ShonaTeam Genesis « 40 »

Josefa anodudzira hope

40Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti mudiri wamambo weEgipita nemubiki vakatadzira tenzi wavo, mambo weEgipita.

2 Zvino Farao wakatsamwira vatenwa vake vaviri, ivo mukuru wevadiri nemukuru wevabiki.

3 Zvino wakavakumikidza muchitokisi, mumba memukuru wevarindi, mutirongo, nzvimbo maiva makasungwa Josefa.

4 Mukuru wevarindi ndokuraira Josefa kuva navo, iye akavashandira, uye vakava nemazuva muchitokisi.

5 Zvino vose vaviri vakarota hope, umwe neumwe chiroto chake, muusiku humwe, umwe neumwe maererano nedudziro yechiroto chake, mudiri nemubiki vaiva vamambo weEgipita, vaiva vakasungwa mutirongo.

6 Zvino Josefa wakapinda kwavari mangwanani, ndokuvaona, zvino tarira, vakasuruvara.

7 Zvino wakabvunza vatenwa vaFarao vaiva pamwe naye muchitokisi chemumba matenzi wake, achiti: Sei zviso zvenyu zvakasuruvara nhasi?

8 Zvino vakati kwaari: Tarota hope, zvino hakuna mududziri wayo. Josefa ndokuti kwavari: Dudziro hadzisi nemunaMwari here? Dondirondedzerai henyu.

9 Zvino mukuru wevadiri wakarondedzera chiroto chake kuna Josefa, ndokuti kwaari: Muchiroto changu, zvino tarira, muzambiringa pamberi pangu;

10 uye pamuzambiringa paiva nematavi matatu; uye waiita seanotunga, wakabudisa maruva awo; uye masumbu awo akabereka mazambiringa akaibva.

11 Zvino mukombe waFarao waiva uri muruoko rwangu; ini ndokutora mazambiringa, ndokuasvinira mumukombe waFarao, ndokupa mukombe muruoko rwaFarao.

12 Josefa ndokuti kwaari: Iyi ndiyo dudziro yacho: Matavi matatu mazuva matatu;

13 mukati meamwe mazuva matatu Farao achasimudza musoro wako, ndokukudzosera pachinzvimbo chako; uye uchapa mukombe waFarao muruoko rwake, senzira yepakutanga pawaiva uri mudiri wake.

14 Asi undirangarire pamwe newe, pazvinenge zvakunakira; uye undiitire hako tsitsi, uye undireverere kuna Farao, ugondibudisa paimba ino.

15 Nokuti zvirokwazvo ndakabiwa kubva kunyika yevaHebheru; nepano handina kuita chinhu kuti vandiise mugomba.

16 Mukuru wevabiki wakati aona kuti wadudzira zvakanaka, wakati kuna Josefa: Iniwo ndaiva ndiri pachiroto changu, zvino tarira, paiva netswanda nhatu dzezvingwa zvichena mumusoro mangu;

17 zvino mutswanda yepamusoro maiva nezvekudya zvose zvaFarao, basa remubiki; shiri ndokuzvidya kubva mutswanda yaiva pamusoro pemusoro wangu.

18 Zvino Josefa wakapindura ndokuti: Iyi ndiyo dudziro yayo: Tswanda nhatu mazuva matatu;

19 mukati meamwe mazuva matatu Farao achasimudza musoro wako akaubvisa pamusoro pako, uye achakusungirira pamuti; uye shiri dzichadya nyama yako kubva pauri.

20 Zvino zvakaitika nezuva retatu, zuva rekuzvarwa kwaFarao, kuti wakaitira varanda vake vose mabiko; ndokusimudza musoro wemukuru wevadiri, nemusoro wemukuru wevabiki pakati pevaranda vake.

21 Zvino wakadzosera mukuru wevadiri paudiri hwake, iye ndokupa mukombe muruoko rwaFarao.

22 Asi wakaremberedza mukuru wevabiki Josefa sezvaaiva avadudzira.

23 Asi mukuru wevadiri haana kurangarira Josefa, asi wakamukanganwa.