ShonaTeam Genesis « 37 »

Josefa anotengeswa nemadzikoma ake

37Zvino Jakove wakagara munyika yeutorwa hwababa vake, munyika yeKenani.

2 Urwu rudzi rwaJakove: Josefa waiva ane makore gumi nemanomwe, achifudza makwai pamwe nemadzikoma ake; waiva ari mukomana pamwe nevanakomana vaBhiriha, nevanakomana vaZiripa, vakadzi vababa vake; Josefa ndokuunza mashoko ekuipa kwavo kuna baba vavo.

3 Zvino Israeri waida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti waiva mwanakomana weutana hwake; akamuitira nguvo refu yaiva ine mavara-mavara.

4 Zvino madzikoma ake paakaona kuti baba vavo vanomuda kupfuura madzikoma ake ose, vakamuvengawo, ndokusagona kutaura kwaari nerugare.

5 Zvino Josefa wakarota hope, ndokuudza madzikoma ake; naizvozvo vakanyanyazve kumuvenga.

6 Zvino wakati kwavari: Donzwaiwo hope idzi dzandarota.

7 Zvino tarirai, takanga tichisunga zvisote pakati pemunda, uye tatirai, chisote changu chakamira kuti tasa, zvino tarirai, zvisote zvenyu zvakakomba, ndokukotama pamberi pechisote changu.

8 Zvino madzikoma ake akati kwaari: Ko kutonga uchatitonga, zvirokwazvo uchava nesimba pamusoro pedu here? Vakanyanyazve kumuvenga nekuda kwehope dzake uye nekuda kwemashoko ake.

9 Zvino wakarotazve chimwe chiroto, ndokuchiudza madzikoma ake, ndokuti: Tarirai, ndarotazve hope; zvino tarirai, zuva nemwedzi nenyeredzi gumi neimwe, dzichindikotamira.

10 Zvino wakarondedzera kuna baba vake nekumadzikoma ake izvozvo; baba vake ndokumutsiura vakati kwaari: Ihopei iyi yawarota? Ini namai vako nemadzikoma ako tichauya zvirokwazvo kukotama pasi pamberi pako kanhi?

11 Madzikoma ake ndokumugodora; asi baba vake vakachengeta shoko iri.

12 Zvino madzikoma ake akanofudza makwai ababa vavo paShekemu.

13 Israeri ndokuti kuna Josefa: Madzikoma ako haafudzi paShekemu here? Uya ndikutumire kwavari. Iye ndokuti kwavari: Ndiri pano.

14 Zvino wakati kwaari: Enda hako unotarira kuchengeteka kwemadzikoma ako, nekuchengeteka kwemakwai, ugondidzosera shoko. Naizvozvo wakamutuma kubva pamupata weHebhuroni, iye ndokunosvika kuShekemu.

15 Zvino murume wakamuwana, nokuti tarira waidzungaira musango; murume ndokumubvunza achiti: Unotsvakei?

16 Iye ndokuti: Ndinotsvaka madzikoma angu; dondiudza hako kwavanofudzira.

17 Murume ndokuti: Vakabva pano, nokuti ndakavanzwa vachiti: Ngatiende kuDhotani. Josefa ndokutevera madzikoma ake, ndokuvawana paDhotani.

18 Zvino vakamuona achiri kure; uye asati aswedera kwavari, vakarangana pamusoro pake kuti vamuuraye.

19 Zvino vakataurirana vachiti: Tarirai tenzi wezviroto uyu wauya.

20 Naizvozvo uyai ikozvino timuuraye, tigomukandira mune rimwe remakomba awa, tigoti: Chikara chakaipa chamudya; tigoona kuti hope dzake dzichavei.

21 Zvino Rubheni wakazvinzwa, ndokumununura muruoko rwavo, ndokuti: Ngatirege kumurova upenyu.

22 Rubheni ndokuti kwavari: Musateura ropa; mukandirei mugomba iri riri murenje, asi regai kuisa ruoko kwaari; kuti amununure paruoko rwavo, agomudzosera kuna baba vake.

23 Zvino zvakaitika Josefa asvika kumadzikoma ake, kuti vakakurura Josefa nguvo yake refu, nguvo refu yaiva ine mavara-mavara, yaaiva akapfeka;

24 zvino vakamutora, ndokumukandira mugomba; asi gomba raiva risina chinhu, musina mvura mariri.

25 Zvino vakagara pasi kudya zvekudya; zvino vakasimudza meso avo, ndokuona, zvino tarira, dungwe revaIshimaeri vachibva Giriyadhi, nemakamera avo vakatakura zvinhu zvinonhuhwira, nebarisami, nemura, vachienda kunozviburusira kuEgipita.

26 Zvino Judha wakati kuvana vababa vake: Mubairoi, kana tikauraya munin'ina wedu ndokufukidza ropa rake?

27 Uyai timutengese kuvaIshimaeri; neruoko rwedu rwurege kuva kwaari; nokuti munin'ina wedu, nyama yedu. Vana vababa vake ndokuteerera.

28 Zvino vatengesi vevaMidhiani vakapfuurapo, zvino vakamukweva vachisimudza Josefa kubuda mugomba, ndokutengesa Josefa kuvaIshimaeri nemashekeri makumi maviri; ivo ndokuunza Josefa kuEgipita.

29 Rubheni ndokudzokera kugomba, zvino tarira, Josefa waiva asimo mugomba; iye ndokubvarura nguvo dzake.

30 Zvino wakadzokera kuvanin'ina vake, ndokuti: Mwana haachipo; neni ndichaendepi?

31 Zvino vakatora nguvo refu yaJosefa, ndokuuraya mbudzana yembudzi, ndokunyika nguvo refu muropa.

32 Zvino vakatumira nguvo refu yemavara-mavara, ndokuiendesa kuna baba vavo, ndokuti: Tawana ichi; zivai henyu kana iri nguvo refu yemwanakomana wenyu, kana kwete.

33 Zvino vakaiziva ndokuti: Inguvo refu yemwanakomana wangu; chikara chakaipa chamudya; zvirokwazvo Josefa wabvamburwa-bvamburwa.

34 Jakove ndokubvarura nguvo dzake, ndokuisa masaga pachiuno chake, ndokuchema mwanakomana wake mazuva mazhinji.

35 Zvino vanakomana vake vose nevakunda vake vose vakasimuka kumunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa, ndokuti: Nokuti ndichaburukira kuguva kumwanakomana wangu ndichichema. Baba vake vakamuungudzira saizvozvo.

36 Zvino vaMidhiani vakamutengesa muEgipita kuna Potifari, mutenwa waFarao, mukuru wevarindi.