ShonaTeam Genesis « 46 »

Jakove anoenda kuEgipita

46Zvino Israeri wakabva nezvose zvaaiva anazvo, ndokusvika kuBheeri-Shebha, ndokubaira zvibairo kuna Mwari wababa vake Isaka.

2 Mwari ndokutaura kuna Israeri muzviratidzo zveusiku, ndokuti: Jakove! Jakove! Iye ndokuti: Ndiri pano.

3 Iye ndokuti: Ndiri Mwari, Mwari wababa vako; usatya kuburukira kuEgipita; nokuti ndichakugadza kuva rudzi rukuru ikoko;

4 ini ndichaburukira newe kuEgipita, uye iniwo zvirokwazvo ndichakukwidzazve; uye Josefa achaisa ruoko rwake pameso ako.

5 Zvino Jakove wakasimuka kubva Bheeri-Shebha; vanakomana vaIsraeri ndokutakura Jakove baba vavo, nevanana vavo, nevakadzi vavo, mungoro Farao dzaaiva atumira kumutakura.

6 Zvino vakatora zvipfuwo zvavo nenhumbi dzavo dzavaiva vawana munyika yeKenani, ndokusvika kuEgipita: Jakove, nechizvarwa chake chose naye;

7 vanakomana vake, nevana vevanakomana vake naye, vakunda vake, nevakunda vevanakomana vake, neicho chizvarwa chake chose, wakauya navo kuEgipita.

8 Uye awa mazita evana vaIsraeri vakasvika kuEgipita: Jakove nevanakomana vake: Rubheni, dangwe raJakove.

9 Nevanakomana vaRubheni: Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi.

10 Nevanakomana vaSimioni: Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana wemukadzi muKenani.

11 Nevanakomana vaRevhi: Gerishoni, Kohati, naMerari.

12 Nevanakomana vaJudha: Eri, naOnani, naShera, naPerezi, naZera. Asi Eri naOnani vakafira munyika yeKenani. Uye vanakomana vaPerezi vaiva Hezironi naHamuri.

13 Nevanakomana vaIsasikari: Tora, naPuvha, naJobho, naShimironi.

14 Nevanakomana vaZebhuruni: Seredhi, naEroni, naJahareeri.

15 Ava vanakomana vaRea, vaakaberekera Jakove muPadhani-Aramu, nemukunda wake Dhina. Mweya yeupenyu yose yevanakomana vake nevakunda vake yaiva makumi matatu nemitatu.

16 Nevanakomana vaGadhi: Zifioni, naHagi, Shuni, naEzibhoni, Eri, naArodhi, naAreri.

17 Nevanakomana vaAsheri: Jimina, naIshivha, naIshivhi, naBheria, naSera, hanzvadzi yavo; nevanakomana vaBheria: Hebheri, naMarikieri.

18 Ava vanakomana vaZiripa, Rabhani waakapa kuna Rea mukunda wake, ndokuberekera ava Jakove: Mweya yeupenyu gumi nemitanhatu.

19 Vanakomana vaRakeri mukadzi waJakove: Josefa naBhenjamini.

20 Zvino kwakaberekerwa kuna Josefa munyika yeEgipita Manase naEfuremu, Asenati mukunda waPotifera mupristi weOni vaakamuberekera.

21 Nevanakomana vaBhenjamini: Bhera, naBhekeri, naAshibheri, Gera, naNaamani, Ehi, naRoshi, Mupimi, naHupimi, naAridhi.

22 Ava vanakomana vaRakeri, vakaberekerwa Jakove; mweya yeupenyu yose, gumi nemina.

23 Nevanakomana vaDhani: Hushimi.

24 Nevanakomana vaNafutari: Jazeeri, naGuni, naJezeri, naShiremi.

25 Ava vanakomana vaBhiriha, Rabhani vaakapa kuna Rakeri mukunda wake, ndokuberekera Jakove ava; mweya yeupenyu yose minomwe.

26 Mweya yeupenyu yose yakasvika naJakove kuEgipita, ichibuda pachiuno chake, pasina vakadzi vevanakomana vaJakove, mweya yeupenyu yose makumi matanhatu nemitanhatu.

27 Nevanakomana vaJosefa vaakaberekerwa muEgipita mweya miviri; mweya yeupenyu yose yeimba yaJakove yakauya muEgipita, makumi manomwe.

28 Zvino wakatuma Judha pamberi pake kuna Josefa kuti amurairire kuenda kuGosheni; zvino vakasvika munyika yeGosheni.

29 Josefa ndokusunga ngoro yake, ndokukwira kunosangana naIsraeri baba vake kuGosheni; ndokuzviratidza kwavari, ndokuwira pamutsipa wavo, ndokuchema pamutsipa wavo nguva huru.

30 Israeri ndokuti kuna Josefa: Ikozvino ngandife, zvandaona chiso chako, nokuti uchiri mupenyu.

31 Zvino Josefa wakati kuvana vababa vake nekuimba yababa vake: Ndichakwira ndigozivisa Farao, uye nditi kwaari: Vana vababa vangu, neimba yababa vangu, vaiva vari munyika yeKenani vasvika kwandiri.

32 Zvino varume vafudzi vemakwai, nokuti vaiva varume vezvipfuwo uye vauya nemakwai avo, nemombe dzavo, nezvose zvavanazvo.

33 Zvino zvichaitika Farao paachakudanai agoti: Basa renyu chii?

34 Kuti muchati: Varanda venyu varume vekupfuwa kubva paudiki hwedu kusvika ikozvino, tose isu nemadzibaba edu; kuti mugare munyika yeGosheni, nokuti mufudzi umwe neumwe chinyangadzo kuvaEgipita.