ShonaTeam Genesis « 39 »

Josefa nemukadzi waPotifari

39Zvino Josefa wakaburusirwa kuEgipita; Potifari, gurukota raFarao, mukuru wevarindi, muEgipita, ndokumutenga paruoko rwevaIshimaeri, vaiva vamuburusirako.

2 Jehovha ndokuva naJosefa, kusvika ava munhu wakabudirira; ndokuva mumba matenzi wake, muEgipita.

3 Tenzi wake ndokuona kuti Jehovha anaye, uye kuti zvose zvaaiva achiita Jehovha wakazvibudiririsa muruoko rwake.

4 Josefa ndokuwana nyasha pameso ake, ndokumubatira; iye ndokumuita mubati weimba yake; nezvose zvaaiva nazvo wakapa muruoko rwake.

5 Zvino zvakaitika kubva paakamuita mubati weimba yake newezvose zvaaiva nazvo, kuti Jehovha wakaropafadza imba yemuEgipita nekuda kwaJosefa; uye ropafadzo yaJehovha yaiva iri pamusoro pezvose zvaaiva nazvo mumba nekumunda.

6 Zvino wakasiya zvose zvaaiva nazvo muruoko rwaJosefa; uye iye waiva asingazivi chinhu chaiva chinaye kunze kwekudya kwaaidya. Zvino Josefa waiva akanaka pachimiro, uye akanaka pakuonekwa.

7 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, kuti mukadzi watenzi wake wakakanda meso ake kuna Josefa; ndokuti: Rara neni.

8 Asi iye wakaramba, ndokuti kumukadzi watenzi wake: Tarirai, tenzi wangu haazivi zvineni mumba, uye zvose zvaanazvo wakapa muruoko rwangu;

9 hakuna mukuru muimba ino kupfuura ini; uye haana kundinyima chinhu, kunze kwenyu, nokuti muri mukadzi wake; zvino ndingaita sei chinhu ichi chakaipa zvikuru, ndigotadzira Mwari?

10 Zvino zvakaitika, achitaura naJosefa zuva nezuva, kuti haana kumuteerera, kuti arare naye, kana kuva naye.

11 Ndokuitika nerimwe zuva, kuti wakapinda mumba kuita basa rake, uye paiva pasina umwe wevarume vemumba ipapo mumba.

12 Zvino wakamubata nenguvo yake achiti: Rara neni; iye ndokusiya nguvo yake muruoko rwake, ndokutiza, ndokubuda panze.

13 Zvino zvakaitika paakaona kuti wasiya nguvo yake muruoko rwake, ndokutizira panze,

14 kuti wakadana varume veimba yake, ndokutaura kwavari achiti: Tarirai, iye akaunza munhu muHebheru kwatiri kutamba nesu; wapinda kwandiri kuti arare neni, ndikadanidzira neinzwi guru.

15 Zvino zvaitika anzwa kuti ndasimudza inzwi ndokudanidzira, kuti wasiya nguvo yake kwandiri, ndokutiza, ndokubuda panze.

16 Zvino wakaisa nguvo yake kwaari kusvika tenzi wake achisvika kumba kwake.

17 Ndokutaura kwaari maererano nemashoko awa achiti: Muranda muHebheru wawakaisa kwatiri, wauya kwandiri kuti atambe neni;

18 zvino zvaitika ndichisimudza inzwi rangu ndichidanidzira, kuti wasiya nguvo yake kwandiri, ndokutizira panze.

19 Zvino zvakaitika tenzi wake achinzwa mashoko emukadzi wake aakataura kwaari achiti: Muranda wako wandiitira sezvinhu izvi; kuti hasha dzake dzakapfuta.

20 Tenzi waJosefa ndokumutora, ndokumuisa mutirongo, nzvimbo vasungwa vamambo mavaisungirwa; akavamo mutirongo.

21 Asi Jehovha wakava naJosefa, ndokumutandavadzira ngoni, ndokumupa nyasha pameso emutariri wetirongo.

22 Mutariri wetirongo ndokupa muruoko rwaJosefa vasungwa vose vaiva mutirongo; uye aiva muiti wezvose zvavaiitamo.

23 Mutariri wetirongo waiva asingatarisi chinhu chaiva chiri muruoko, nokuti Jehovha waiva anaye; uye zvaaiita, Jehovha wakazvibudiririsa.