuti vanakomana vake vakamutakurira kunyika yeKenani, ndokumuviga mubako remunda weMakipera, riya Abhurahama raakatenga kuna Efuroni muHeti pamwe nemunda ive nzvimbo yake yekuviga, pakatarisana neMamure.

14 Zvino Josefa wakadzokera kuEgipita, iye nevana vababa vake, nevose vakakwira pamwe naye kunoviga baba vake, shure kwekunge aviga baba vake.

15 Zvino vana vababa vaJosefa vakaona kuti baba vavo vafa, vakati: Zvimwe Josefa achativenga, uye zvirokwazvo achatitsiva zvakaipa zvose zvatakaita kwaari.

16 Zvino vakapa murairo kuna Josefa, vachiti: Baba vako vakaraira vasati vafa, vachiti:

17 Muchataura seizvi kuna Josefa: Dokanganwira hako kudarika kwevana vababa vako, nechivi chavo, nokuti vakakuitira chakaipa; zvino ikozvino, dokanganwira kudarika kwevaranda vaMwari wababa vako. Josefa ndokuchema pavakataura kwaari.

18 Zvino vana vababa vake vakaendawo, ndokuwira pasi pamberi pake, ndokuti: Tarira, tiri varanda vako.

19 Asi Josefa wakati kwavari: Musatya, nokuti ndiri pachigaro chaMwari here?

20 Asi imwi, makandirongera zvakaipa; Mwari wakaronga kuti zvive zvakanaka, kuti zviitike sezuva rino, kuchengetedza vanhu vazhinji vari vapenyu.

21 Naizvozvo ikozvino musatya; ini ndichakuriritirai, nevanana venyu. Zvino wakavanyaradza, ndokutaura navo nemoyo wakanaka.

22 Josefa ndokugara muEgipita, iye neimba yababa vake; Josefa ndokurarama makore zana negumi.

23 Josefa ndokuona vana vaEfuremu vezera rechitatu; nevana vaMakiri, mwanakomana waManase, vakaberekerwa pamabvi aJosefa.

24 Josefa ndokuti kuvana vababa vake: Ndofa, asi Mwari zvirokwazvo achakushanyirai, nekukukwidzisai munyika ino, muende kunyika yaakapikira kuna Abhurahama, kuna Isaka, nekuna Jakove.

25 Josefa ndokupikisa vana vaIsraeri, achiti: Mwari achakushanyirai zvirokwazvo, uye muchakwidza mapfupa angu kubva pano.

26 Josefa ndokufa, ari mwanakomana wemakore zana negumi; vakamuomesa, ndokuiswa mubhokisi muEgipita.