ShonaTeam Genesis « 44 »

Josefa anoidza madzikoma ake

44Zvino wakaraira mutariri weimba yake, achiti: Zadza masaga evarume nekudya, sezvavanogona kutakura, uisewo mari yemurume umwe neumwe pamuromo wesaga rake.

2 Nemukombe wangu, mukombe wesirivha, uise pamuromo wesaga remudikisa, nemari yake yezviyo. Iye ndokuita zvichienderana neshoko raJosefa raaiva ataura.

3 Mangwanani kwaedza varume vakaendeswa, ivo nembongoro dzavo.

4 Vakati vabuda muguta, vasati vaenda kure, Josefa ndokuti kumutariri weimba yake: Simuka, dzingirira shure varume; zvino kana wavabata, uti kwavari: Sei matsindika?

5 Hausi iwo ishe wangu waanonwira, newaanoshopera nawo kwazvo here? Zvamaita, maita zvakaipa.

6 Zvino wakavabata, ndokutaura kwavari mashoko iwawa.

7 Zvino vakati kwaari: Ishe wangu anotaurirei mashoko akadai? Ngazvisadaro! Kuti varanda venyu vaite chinhu chakadaro.

8 Tarirai, mari yatakawana pamuromo wemasaga edu takadzosa kwamuri kubva kunyika yeKenani; taigoba sei kubva mumba mashe wako sirivha kana goridhe?

9 Ani nani wevaranda venyu anowanikwa anawo, ngaafe; nesuwo tichava varanda vashe wangu.

10 Iye ndokuti: Ikozvinowo, semashoko enyu, ngazvive saizvozvo; iye anowanikwa anawo, achava nhapwa yangu; asi imwi muchava vasina mhosva.

11 Zvino vakakurumidza umwe neumwe kuburusira saga rake pasi, umwe neumwe ndokuzarura saga rake.

12 Iye ndokutsvaka, akatanga kumukurusa, ndokuguma kumudikisa; mukombe ndokuwanikwa musaga raBhenjamini.

13 Zvino vakabvarura nguvo dzavo, umwe neumwe ndokutakudza mbongoro yake, ndokudzokera kuguta.

14 Zvino Judha nevana vababa vake vakasvika kuimba yaJosefa, nokuti iye waiva achirimo, zvino vakawira pasi pamberi pake.

15 Zvino Josefa wakati kwavari: Chiitoi ichi chamaita? Hamuzivi kuti munhu wakaita seni zvirokwazvo anoshopera here?

16 Judha ndokuti: Tichatii kuna ishe wangu? Tichataurei? Kana tichazvichenesa sei? Mwari wakawana kutadza kwevaranda venyu; tarirai tiri varanda kuna ishe wangu, zvose isu naiye muruoko rwake makawanikwa mukombe.

17 Iye ndokuti: Ngazvive kure neni kuita izvi; murume muruoko rwake mawanikwa mukombe ndiye achava nhapwa yangu; asi imwi, kwirai nerugare kuna baba venyu.

18 Judha ndokuswedera kwaari, ndokuti: Haiwa, ishe wangu! Regai henyu muranda wenyu ataure shoko munzeve dzashe wangu, uye kutsamwa kwenyu ngakurege kupfutira muranda wenyu, nokuti makaitawo saFarao.

19 Ishe wangu wakabvunza varanda vake, achiti: Muna baba here, kana munin'ina?

20 Zvino takati kuna ishe wangu: Tina baba, mutana, nemwana weutana hwavo, mudiki; uye mukoma wake wakafa, zvino iye wasara oga kuna mai vake, uye baba vake vanomuda.

21 Zvino makati kuvaranda venyu: Burukai naye kwandiri, kuti ndiise ziso rangu paari.

22 Zvino takati kuna ishe wangu: Mukomana haagoni kusiya baba vake; kana akasiya baba vake, ivo vachafa.

23 Zvino makati kuvaranda venyu: Kunze kwekuti munin'ina wenyu mudikisa aburuka nemwi, hamuchaonizve chiso changu.

24 Zvino zvakaitika patakakwira kumuranda wenyu, baba vangu, kuti takavaudza mashoko ashe wangu.

25 Baba vedu ndokuti: Endaizve, mutitengere kudya kushoma.

26 Isu ndokuti: Hatigoni kuburuka; kana munin'ina wedu mudiki anesu ipapo tichaburuka; nokuti hatigoni kuona chiso chemurume uyu, kana munin'ina wedu mudiki tisinaye.

27 Uye muranda wenyu, baba vangu vakati kwatiri: Imwi munoziva kuti mukadzi wangu wakandiberekera vaviri;

28 zvino umwe wakabuda kubva kwandiri, ndikati: Zvirokwazvo wakabvamburwa kwazvo; uye handina kuzomuona kusvika ikozvino.

29 Zvino kana mukatora uyuwo kubva pachiso changu, chakaipa chikasangana naye, muchaburusira vhudzi rangu jena kuguva nekushungurudzika.

30 Zvino ikozvino, kana ndikasvika kumuranda wenyu, baba vangu, nemukomana asinesu, mweya wavo zvawakasunganidzwa nemweya wake,

31 zvichaitika paanoona kuti mukomana haapo, kuti achafa; zvino varanda venyu vachaburusira vhudzi jena remuranda wenyu, baba vedu, kuguva nekushungurudzika.

32 Nokuti muranda wenyu wakaita chibatiso chemukomana kuna baba vangu, achiti: Kana ndikasauya naye kwamuri, ipapo ndichava nemhosva kuna baba vangu mazuva ose.

33 Ikozvinowo, regai henyu muranda wenyu agare ari nhapwa kuna ishe wangu pachinzvimbo chemukomana, asi mukomana akwire nevana vababa vake.

34 Nokuti ndingakwira sei kuna baba vangu, nemukomana asineni? Zvimwe ndione dambudziko richawana baba vangu.