ShonaTeam Genesis « 45 »

Josefa anozvizivisa kumadzikoma ake, uye anovatuma kunotora baba vake

45Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pevose vaiva vamire naye, ndokudanidzira, achiti: Budisai vanhu vose kubva kwandiri. Zvino kwaiva kusina munhu wakamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.

2 Zvino wakabudisa inzwi rake pakuchema, vaEgipita ndokunzwa, neimba yaFarao yakanzwa.

3 Josefa ndokuti kuvana vababa vake: Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu here? Zvino vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakavhiringidzika pamberi pake.

4 Josefa ndokuti kuvana vababa vake: Swederai henyu kwandiri. Zvino vakaswedera. Iye ndokuti: Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa kuEgipita.

5 Zvino ikozvino musarwadziwa, kana kutsamwa pameso enyu, kuti makanditengesa kuno; nokuti Mwari wakandituma pamberi penyu kuitira chengetedzo yeupenyu.

6 Nokuti makore awa maviri nzara iri pakati penyika ino; uye kuchine makore mashanu kusingarimwi kana kukohwewa maari.

7 Zvino Mwari wakandituma pamberi penyu kukuisirai musiiwa panyika, nekuchengetedza upenyu hwenyu nekupukunyuka kukuru.

8 Zvino ikozvino imwi hamuna kundituma pano, asi Mwari; iye wakandigadza kuva baba kuna Farao nekuva ishe kuimba yake yose nemutongi munyika yose yeEgipita.

9 Kurumidzai, zvino kwirai kuna baba vangu, mugoti kwavari: Anoreva seizvi mwanakomana wenyu Josefa: Mwari wakandiita ishe kuEgipita yose; burukirai kwandiri musanonoka;

10 zvino muchagara panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, nevana venyu, nevana vevana venyu, nezvipfuwo zvenyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo.

11 Zvino ndichakufundaipo, nokuti kuchine makore mashanu enzara, zvimwe muve varombo, imwi, neveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.

12 Zvino tarirai, meso enyu anoona, nemeso emunin'ina wangu Bhenjamini, kuti muromo wangu unotaura kwamuri.

13 Zvino udzai baba vangu kukudzwa kwangu kose paEgipita, nezvose zvamaona, uye kurumidzai muburusire baba vangu kuno.

14 Zvino wakawira pamutsipa waBhenjamini munin'ina wake, ndokuchema; naBhenjamini wakachema pamutsipa wake.

15 Zvino wakatsvoda madzikoma ake ose, ndokuchema pamusoro pavo. Uye shure kweizvozvo madzikoma ake akataura naye.

16 Zvino inzwi rakanzwikwa mumba maFarao, richiti: Vana vababa vaJosefa vasvika; zvino zvakava zvakanaka pameso aFarao nepameso evaranda vake.

17 Farao ndokuti kuna Josefa: Iti kuvana vababa vako: Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, muende, mupinde kunyika yeKenani;

18 mugotora baba venyu nemhuri dzenyu, mugouya kwandiri; zvino ndichakupai zvakanaka zvenyika yeEgipita, mugodya zvakakora zvenyika.

19 Zvino iwe unorairwa, itai chinhu ichi: Zvitorerei kubva munyika yeEgipita ngoro dzevanana venyu nedzevakadzi venyu, mutakure baba venyu, muuye.

20 Uye meso enyu asanzwira nhumbi dzenyu, nokuti zvakanaka zvenyika yose yeEgipita ndezvenyu.

21 Zvino vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo. Josefa ndokuvapa dzingoro, maererano nemurairo waFarao, ndokuvapa mbuva yerwendo.

22 Kune vose wakapa umwe neumwe nguvo dzekuchinja, asi kuna Bhenjamini wakapa makobiri esirivha mazana matatu nenguvo shanu dzekuchinja.

23 Nekuna baba vake wakatumira seizvi: Mbongoro gumi dzakatakura kubva pane zvakanaka zveEgipita, nemakadzi embongoro gumi akatakura zviyo nechingwa nekudya zvababa vake panzira.

24 Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, ivo ndokuenda; iye ndokuti kwavari: Musakakavadzana munzira.

25 Zvino vakakwira kubva muEgipita, ndokusvika munyika yeKenani, kuna Jakove baba vavo.

26 Zvino vakamuudza vachiti: Josefa achiri mupenyu; uye naiye mutungamiriri munyika yose yeEgipita. Moyo wavo ndokutonhora, nokuti havana kuvatenda.

27 Zvino vakavaudza mashoko ose aJosefa aaiva ataura kwavari. Zvino vakati vaona ngoro Josefa dzaaiva atumira kumutakura, mweya waJakove baba vavo wakavandudzika.

28 Israeri ndokuti: Zvakwana! Josefa mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.