ShonaTeam Genesis « 48 »

Jakove anoropafadza vanakomana vaJosefa

48Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti kwakanzi kuna Josefa: Tarira, baba vako vanorwara. Iye ndokutora pamwe naye vanakomana vake vaviri, Manase naEfuremu.

2 Zvino kwakaudzwa Jakove, ndokunzi: Tarira, mwanakomana wako, Josefa, wauya kwauri. Israeri ndokuzvisimbisa, ndokugara pamubhedha.

3 Zvino Jakove wakati kuna Josefa: Mwari Wemasimbaose wakaonekwa kwandiri paRuzi, munyika yeKenani, ndokundiropafadza,

4 ndokuti kwandiri: Tarira, ndichakuberekesa, nekukuwanza, uye ndichakuita chaunga chevanhu; uye ndichapa nyika ino kuchizvarwa chako chinokutevera ive fuma nekusingaperi.

5 Zvino ikozvino vanakomana vako vaviri, Efuremu naManase vawakaberekerwa panyika yeEgipita, ndisati ndasvika kwauri kuEgipita, ndevangu; saRubheni naSimioni, vachava vangu.

6 Asi chizvarwa chako, chawakabereka shure kwavo, chichava chako; chichadanwa nezita remadzikoma avo panhaka yavo.

7 Asi ini, pandakabva kuPadhani, Rakeri wakafira pandiri panyika yeKenani munzira pachine chinhambwe chidiki kusvika kuEfurati, zvino ndakamuvigapo panzira yeEfurati, ndiro Bheterehemu.

8 Israeri ndokuona vanakomana vaJosefa, ndokuti: Ndivana ani ava?

9 Josefa ndokuti kuna baba vake: Ndivo vanakomana vangu Mwari vaakandipa muno. Ivo ndokuti: Douya navo kwandiri ndigovaropafadza.

10 Zvino meso aIsraeri aiva orema nekuda kwezera, asingagoni kuona; ndokuvaswededza kwaari; iye ndokuvatsvoda, ndokuvambundikira.

11 Israeri ndokuti kuna Josefa: Handina kufunga kuona chiso chako, zvino tarira, Mwari wandiratidzawo chizvarwa chako.

12 Josefa akavabudisa kubva pamabvi ake, iye ndokukotama chiso chake chiri pasi.

13 Josefa ndokuvatora vari vaviri, Efuremu muruoko rwake rwerudyi kuruoko rweruboshwe rwaIsraeri, naManase muruoko rwake rweruboshwe kurudyi rwaIsraeri, ndokuvaswededza paari.

14 Israeri ndokutandavadza ruoko rwake rwerudyi ndokuisa pamusoro waEfuremu, aiva mudiki, neruoko rwake rweruboshwe pamusoro waManase, akaruramisa maoko ake achiziva, nokuti Manase waiva wedangwe.

15 Zvino wakaropafadza Josefa, ndokuti: Mwari iye madzibaba angu Abhurahama naIsaka wavakafamba pamberi pake, Mwari wakandifudza kubva pakuvapo kwangu kusvika zuva ranhasi;

16 mutumwa wakandidzikinura pazvakaipa zvose, aropafadze vakomana ava; uye zita rangu ngaritumidzwe kwavari, nezita remadzibaba angu, Abhurahama naIsaka, uye vawande vave vazhinji pakati penyika.

17 Zvino Josefa wakati aona kuti baba vake vaisa ruoko rwavo rwerudyi pamusoro waEfuremu, zvakava zvakaipa pameso ake; iye ndokubata ruoko rwababa vake, kurubvisa pamusoro waEfuremu, aruise pamusoro waManase.

18 Josefa ndokuti kuna baba vake: Kwete saizvozvo, baba vangu, nokuti uyu idangwe, isai ruoko rwenyu rwerudyi pamusoro wake.

19 Asi baba vake vakaramba, ndokuti: Ndinoziva, mwanakomana wangu, ndinoziva; iyewo achava rudzi, naiyewo achava mukuru; asi zvakadaro munin'ina wake achava mukuru kwaari, uye chizvarwa chake chichava kuzara kwendudzi.

20 Zvino wakavaropafadza nezuva iro achiti: Mauri Israeri acharopafadza, achiti: Mwari ngaakuite saEfuremu uye saManase. Zvino wakaisa Efuremu mberi kwaManase.

21 Zvino Israeri wakati kuna Josefa: Tarira, ndofa; asi Mwari achava nemwi, ndokukudzosai kunyika yemadzibaba enyu.

22 Uye ini ndakupa mugove umwe kupfuura vana vababa vako, wandakatora kubva muruoko rwevaAmori nemunondo wangu uye neuta hwangu.