ShonaTeam Genesis « 38 »

Judha naTamari

38Zvino zvakaitika nenguva iyoyo kuti Judha wakaburuka kubva kuvana vababa vake, ndokutsaukira kumurume muAdhuramu, zita rake raiva Hira.

2 Judha ndokuonapo mukunda wemurume muKenani, zita rake raiva Shua, ndokumutora, ndokupinda kwaari.

3 Zvino wakabata mimba, ndokubereka mwanakomana, iye ndokutumidza zita rake Eri.

4 Zvino wakabatazve mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake Onani.

5 Zvino wakawedzerazve, ndokubereka mwanakomana; ndokutumidza zita rake Shera; asi waiva paKezibhi pakumubereka kwake.

6 Zvino Judha wakatorera Eri dangwe rake mukadzi, uye zita rake raiva Tamari.

7 Asi Eri dangwe raJudha waiva akaipa pameso paJehovha; Jehovha ndokumuuraya.

8 Zvino Judha wakati kuna Onani: Pinda kumukadzi wemukoma wako, umuitirewo faniro yemurume yemukoma, ugomutsira mukoma wako chizvarwa.

9 Zvino Onani wakaziva kuti chizvarwa hachingavi chake; ndokuitika kuti kana opinda kumukadzi wemukoma wake, wakaparadza mbeu pasi, kuti arege kupa chizvarwa kumukoma wake.

10 Zvino ichi chaakaita chakava chakaipa pameso aJehovha; naizvozvo wakamuurayawo.

11 Judha ndokuti kuna Tamari mukadzi wemwana wake: Gara uri chirikadzi paimba yababa vako, kusvika Shera mwanakomana wangu akura; nokuti wakati: Zvimwe angafa naiye semadzikoma ake. Tamari akandogara kumba kwababa vake.

12 Shure kwemazuva mazhinji mukunda waShua mukadzi waJudha wakafa. Judha wakati anyaradzwa ndokukwira kuvaveuri vemakwai ake kuTimunati, iye naHira shamwari yake muAdhuramu.

13 Zvino zvakaziviswa kuna Tamari zvichinzi: Tarira baba vemurume wako vanokwira kuTimunati kunoveura makwai avo.

14 Zvino wakakurura nguvo dzeuchirikadzi hwake, ndokuzvifukidza nechifukidzo chekumeso, ndokuzvimonera, ndokugara pasuwo reEnaimu, riri panzira inoenda kuTimunati; nokuti waiva aona kuti Shera akura, asi haana kupiwa kwaari iye ave mukadzi wake.

15 Judha wakati amuona akafunga kuti chifeve, nokuti waiva afukidza chiso chake.

16 Zvino wakatsaukira kwaari panzira ndokuti: Douya ndipinde kwauri; nokuti waiva asingazivi kuti mukadzi wemwanakomana wake. Iye ndokuti: Uchandipei kuti upinde kwandiri?

17 Iye ndokuti: Ini ndichatumira sheche yembudzi inobva kuzvipfuwo. Iye ndokuti: Uchandipa chibatiso kusvika waituma here?

18Judha ndokuti: Chibatisoi chandichakupa? Iye ndokuti: Chidhindo chako, nerwonzi rwako, netsvimbo yako iri paruoko rwako. Zvino wakamupa, ndokupinda kwaari, iye ndokubata mimba naye.

19 Zvino wakasimuka ndokuenda, ndokukurura chifukidzo chake chekumeso kubva paari, ndokupfeka nguvo dzeuchirikadzi hwake.

20 Zvino Judha wakatumira sheche yembudzi neruoko rweshamwari yake muAdhuramu, kuti atore chibatiso paruoko rwemukadzi; asi haana kumuwana.

21 Zvino wakabvunza vanhu venzvimbo yekwake achiti: Chiripi chifeve chaiva paEnaimu panzira? Vakati: Hakuna kumbova nechifeve pano.

22 Zvino wakadzokera kuna Judha ndokuti: Handina kumuwana; uyewo vanhu venzvimbo iyo vakati: Hapana kumbova nechifeve pano.

23 Judha ndokuti: Ngaazvitorere, zvimwe tingazvidzika; tarira ndatuma mbudzana iyi, asi iwe ukasamuwana.

24 Zvino zvakaitika shure kwemwedzi inenge mitatu, kuti zvakaziviswa kuna Judha zvichinzi: Tamari, mukadzi wemwanakomana wako, wakaita ufeve, uyewo tarira, wava nemimba neufeve. Judha ndokuti: Mubudisei apiswe.

25 Wakati abudiswa, iye ndokutuma shoko kuna baba vemurume wake achiti: Ndine mimba nemurume ane zvinhu izvi; ndokuti: Cherekedzai henyu kuti izvi ndezvani: Chidhindo, nerwonzi, netsvimbo.

26 Judha ndokuzvitenda, ndokuti: Wakarurama kukunda ini, nokuti sezvo ndisina kumupa Shera mwanakomana wangu. Asi haana kuzomuzivazve.

27 Zvino zvakaitika panguva yekubereka kwake, zvino tarira, mapatya aiva mudumbu rake.

28 Zvino zvakaitika pakubereka kwake, kuti umwe wakabudisa ruoko; nyamukuta ndokutora rwodzi rutsvuku, akarusungira paruoko rwake achiti: Uyu achatanga kubuda.

29 Asi wakati achidzosera ruoko rwake, tarira, munin'ina wake wakabuda; iye ndokuti: Wapoya sei? Kupoya kuri pamusoro pako. Ndokutumidza zita rake Perezi.

30 Zvino pashure kwakabuda mukoma wake waiva ane rwodzi rutsvuku paruoko rwake; ndokutumidza zita rake Zera.