ShonaTeam Genesis « 42 »

Jakove anotuma vanakomana vake kunotenga zviyo Egipita

42Zvino Jakove paakaona kuti kwaiva nezviyo muEgipita, Jakove ndokuti kuvanakomana vake: Sei muchitarirana?

2 Akatiwo: Tarirai, ndanzwa kuti kune zviyo muEgipita; burukiraiko, munotitengera kubva ikoko, kuti tirarame, uye tirege kufa.

3 Zvino madzikoma aJosefa gumi akaburuka kunotenga zviyo muEgipita.

4 Asi Bhenjamini, munin'ina waJosefa, Jakove haana kumutuma pamwe nemadzikoma ake, nokuti wakati: Zvimwe angawirwa nenjodzi.

5 Zvino vanakomana vaIsraeri vakauya kuzotenga pakati pevaiuya, nokuti nzara yaiva iri panyika yeKenani.

6 Zvino Josefa waiva mutungamiriri panyika; ndiye aitengesa kuvanhu vose venyika; zvino madzikoma aJosefa akauya, ndokumufugamira zviso zvakatarira pasi.

7 Josefa ndokuona madzikoma ake, ndokuvaziva, asi wakazviita seasingazikanwi kwavari, ndokutaura navo zvinhu zvakaoma, ndokuti kwavari: Mabvepi? Ivo ndokuti: Kunyika yeKenani kuzotenga kudya.

8 Zvino Josefa wakaziva madzikoma ake, asi ivo havana kumuziva.

9 Zvino Josefa wakarangarira hope dzaakarota pamusoro pavo, ndokuti kwavari: Muri vashori, mauya kuzoona kushama kwenyika.

10 Ivo ndokuti kwaari: Kwete, ishe wangu, asi varanda venyu vauya kuzotenga kudya.

11 Tose tiri vanakomana vemunhu umwe chete; tiri muchokwadi, varanda venyu havasi vashori.

12 Iye ndokuti kwavari: Kwete, asi mauya kuzoona kushama kwenyika.

13 Ivo ndokuti: Isu varanda venyu, tiri madzikoma nevanin'ina gumi nevaviri, tiri vanakomana vemunhu umwe panyika yeKenani; zvino tarirai, mudikisa ari kuna baba vedu nhasi; uye umwe haapo.

14 Josefa ndokuti kwavari: Izvi ndizvo zvandataura kwamuri, ndichiti: Muri vashori.

15 Nechinhu ichi muchaedzwa: Neupenyu hwaFarao, hamungabudi pano, kunze kwekuti munin'ina wenyu mudikisa auya pano.

16 Tumai umwe wenyu agotora munin'ina wenyu, asi imwi muchasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana chokwadi chiri mamuri; kana zvisina kudaro, neupenyu hwaFarao! muri vashori zvirokwazvo.

17 Zvino wakavaunganidza muchitokisi mazuva matatu.

18 Josefa ndokuti kwavari nezuva retatu: Itai ichi kuti murarame: Ndinotya Mwari.

19 Kana muri muchokwadi, umwe wemadzikoma nevanin'ina venyu ngaagare akasungwa mumba yechitokisi chenyu; asi imwi endai, takurai zviyo zvenzara zvedzimba dzenyu.

20 Mugounza munin'ina wenyu mudikisa kwandiri; ipapo mashoko enyu achasimbiswa, kuti musafa. Zvino vakaita saizvozvo.

21 Zvino vakataurirana vachiti: Zvirokwazvo tine mhosva nekuda kwemunin'ina wedu, nokuti takaona dambudziko remweya weupenyu wake, paakatinyengetera, asi hatina kuteerera; naizvozvo dambudziko iri rauya kwatiri.

22 Zvino Rubheni wakavapindura, achiti: Handina kutaura kwamuri here, ndichiti: Regai kutadzira mukomana? Asi hamuna kuteerera. Uyewo ropa rake, tarirai, rinotsvakwa.

23 Zvino ivo vaiva vasingazivi kuti Josefa anovanzwa, nokuti kwaiva nemuturikiri pakati pavo.

24 Zvino wakatendeuka kubva kwavari, ndokuchema; ndokudzokera kwavari, ndokutaura kwavari, ndokutora kubva pavari Simioni, ndokumusunga pamberi pemeso avo.

25 Zvino Josefa wakaraira kuti vazadze midziyo yavo nezviyo, nekudzosera mari yeumwe neumwe musaga rake, nekuvapa mbuva yerwendo; ndokuita saizvozvo kwavari.

26 Ipapo vakatakudza zviyo zvavo pambongoro dzavo, vakabvapo.

27 Umwe wakati achizarura saga rake kuti ape mbongoro yake kudya paimba yevaeni, akaona mari yake; nokuti tarira, yaiva iri pamuromo wesaga rake.

28 Zvino wakati kumadzikoma ake: Mari yangu yadzoswa; zvino tarirai, iri musaga rangu; ipapo vakapera moyo, zvino vakabvunda, umwe kune umwe vachiti: Chii ichi Mwari chaaita kwatiri?

29 Zvino vakasvika kuna Jakove baba vavo kunyika yeKenani, ndokumuudza zvose zvavakasangana nazvo, vachiti:

30 Murume, ishe wenyika iyo, wakataura zvakaoma kwatiri, ndokutitora sevashori venyika.

31 Asi takati kwaari: Tiri muchokwadi; hatisi vashori.

32 Tiri madzikoma nevanin'ina gumi nevaviri, vanakomana vababa vedu; umwe haapo, mudikisa nhasi una baba vedu munyika yeKenani.

33 Zvino murume, ishe wenyika iyo, wakati kwatiri: Hechi chandichaziva nacho kuti muri muchokwadi: Siyai umwe wemadzikoma nevanin'ina venyu neni, mutore zvenzara yedzimba dzenyu, muende.

34 Zvino unzai munin'ina wenyu mudikisa kwandiri; ipapo ndichaziva kuti hamusi vashori, asi muri muchokwadi. Ndichakupai munin'ina wenyu, mutengeserane munyika ino.

35 Zvino zvakaitika vachidurura masaga avo, zvino tarira, chisumbu chemari cheumwe neumwe chaiva chiri musaga rake; zvino vakati vaona zvisumbu zvemari yavo, ivo nababa vavo, vakatya.

36 Zvino Jakove baba vavo wakati kwavari: Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haachipo, zvino motora Bhenjamini; zvinhu izvi zvose zvinorwa neni.

37 Zvino Rubheni wakataura kuna baba vake, achiti: Urayai vaviri vevanakomana vangu, kana ndikasamuunza kwamuri; mupei mumaoko angu, uye ini ndichamudzosa kwamuri.

38 Zvino Jakove wakati: Mwanakomana wangu haangaburuki nemwi, nokuti mukoma wake wakafa, uye iye wasara oga; kana chakaipa chikamuwira panzira yamunofamba, ipapo muchaburusira vhudzi rangu jena kuguva nekurwadziwa.