ShonaTeam Genesis « 47 »

Jakove anokwazisana naFarao

47Zvino Josefa wakauya ndokuudza Farao, ndokuti: Baba vangu nevana vababa vangu nemakwai avo nemombe dzavo nezvose zvavanazvo vasvika kubva kunyika yeKenani; zvino tarirai, vari munyika yeGosheni.

2 Zvino pavana vababa vake vose wakatora varume vashanu ndokuvaisa pamberi paFarao.

3 Farao ndokuti kuvana vababa vaiye Josefa: Basa renyu chii? Ivo ndokuti kuna Farao: Varanda venyu vafudzi vemakwai, tose isu nemadzibaba edu.

4 Vakatizve kuna Farao: Tapinda kugara sevatorwa munyika; nokuti hakuna mafuro emapoka varanda venyu avanawo, nokuti nzara ihuru munyika yeKenani; zvino ikozvino regai henyu varanda venyu vagare munyika yeGosheni.

5 Farao ndokutaura kuna Josefa, achiti: Baba vako nevana vababa vako vauya kwauri.

6 Nyika yeEgipita iri pamberi pako; garisa baba vako nevana vababa vako pakanakisisa penyika; ngavagare munyika yeGosheni; uye kana uchiziva varume nyanzvi pakati pavo, zvino uvagadze vatongi vezvipfuwo pamusoro pezvandinazvo.

7 Josefa ndokupinda naJakove baba vake, ndokuvamisa pamberi paFarao; Jakove ndokuropafadza Farao.

8 Farao ndokuti kuna Jakove: Mangani mazuva emakore eupenyu hwenyu?

9 Jakove ndokuti kuna Farao: Mazuva emakore ekutama-tama kwangu makore zana nemakumi matatu; mazuva emakore eupenyu hwangu aiva mashoma uye akaipa, uye haana kusvika pamazuva emakore eupenyu hwemadzibaba angu pamazuva ekutama-tama kwavo.

10 Jakove ndokuropafadza Farao, ndokubuda kubva pamberi paFarao.

11 Zvino Josefa wakagarisa baba vake nevana vababa vake, ndokuvapa pavo munyika yeEgipita, pakanakisisa penyika, panyika yeRamesesi, Farao sezvaaiva araira.

12 Josefa ndokuriritira baba vake nevana vababa vake neimba yababa vake yose nechingwa, zvichienderana nemuromo wevanana.

Josefa anotengera Farao nyika nezvekudya

13 Zvino kwaiva kusina kudya panyika yose, nokuti nzara yaiva iri huru kwazvo, nyika yeEgipita nenyika yeKenani ndokuziya nekuda kwenzara.

14 Josefa ndokuunganidza mari yose yakawanikwa munyika yeEgipita, nemunyika yeKenani, yezviyo zvavakatenga; Josefa ndokuuya nemari mumba maFarao.

15 Mari yakati yapera munyika yeEgipita nemunyika yeKenani, vaEgipita vose ndokuuya kuna Josefa, vachiti: Tipei kudya, nokuti tinofirei pamberi penyu? Nokuti mari yapera.

16 Josefa ndokuti: Ipai zvipfuwo zvenyu, uye ndichakupai pazvipfuwo zvenyu, kana mari yapera.

17 Zvino vakauya nezvipfuwo zvavo kuna Josefa; Josefa ndokuvapa kudya pamabhiza nepazvipfuwo zvemakwai nepazvipfuwo zvemombe nepambongoro; ndokuvapodza nekudya pazvipfuwo zvavo zvose gore iroro.

18 Gore iroro rakati rapera, vakauya kwaari gore rechipiri, ndokuti kwaari: Hatingavanziri ishe wangu kuti sezvo mari yedu yapera, nezvipfuwo zvemhuka zvava zvashe wangu, hakuna chakasara pachiso chashe wangu asi miviri yedu neminda yedu.

19 Tinofirei pamberi pemeso enyu, zvose isu neminda yedu? Titengei nekudya isu neminda yedu, zvino isu neminda yedu tichava varanda kuna Farao; tipeiwo mbeu kuti tirarame uye tirege kufa, kuti nyika isava dongo.

20 Zvino Josefa wakatengera Farao nyika yose yeEgipita, nokuti vaEgipita vakatengesa umwe neumwe munda wake, nokuti nzara yakasimba pamusoro pavo; nyika ndokuva yaFarao.

21 Zvino kana vari vanhu, wakavatamisira kumaguta, kubva kumugumo wemiganhu yeEgipita kusvika kumugumo wayo.

22 Nyika yevapristi yoga haana kuitenga, nokuti vapristi vaiva vane mugove wakatarwa kubva kuna Farao; uye vaidya mugove wavo wakatarwa Farao waaivapa. Naizvozvo havana kutengesa nyika yavo.

23 Zvino Josefa wakati kuvanhu: Tarirai, ndatengera Farao imwi nenyika yenyu nhasi; tarirai mbeu yenyu, uye muchadzvara pamunda.

24 Zvino zvichaitika pagoho, kuti muchapa cheshanu kuna Farao, uye zvikamu zvina zvichava zvenyu ive mbeu yemunda uye chekudya kwenyu nekweveimba yenyu nechekudya kwevanana venyu.

25 Ivo ndokuti: Maponesa upenyu hwedu; ngatiwane nyasha pameso ashe wangu, uye tichava varanda vaFarao.

26 Josefa ndokuzvimisa kuva murairo pamusoro penyika yose yeEgipita kusvika nhasi: Cheshanu ndechaFarao; kunze kwenyika yevapristi yoga haina kuva yaFarao.

27 Zvino Israeri wakagara panyika yeEgipita, panyika yeGosheni; zvino vakaiita yavo imomo, ndokubereka ndokuwanda zvikurusa.

Mazuva ekupedzisira aJakove

28 Jakove ndokugara panyika yeEgipita makore gumi nemanomwe; uye mazuva aJakove, makore eupenyu hwake, aiva makore zana nemakumi mana nemanomwe.

29 Zvino nguva yakaswedera kuti Israeri afe; zvino wakadana mwanakomana wake Josefa, ndokuti kwaari: Kana ikozvino ndawana nyasha pameso ako, isa hako ruoko rwako pasi pechidya changu, ugondiitira tsitsi nechokwadi; rega hako kundiviga paEgipita.

30 Asi kuti ndirare nemadzibaba angu, uchanditakurawo undibvise paEgipita, ugondiviga muguva rawo. Iye ndokuti: Ini ndichaita seshoko renyu.

31 Iye ndokuti: Ndipikire; iye ndokuvapikira. Israeri ndokukotamira pamusoro pemusoro wemubhedha.