ShonaTeam Genesis « 49 »

Jakove anoropafadza vanakomana vake

49Zvino Jakove wakadana vanakomana vake, ndokuti: Unganai, kuti ndikuudzei zvichakuwirai mukupera kwemazuva.

2 Unganai, munzwe imwi vanakomana vaJakove, muteerere kuna Israeri baba venyu.

3 Rubheni, uri dangwe rangu, simba rangu, nekutanga kwesimba rangu; kukwana kwerukudzo, nekukwana kwesimba.

4 Unotutuma semvura, haungavi wakakwana; nokuti wakakwira kuuvato hwababa vako; panguva iyoyo ndokusvibisa; wakakwira kumubhedha wangu.

5 Simioni naRevhi vana vamai vamwe; minondo yavo inhumbi dzekupamba.

6 Mweya weupenyu wangu ngaurege kupinda pakurangana kwavo. Rukudzo rwangu ngarwurege kusanganiswa neungano yavo. Nokuti pakutsamwa kwavo vakauraya munhu, uye nekuzvifadza vakagura nzombe marunda.

7 Kutsamwa kwavo ngakutukwe, nokuti kwakasimba; nehasha dzavo, nokuti dzaiva dzine utsinye; ndichavaparadzanisa muna Jakove, nekuvaparadzira muna Israeri.

8 Judha, iwe, vana vababa vako vachakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamutsipa wevavengi vako; vanakomana vababa vako vachakukotamira.

9 Judha imbwanana yeshumba; iwe wakwira paudzimba, mwanakomana wangu. Wakakotama, wakazvambarara seshumba, uye seshumbakadzi; ndiani achamusimudza?

10 Tsvimbo yeushe haingabvi kuna Judha, nemupi wemurairo kubva pakati petsoka dzake, kusvika Shiro asvika; uye ndudzi dzichamuteerera iye.

11 Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, nemwana wembongorohadzi yake pamuzambiringa wakanaka. Wakasuka nguvo dzake muwaini, nechekupfeka chake muropa remazambiringa.

12 Meso ake achatsvuka newaini, uye meno ake achachena nemukaka.

13 Zebhuruni achagara pamahombekombe egungwa; uye achava panomira zvikepe; nemuganhu wake uchasvika paSidhoni.

14 Isasikari imbongoro ine simba, inorara pasi pakati pemitoro miviri.

15 Zvino wakaona zororo kuti rakanaka, nenyika kuti inofadza, akarerekera fudzi rake kuti atakure, akava muranda wechibharo.

16 Dhani achatonga vanhu vake, serumwe rwemarudzi aIsraeri.

17 Dhani achava nyoka panzira, mvumbi mugwara, inoruma zvitsitsinho zvebhiza, kuti mutasvi waro awire shure.

18 Ndakamirira ruponeso rwenyu, Jehovha.

19 Gadhi, hondo ichamuvamba, asi iye achavamba pazvitsitsinho.

20 Kubva kuna Asheri, kudya kwake kuchakora; iye achauya nezvinonaka zvemadzishe.

21 Nafutari inondo hadzi yakasunungurwa; anobudisa mashoko akanaka.

22 Josefa idavi rinobereka, idavi rinobereka patsime; matavi anokwira pamusoro pemadziro.

23 Vanopfura neuta vakamubata zvinorwadza, vakamupfura, vakamuvenga.

24 Asi uta hwake hwakaramba hwakasimba, nezvanza zvemaoko ake zvakasimbiswa nemaoko eWemasimba waJakove; anobva ikoko mufudzi, ibwe raIsraeri;

25 naMwari wababa vako achakubatsira, uye neWemasimbaose achakuropafadza nemaropafadzo ematenga anobva kumusoro, maropafadzo ekudzika kurere pasi, maropafadzo emazamu neechizvaro.

26 Maropafadzo ababa vako anopfuura maropafadzo emateteguru angu, kusvika pamiganhu pemakomo asingaperi; achava pamusoro waJosefa, nepanhongonya yewakaparadzaniswa kuvana vababa vake.

27 Bhenjamini ibere rinobvamburanya; mangwanani achadya chakajimbiwa, uye madekwani achagovanisa chakapambiwa.

28 Ava vose ndiwo marudzi ane gumi nemaviri aIsraeri; ndizvo zvakataura baba vavo kwavari, ndokuvaropafadza; vakaropafadza umwe neumwe nekuropafadzwa kwake.

29 Zvino wakavaraira ndokuti kwavari: Ini ndobva ndounganidzwa kuvanhu vangu; munondiviga kune madzibaba angu, mubako riri mumunda waEfuroni, muHeti,

30 mubako riri mumunda weMakipera, riri pakatarisana neMamure, panyika yeKenani, riya Abhurahama raakatenga pamwe nemunda kuna Efuroni, muHeti, kuti zvive zvake zvepekuvigira.

31 Ndipo pavakaviga Abhurahama naSara mukadzi wake; ndipo pavakaviga Isaka naRabheka mukadzi wake; ndipo pandakaviga Rea.

32 Munda uya nebako riri mauri, zvakatengwa kuvana vaHeti.

33 Zvino Jakove wakati apedza kuraira vanakomana vake, akapeta tsoka dzake pamubhedha; mweya wake ukabuda; akaunganidzwa kuvanhu vake.